Online Bible

- Reklamy -

Isaya 24 - Shona Bible 1949 revised 2002


Kutonga kwaJehovha

1 Tarirai, Jehovha anobvisa zvose panyika nokuiparadza, nokuitsindikira, nokuparadzira vagere mairi.

2 Vanhu vachaitirwa zvinoitirwa mupristi, muranda zvinoitirwa tenzi wake, mushandiri zvinoitirwa vahosi vake, mutengi zvinoitirwa mutengesi, anopa chikwerete zvinoitirwa anokwereta, anoripa mhindu zvinoitirwa anoreva mhindu.

3 Nyika ichabvisirwa zvose zvayo, ichaparadzwa chose; nokuti Jehovha akataura shoko iro.

4 Nyika inochema nokuoma, pasi pose panopera simba nokuoma, vanhu vakakudzwa venyika vanopera simba.

5 Nyika yakasvibiswawo navagere mairi; nokuti vakadarika mirayiro, vakakanganisa mitemo, nokuputsa sungano isingaperi.

6 Saka kutuka kwaMwari kwapedza nyika, navageremo vava nemhosva; saka vagere munyika vapiswa, vangosara vanhu vashoma.

7 Waini itsva inochema, mudzambiringa wapera simba, vose vanomwoyo unofara vanogomera.

8 Kufara kwengoma kwonyarara, izwi ravanofara ropera, mufaro wembira wopera.

9 Havanganwi waini vachiimba; zvinobata zvichavava kuna vanozvinwa.

10 Guta, rava dongo, rakoromorwa; dzimba dzose dzakapfigwa, kuti kurege kuva nomunhu angapindamo.

11 Kuchema kunonzwika panzira dzomumusha nokuda kwewaini; mufaro wose wasviba, kufara kwenyika kwaenda.

12 Muguta masara mangova dongo, suo raputswa nokuparadzwa.

13 Nokuti ndizvo zvazvichaita panyika pakati pamarudzi avanhu, zvichafanana nokuzuzwa kwomuorivhi, nezvakasara kana madzambiringa yakohwiwa.

14 Ivo vachadanidzira, vachapururudza; nokuda kwoumambo hwaJehovha vanodanidzira vari pagungwa.

15 Saka rumbidzai Jehovha kumabvazuva, iro zita raJehovha, Mwari waIsiraeri, pazvitsuwa zvegungwa.

16 Takanzwa nziyo dzichiimbwa kumigumo yenyika, dzichiti, “Vakarurama ngavakudzwe!” Asi ini ndakati, “Ndinoonda, ndinoonda, ndine nhamo! Vanyengeri vakaita nokunyengera; zvirokwazvo, vanyengeri vakaita nokunyengera kukuru.”

17 Kutya, negomba, nomusungo zvichakuwira, iwe ugere panyika.

18 Zvino, anotiza bope rokutyisa, achawira mugomba; anokwira achibva mukati megomba, achabatwa nomusungo; nokuti mawindo okumusoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinodedera.

19 Nyika yaputswa-putswa chose, nyika yodedera chose, nyika yozununguswa chose.

20 Nyika ichadzedzereka somunhu akabatwa, ichadengenyeka sedumba; kudarika kwayo kuchairemedza kwazvo, ichawa, ikasasimukazve.

21 Zvino nezuva iro Jehovha acharova hondo yavakakudzwa vari kumusoro, namadzimambo enyika panyika.

22 Vachaunganidzwa pamwechete, sezvinounganidzwa vasungwa mugomba, vachapfigirwa mutorongo; zvino kana mazuva mazhinji apfuura vachashanyirwa.

23 Ipapo mwedzi uchanyadziswa, nezuva richanyara; nokuti Jehovha wehondo achabata ushe pagomo reZioni, napaJerusaremu; pamberi pavakuru vake pachava nokukudzwa.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy