Online Bible

- Reklamy -

Isaya 18 - Shona Bible 1949 revised 2002

1 Haiwa, nyika yokuvirira kwamapapiro, iri mhiri kwenzizi dzeItiopia;

2 inotuma nhume nenzira dzegungwa namagwa enhokwe pamusoro pemvura, ichiti, “Endai, imi nhume dzinokurumidza, kurudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, kuvanhu vanotyiwa kwose-kwose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi.

3 “Imi mose muri pasi pose, nemi mugere panyika, kana mureza uchisimudzwa pamakomo, tarirai; kana hwamanda ichiridzwa, inzwai!”

4 Nokuti Jehovha akataura kwandiri kudai, “Ndichanyarara, ndichatarira ndiri paugaro hwangu, sokupisa kwezuva pamushana, seguti pakupisa kwenguva yokukohwa.”

5 Nokuti kukohwa kusati kwasvika, kana maruva azuka, ruva rashanduka dzambiringa roda kuibva, achagura matavi namapanga; namatavi anotandira achaabvisa nokuatema.

6 Ose pamwechete achasiyirwa magora ari pamakomo, nezvikara zvenyika; magora achagara pamusoro pavo chirimo chose, nezvikara zvenyika zvichapedza chando pamusoro pavo.

7 Nenguva iyo Jehovha wehondo achavigirwa zvipo norudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, vanhu vanotyiwa kwose-kwose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi, kunzvimbo yezita raJehovha wehondo, kugomo reZioni.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy