Isaya 62 - Shona Bible 1949 revised 2002Jerusaremu rakavandudzwa 1 Nokuda kweZioni handingarambi ndinyerere, nokuda kweJerusaremu handingazorori, kusvikira kururama kwaro kuchibuda sechiedza, nokuponeswa kwaro somwenje unopfuta. 2 Marudzi avanhu achaona kururama kwako, namadzimambo ose kurumbidzwa kwako; uchatumidzwa zita idzva, richarehwa nomuromo waJehovha. 3 Iwe uchavawo korona yakanaka muruoko rwaJehovha, noukomba hwoumambo muruoko rwaMwari wako. 4 Hauchazonzi, “Musiyiwa;” nenyika yako haichazonzi dongo; asi iwe uchatumidzwa zita rinonzi “Hefizibha,” nenyika yako Bheura; nokuti Jehovha anokufarira, nenyika yako ichawanikwa. 5 Nokuti jaya sezvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; uye muwani sezvaanofarira mukadzi wake, saizvozvo Mwari wako achakufarira. 6 Ndakagadza nharire pamusoro pamasvingo ako, iwe Jerusaremu; havangatongonyarari masikati nousiku; imi vayeudziri vaJehovha, regai kunyarara, 7 uye musamutendera kuzorora, kusvikira asimbisa izvozvo, kusvikira aita Jerusaremu guta rinorumbidzwa panyika. 8 Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi, uye noruoko rwake rune simba, achiti, “Zvirokwazvo handichazopi vavengi vako zviyo zvako, zvive zvokudya zvavo, navatorwa havachazonwi waini yako itsva, yawakatamburira; 9 asi vakazvikohwa ndivo vachazvidya, vachirumbidza Jehovha; vakaiunganidza ndivo vachainwa pamavanze eimba yangu tsvene.” 10 Pindai, pindai napamusuo, gadzirai nzira yavanhu; gadzirai, gadzirai mugwagwa, bvisai mabwe, simudzirai vanhu mureza. 11 Tarirai, Jehovha akaparidza shoko kusvikira kumugumo wenyika, achiti, “Udzai mukunda waZioni, muti, ‘Tarira, ruponeso rwako runouya; tarira, mubayiro wake anawo, zvaanoripira zviri pamberi pake.’ ” 12 Vachavatumidza zita rinonzi “Vanhu vatsvene, Vakadzikunurwa naJehovha; newe uchatumidzwa zita rinonzi, ‘Mutsvakwa, Guta risina kusiyiwa.’ ” |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe