Online Bible

- Reklamy -

Isaya 61 - Shona Bible 1949 revised 2002


Mashoko omufaro anoparidzirwa Zioni

1 Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu; nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; akandituma kuti ndirape vanemwoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire vakatapwa kusunungurwa, nokuna vakasungwa kuti vachazarurirwa;

2 kuti ndiparidzire gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu; kuti ndinyaradze vose vanochema;

3 kuti ndigadzire vanochema paZioni vapiwe korona panzvimbo yamadota, mafuta omufaro panzvimbo yokuchema, nenguo yokurumbidza panzvimbo yomweya waziya; kuti vanzi miti yokururama, chakasimwa chaJehovha, kuti iye akudzwe.

4 Ipapo vachavaka matongo akare, vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa dzokutanga, vachagadzira maguta akanga aitwa matongo, nezvose zvakaparadzwa zvamarudzi namarudzi.

5 Vatorwa vachamira vachifudza mapoka enyu amakwai, navaeni vachava varimi venyu navagadziri vemidzambiringa yenyu.

6 Asi imi muchanzi vapristi vaJehovha, vanhu vachakutumidzai vashumiri vaMwari wedu; muchadya pfuma yamarudzi avanhu, muchazvirumbidza nokukudzwa kwawo.

7 Panzvimbo yokunyadziswa kwenyu, muchapiwa migove miviri; panzvimbo yokushorwa vachafarira mugove wavo; naizvozvo panyika yavo vachava nemigove miviri, vachava nomufaro usingaperi.

8 Nokuti ini Jehovha ndinoda zvakarurama, ndinovenga kupamba pamwechete nezvakaipa; ndichaviripira zvirokwazvo, uye ndichaita sungano isingaperi navo.

9 Vana vavo vachazikanwa pakati pamarudzi, nezvibereko zvavo pakati pavanhu; vose vanovaona vachavaziva, kuti ndirwo rudzi rwakaropafadzwa naJehovha.

10 Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro munaMwari wangu; nokuti akandifukidza nguo dzoruponeso, akandipfekedza chokufuka chokururama, somuwani anoshonga korona, uye somwenga unozvishongedza noukomba hwake.

11 Nokuti nyika sezvainobudisa miti yayo, nomunda sezvaunomeresa zvakadyarwamo, saizvozvo Ishe Jehovha achameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy