Online Bible

- Reklamy -

Isaya 65 - Shona Bible 1949 revised 2002


Kupindura kwaJehovha

1 Ndakatendera kuti nditsvakwe navasina kundibvunza, ndakatendera kuti ndiwanikwe navasina kunditsvaka; ndakati kurudzi rwakanga rusingatumidzwi nezita rangu, “Tarirai ndini, tarirai ndini.”

2 Ndakatambanudzira maoko angu zuva rose kurudzi rwavanhu rwakandimukira, vanofamba nenzira isakanaka, vachitevera ndangariro dzavo;

3 vanhu vanogara vachinditambudza pachena, vanobayira zvibayiro paminda, vachipisa zvinonhuwira pamusoro pezvitinha;

4 vanogara pakati pamabwiro, vachivata panzvimbo dzakavandika; vanodya nyama yenguruve, uye muto wezvinhu zvinonyangadza uri mumidziyo yavo;

5 vanoti, “Mira woga, usaswedera kwandiri, nokuti ndiri mutsvene kupfuura iwe.” Ava utsi mumhino dzangu, moto unopfuta zuva rose.

6 Tarirai zvakanyorwa pamberi pangu, “Handinganyarari, asi ndicharitsiva, zvirokwazvo ndicharitsiva nokutsiva kuzere,

7 zvakaipa zvenyu, nezvakaipa zvamadzibaba enyu pamwechete, vakapisa zvinonhuwira pamusoro pezvikomo; naizvozvo ndichatanga kuvayerera mabasa avo nokuyerera kuzere” ndizvo zvinotaura Jehovha.

8 Zvanzi naJehovha, “Zvakafanana nomunhu kana achiwana waini itsva musumbu remidzambiringa, mumwe akati, ‘Usariparadza, nokuti mukomborero urimo; ndizvo zvandichaita nokuda kwavaranda vangu, kuti ndirege kuvaparadza vose.’

9 “Ndichabudisa rudzi kuna Jakobho, nomudyi wenhaka yamakomo angu kuna Judha; vasanangurwa vangu vachagara nhaka, navaranda vangu vachagarapo.

10 “Bani reSharo richiva mafuro amakwai, nomupata weAkori nzvimbo pangavata mombe pasi, zvichava zvavanhu vangu vakanditsvaka.

11 Asi imi munosiya Jehovha, nokukanganwa gomo rangu dzvene, imi munogadzirira Gadhi tafura, nokudirira Meni waini yakavhenganiswa.

12 “Ndichakutemerai muurawe nomunondo, imi mose muchakotamira pakubayiwa; nokuti panguva yandakadana, hamuna kupindura; panguva yandakataura, hamuna kunzwa; asi makaita zvakaipa pamberi pangu, mukasanangura zvandakanga ndisingafariri.”

13 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Tarirai, varanda vangu vachadya, asi imi muchava nenzara; tarirai, varanda vangu vachanwa, asi imi muchava nenyota; tarirai, varanda vangu vachafara, asi imi muchanyadziswa;

14 tarirai, varanda vangu vachaimba nokufara kwomwoyo, asi imi muchachema nokurwadziwa kwomwoyo, muchaungudza nokuputsika kwomweya.

15 Imi muchasiyira vasanangurwa vangu zita renyu, rive rokutuka naro; Ishe Jehovha achakuuraya, ndokutumidza varanda vake rimwe zita;

16 kuti ani naani anozviti ndakaropafadzwa panyika, achati ndakaropafadzwa naMwari wachokwadi; nokuti madambudziko okutanga akakanganikwa, nokuti avanzirwa meso angu.

17 “Nokuti tarirai, ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa nomwoyo.

18 “Asi imi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika; nokuti tarirai, ndinosika Jerusaremu rive guta romufaro, navanhu varo vave nomufaro.

19 “Ndichafarira Jerusaremu, nokuva nomufaro pamusoro pavanhu vangu; mukati maro hamuchazonzwiki izwi rokuchema, kana izwi rokuridza mhere.

20 Hapangazovipo rushiye runamazuva mashoma, kana mutana asina kusvitsa mazuva ake; nokuti mwana achafa apedza makore ane zana, nomutadzi acharohwa nokutukwa kana asvika makore ane zana.

21 Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemidzambiringa, nokudya michero yayo.

22 Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vatsanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.

23 Havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana vachakurumidza kuparadzwa; nokuti ndivo vana vavakaropafadzwa naJehovha, zvibereko zvavo zvichagara navo.

24 Zvino ndichapindura vasati vadana, ndichanzwa vachitaura.

25 Bere negwayana zvichafura pamwechete, shumba ichadya uswa senzombe, uye guruva richava zvokudya zvenyoka. Havangakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene” ndizvo zvinotaura Jehovha.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy