Online Bible

- Reklamy -

Isaya 64 - Shona Bible 1949 revised 2002

1 Haiwa, dai maibvarura denga, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu,

2 sezvinoita moto kana uchipisa utsotso, nomoto kana uchivirisa mvura, kuti muzivise vadzivisi venyu zita renyu, kuti marudzi adedere pamberi penyu!

3 Panguva yamakaita zvinhu zvinotyisa, zvatakanga tisina kutarira, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu.

4 Nokuti kubva panguva yakare vanhu havana kunzwa, kana kunzwisisa nenzeve, kunyange neziso harina kuona Mwari kunze kwenyu, iye anobatira vanomumirira.

5 Munosangana noanofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu; tarirai, makanga makatsamwa, nesu takatadza; takanga takadaro nguva refu, zvino tingaponeswa here?

6 Nokuti isu tose tava soune tsvina, kururama kwedu kwose kwafanana nenguo ine tsvina; isu tose tinooma seshizha, zvakaipa zvedu zvinotibvisa semhepo.

7 Hakuna anodana zita renyu, anozvimutsa kuti akunamatireyi; nokuti makativanzira chiso chenyu, mukatinyungurusa nezvakaipa zvedu.

8 Asi zvino Jehovha, muri baba vedu; isu tiri ivhu, imi muri muumbi wedu, isu tose tiri basa roruoko rwenyu.

9 Regai kutsamwa zvikuru, Jehovha, uye regai kurangarira zvakaipa zvedu nokusingaperi; tarirai, doonai, tiri vanhu venyu.

10 Maguta enyu matsvene ashanduka renje, Zioni rashanduka renje, Jerusaremu rava dongo.

11 Imba yedu tsvene, yakanakisa, pamakarumbidzwa namadzibaba edu, yatsva nomoto; nzvimbo dzedu dzose, dzataifarira, dzaparadzwa.

12 Jehovha, mungazvidzora nokuda kwezvinhu izvi here? Mucharamba munyerere, muchititambudza zvikuru here?

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy