Isaya 4 - Shona Bible 1949 revised 20021 Nezuva iro vakadzi vanomwe vachabata murume mumwe, vachiti, “Tichadya zvokudya zvedu, tichafuka zvokufuka zvedu; tinongoda kudanwa zita rako bedzi; bvisa kunyadzwa kwedu.” 2 Nezuva iro bukira raJehovha richanaka nokubwinya, uye zvibereko zvenyika zvichava zvakaisvonaka nezvinorumbidzwa kuna vakapukunyuka vaIsiraeri. 3 Vakasiyiwa paZioni, navakasara paJerusaremu, ivo vachanzi vatsvene, ani naani akanyorwa pakati pavapenyu muJerusaremu; 4 kana Ishe ashambidza tsvina yavakunda veZioni, anatsa ropa reJerusaremu achiribvisa mukati maro, nomweya wokururamisa uye nomweya wokupisa. 5 Zvino Jehovha achasvika pamusoro peimba imwe neimwe pagomo reZioni, napamusoro peungano dzaro, gore noutsi masikati, nokupenya kwomoto unopfuta usiku; nokuti pachava nechitaviridzo pamusoro pokubwinya kwose. 6 Kuchavapo netende, richava mumvuri masikati kana zuva richipisa, noutiziro nechivando kana pane dutu nemvura. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe