Online Bible

- Reklamy -

Isaya 21 - Shona Bible 1949 revised 2002


Chirevo pamusoro peBhabhironi

1 Chirevo pamusoro perenje regungwa. Zvinobva kurenje, kunyika inotyisa, sezvamupupuri zvinopfuura kurutivi rweZasi.

2 Ndaratidzwa chiratidzo chinochemedza; munyengeri anoita nokunyengera, nomuparadzi anoparadza. Simuka iwe Erami, komba, iwe Medhia; ndagumisa kugomera kwavo kwose.

3 Saka zviuno zvangu zvizere nokurwadziwa; ndabatwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosununguka; ndakotamiswa, saka handigoni kunzwa; ndavhunduswa, saka handigoni kuona.

4 Mwoyo wangu une dzungu, ndavhunduswa nezvinotyisa; rubvunzavaeni rwandaida rwasanduka chinhu chinondidederesa.

5 Vanogadzira tafura, vanoisa varindi, vanodya, vanonwa. Simukai, imi machinda, muzodze nhoo.

6 Nokuti hezvi zvandaudzwa naShe, “Enda, undoisa murindi; ngaareve zvaanoona;

7 zvino kana achiona boka, navatasvi vamabhiza vakaita vaviri-vaviri, neboka rembongoro, neboka rangamera, ngaateerere zvakanaka-naka.”

8 Iye akadanidzira seshumba, achiti, “Ishe, ndimire nguva dzose masikati pashongwe yokurinda, nousiku hwose ndimire panzvimbo yangu;

9 zvino tarirai, kwouya boka ravanhu, vatasvi vamabhiza vakaita vaviri-vaviri.” Akapindura, akati, “Bhabhironi rawa, rawa; mifananidzo yake yose yakavezwa yavamwari vavo yaputsikirwa pasi.”

10 Haiwa, vanhu vangu vakapurwa, zviyo zveburiro rangu, zvandakanzwa kuna Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ndizvo zvandakakuzivisai.


Chirevo pamusoro peDuma

11 Chirevo pamusoro peDuma. Mumwe anondidana, ari paSeiri, achiti, “Nhai, murindi, inguva ipi yousiku?”

12 Murindi ndokuti, “Mambakwedza osvika, nousikuwo. Kana muchida kubvunza, bvunzai; dzokai, uyai.”


Chirevo pamusoro peArabhia

13 Chirevo pamusoro peArabhia. Musango reArabhia ndimo mamuchavata, imi mapoka avafambi veDhedhani.

14 Vigirai ane nyota mvura! Vagere panyika yeTema vakachingamidza vatizi nechingwa chavo.

15 Nokuti vakanga vachitiza minondo, minondo yakavhomorwa, nouta hwakakungwa, nokumanikidzwa kwokurwa.

16 Nokuti hezvi zvandakaudzwa naJehovha, “Gore risati rapera, samakore omunhu anobatira mubayiro, mbiri yose yeKedhari ichapera.

17 “Vakasara veboka ravanofura nouta, ivo vanhu vane simba vavana veKedhari, vachava vashoma; nokuti Jehovha, Mwari waIsiraeri, akazvitaura.”

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy