Isaya 25 - Shona Bible 1949 revised 2002Rwiyo rwokurumbidza Jehovha 1 Jehovha, ndimi Mwari wangu! Ndicharumbidza zita renyu; nokuti makaita zvinoshamisa, izvo zvamakafunga kare nokutendeka nezvokwadi. 2 Nokuti guta makariita dutu ramabwe, guta rakakombwa norusvingo makariita dongo, imba huru yavatorwa rirege kuva guta; haringatongovakwi. 3 Naizvozvo rudzi rukuru ruchakukudzai; guta ramarudzi avanhu vanotyisa richakutyai. 4 Nokuti imi maiva nhare yavarombo, nhare younoshaiwa pakutambudzika kwake, utiziro panguva yemvura zhinji, mumvuri pakupisa kwezuva, kana mhepo yavanotyisa ichiita semvura zhinji. 5 Muchaderedza bope ravatorwa, sezvinoita kupisa kwezuva panzvimbo yakaoma; rwiyo rwavanotyisa ruchaderedzwa, sezvinoitwa kupisa nomumvuri wegore. 6 Pagomo iri Jehovha wehondo achagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nomwongo, wewaini yakagara pamasese yakasvinwa zvakanaka. 7 Pagomo iri uchaparadza chifukidziro chinofukidzira vanhu vose, nechidzitiro chakatasanurwa pamusoro pamarudzi ose. 8 Akaparadza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha achapisika misodzi pazviso zvose; achabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake panyika yose; nokuti Jehovha akataura izvozvo. 9 Nezuva iro vachati, “Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye achatiponesa; uye ndiye Jehovha, takanga takamumirira, tichafara, nokufarira ruponeso rwake.” 10 Nokuti ruoko rwaJehovha ruchagara pagomo iri; Moabhi vachatsikwa pasi panzvimbo yavo, sezvinotsikwa mashanga mumvura iri mugomba romupfudze. 11 Achatambanudza maoko ake imomo, somunhu anotambanudza maoko ake kana achishambira; asi Jehovha achaderedza kuzvikudza kwake pamwechete nenjere dzamaoko ake. 12 Nhare yakakwirira yamasvingo enyu, wakaiwisira pasi, wakaideredza, wakaiputsira muvhu, imo muguruva. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe