Online Bible

- Reklamy -

Isaya 15 - Shona Bible 1949 revised 2002


Chirevo pamusoro paMoabhi

1 Chirevo pamusoro paMoabhi. Nokuti usiku Ari reMoabhi rakaitwa dongo, rakaparadzwa; nokuti usiku Kiri reMoabhi rakaitwa dongo, rakaparadzwa.

2 Vakwira Bhayiti, neDhibhoni, kumatunhu akakwirira, kundochemapo; vaMoabhi vanochema pamusoro peNebho napaMedhebha; misoro yavo yose ine mhanza, ndebvu dzose dzakaveurwa.

3 Panzira dzomumisha yavo vakazvisunga namakudza, pamusoro pedzimba dzavo, napamadare avo, mumwe nomumwe anowungudza achichema zvikuru.

4 Heshibhoni rinodanidzira, neEreari; izwi ravo rinonzwika kusvikira paJahazi; saka varwi vaMoabhi vanodanidzira zvikuru; mweya wavo unodedera mukati mavo.

5 Mwoyo wangu unodanidzira pamusoro paMoabhi; vakuru vavo vanotizira Zoari, neEgiratisherishiya; nokuti vanokwira mukwidzwa waRuhiti vachichema; nokuti panzira inoenda Horonaimi vanochema nokuchema kwokuparadzwa.

6 Nokuti mvura yeNimirimi ichaparadzwa; nokuti uswa hwawoma, bumhudza rapera, hapachina chinomera chitema.

7 Saka zvizhinji zvavakawana, nezvavakachengeta, vachayambuka nazvo parukova rwemikonachando.

8 Nokuti kuchema kwapotereka kunyika yose yaMoabhi; kuungudza kwake kusvikira paEgiraimi, nokuungudza kwake kusvikira paBheerierimi.

9 Nokuti mvura yeDhimoni izere neropa; nokuti ndichawedzera kurova Dhimoni, ndichatuma shumba iparadze vakapukunyuka vaMoabhi, navakasara panyika.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy