Online Bible

- Reklamy -

Isaya 12 - Shona Bible 1949 revised 2002


Rwiyo rwokuvonga

1 Nezuva iro uchati, “Ndinokuvongai Jehovha; makanga makanditsamwira, asi kutsamwa kwenyu kwakadzorwa, munondinyaradza.

2 Tarirai, Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye, handingatyi; nokuti Jehovha, iye Jehovha, ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye wava ruponeso rwangu.”

3 Saka muchachera mvura nomufaro pamatsime oruponeso.

4 Zvino nezuva iro muchati, “Vongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudziwa.

5 “Imbirai Jehovha; nokuti akaita zvinhu zvakaisvonaka-naka; izvi ngazvizikanwe panyika yose.

6 Danidzira upururudze, iwe ugere paZioni; nokuti Mutsvene waIsiraeri mukuru pakati penyu.”

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy