Online Bible

- Reklamy -

Isaya 30 - Shona Bible 1949 revised 2002


VaIsiraeri ngavarege kuvimba neIjipiti

1 Zvanzi naJehovha, “Vane nhamo vana vanondimukira, vanofunga mano vasingandibvunzi, vanoita sungano zvisingabvi paMweya wangu, kuti vawedzere zvivi nezvivi;

2 vanozvirongedza kuenda Ijipiti, vasina kundibvunza, kuti vazvisimbise nesimba raFarao, nokuvanda mumumvuri weIjipiti.

3 Naizvozvo simba raFarao richakunyadzisai, kuvanda kwenyu mumumvuri waFarao kuchava kukanganisa kwenyu.

4 Nokuti machinda avo ari paZoani, nhume dzake dzakasvika Hanesi.

5 “Vose vachanyadziswa pamusoro porudzi rwavanhu vasingagoni kuvapfumisa, vasingavabatsiri kana kuvapfumisa, asi kuvanyadzisa nokuvashovodza.”

6 Chirevo pamusoro pezvikara zvenyika yezasi. “Panyika yokutambudzika neyokuchema, kunobva shumba hadzi negonho, nenyoka, nenyoka yomoto inobhururuka, ndipo pavanotakudza pfuma yavo pamusoro pamafudzi avana vembongoro, nezvinokosha zvavo panyundwa dzengamera, vachizviisa kuvanhu vasingavapfumisi.

7 Nokuti Ijipiti inobatsira pasina, zvisina maturo; saka ndakaitumidza zita rokuti, ‘Rahabhi anongogara zvake.’ ”

8 Zvino chienda, uzvinyore pamberi pavo pahwendefa rebwe, uzvinyore mubhuku, zvivepo panguva inouya nokusingaperi-peri.

9 Nokuti ava rudzi runondimukira, vana vane nhema, vana vasingadi kunzwa murayiro waJehovha;

10 vanoti kuvaoni, “Musaona”; nokuvaporofita. Musatiporofitera zvinhu zvakarurama, tiudzei zvinofadza, tiporofitere zvinonyengera;

11 ibvai panzira, tsaukai pagwara, bvisai Mutsvene waIsiraeri pamberi pedu.

12 Naizvozvo zvanzi noMutsvene waIsiraeri, “Zvamunozvidza shoko iri, muchivimba nokumanikidzwa nokunyengera, muchizvitenda izvo;

13 naizvozvo kuipa uku kuchava kwamuri sapakakoromoka panoda kuwa, panotseyama parusvingo rwakareba, panowa kamwekamwe pakarepo.

14 Uchaiputsa sezvinoputswa mudziyo womuumbi, uchaiputsa-putsa asine nyasha, kusvikira pachishaikwa pakati pezvimedu zvayo chaenga chokundogoka moto nacho pachoto, kana kutekesa mvura nacho patsime.”

15 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsiraeri, “Pakudzoka nokuzorora ndipo panoruponeso rwenyu, pakunyarara napakutenda ndipo pachava nesimba renyu;” asi makaramba,

16 mukati, “Kwete, tichatiza takatasva mabhiza;” saka muchatiza zvenyu; uyezve, “Tichatasva mabhiza anomhanyisa;” saka vanodzingana nemi vachamhanyisa.

17 Vane chiuru vachatiza kana vachivambwa nomumwe; muchatiza kana muchivambwa navashanu; kusvikira masiyiwa sedanda pamusoro pegomo, somureza pamusoro pechikomo.

18 Naizvozvo Jehovha achambomira, kuti akunzwirei tsitsi; naizvozvo achakudzwa, kuti ave nenyasha nemi, nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira; vakaropafadzwa vose vanomumirira.

19 Nokuti vanhu vachagara paZioni paJerusaremu; hamungazochemi, zvirokwazvo achakunzwirai tsitsi, kana achinzwa kuchema kwenyu; kana achinzwa, achakupindurai.

20 Kunyange Ishe akakupai chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika, kunyange zvakadaro vadzidzisi venyu havangavandi, asi meso enyu achaona vadzidzisi venyu;

21 nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti, “Heyi nzira, fambai nayo!” Kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.

22 Muchashatisa sirivha yakafukidza mifananidzo yenyu yakavezwa, nendarama yakanamirwa pamifananidzo yenyu yakaumbwa; uchairashira kure sechinhu chakashata; uchati kwachiri, “Ibva pano.”

23 Achakupa mvura yokumeresa mbeu yako, yauchadyara muvhu; nezvokudya, zvinoberekwa nevhu, zvichava zvakakora zvizhinji. Nezuva iro mombe dzenyu dzichafura pamafuro makuru;

24 nzombe navana vembongoro, zvinorima minda, zvichadya zvokudya zvakarungwa; zvakarutswa nemitsvairo nemisero.

25 Pamusoro pegomo rimwe nerimwe chakwirira, pachava nenzizi nehova dzemvura, nezuva rokuurawa kukuru kana shongwe dzichiwa.

26 Uyezve, chiedza chomwedzi chichafanana nechiedza chezuva, chiedza chezuva chichawedzerwa kanomwe; sechiedza chamazuva manomwe, nezuva iro kana Jehovha achisunga pakakuvara pavanhu vake, nokuporesa vanga ravakarohwa.


Jehovha achakunda vaAsiria

27 Tarirai, zita raJehovha rinobva kure, richipisa nokutsamwa kwake, richibudisa utsi uzhinji; miromo yake izere nehasha, rurimi rwake rwakafanana nomoto unopedza zvose;

28 mweya wake wakaita sorwizi runodira kunze, runosvikira pamutsipa, kuti asere marudzi avanhu nomusero wokuparadza; matomu anotsausa achava mumiromo yavanhu.

29 Muchaimba rwiyo, sezvinoitwa usiku kana mutambo mutsvene uchitambwa; muchava nokufara kwomwoyo, wakafanana nowomunhu anoenda achiridza nyere kugomo raJehovha, kudombo raIsiraeri.

30 Jehovha achanzwisa izwi rake roumambo, acharatidza kuburuka kworuoko rwake, nokutsamwa kwake kukuru, nomurazvo womoto unopedza zvose, nechamupupuri, nokunaya kukuru kwemvura, nechimvuramabwe.

31 Nokuti muAsiria achakanganiswa nezwi raJehovha; achamurova neshamhu.

32 Kurova kwose kwetsvimbo yakatumwa, yaacharohwa nayo naJehovha, kuchaitwa nokurira kwengoma nembira; acharwa navo nokurwa kuchazunungusa.

33 Nokuti Tofeti rakagara ragadzirwa; zvirokwazvo rakagadzirirwa mambo; wakaridzikisa nokurikurisa; dutu riripo moto nehuni zhinji; mweya waJehovha, wakafanana norwizi rwesariferi, uchazvipfutidza.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy