Online Bible

- Reklamy -

Genesi 50 - Shona Bible 1949 revised 2002


Kuvigwa kwaJakobho, nokufa kwaJosefa

1 Zvino Josefa akawira pamusoro pechiso chababa vake, akachema pamusoro pake, akamutsvoda.

2 Josefa akaraira varanda vake dzakanga dziri n'anga, kuti vasasike baba vake, n'anga dzikasasika Isiraeri.

3 Vakapedza mazuva makumi mana naye, nokuti ndiwo aiva mazuva okusasika; navaIjipiti vakamuchema mazuva makumi manomwe.

4 Zvino mazuva okuchema akati apera, Josefa akataura naveimba yaFarao, akati, “Zvino kana ndawana nyasha kwamuri, dorevai munzeve dzaFarao, muti,

5 ‘Baba vangu vakandipikisa, vachiti tarirai, ndofa, muhwiro hwandakazvicherera munyika yeKenani, ndimo maunofanira kundivigamo.’ Naizvozvo zvino donditenderai henyu kuti ndikwire, ndindoviga baba vangu, ndogodzoka.”

6 Farao akati, “Kwira, undoviga baba vako, sezvavakakupikisa.”

7 Ipapo Josefa akakwira kundoviga baba vake, navaranda vose vaFarao vakakwira naye, vakuru veimba yake, navakuru venyika yeIjipiti,

8 naveimba yose yaJosefa, navana vababa vake, naveimba yababa vake; asi pwere dzavo dzoga, namakwai avo, nemombe dzavo, vakazvisiya panyika yeGosheni,

9 ngoro navatasvi vamabhiza vakakwirawo naye, rikava boka guru-guru.

10 Vakasvika paburiro raAtadhi, riri mhiri kwaJorodhani, vakamuchemapo nokuchema kukuru kwazvo; akachema baba vake mazuva manomwe.

11 Zvino vanhu vaigara panyika yeKenani vakati vachiona kuchema ikoko paburiro raAtadhi, vakati, “Kuchema uku kukuru ndokwavaIjipiti;” naizvozvo nzvimbo iyoyo ikatumidzwa Abherimiziraimu, iri mhiri kwaJorodhani.

12 Vanakomana vake vakamuitira sezvaakanga avaraira;

13 nokuti vanakomana vake vakandomuisa kunyika yeKenani, vakamuviga mubako romunda weMakapera, riya rakatengwa naAbhurahamu, pamwechete nomunda kuna Efuroni muHeti, pakatarisana neMamure, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga.

14 Zvino Josefa akati aviga baba vake, akadzokera Ijipiti, iye navakoma vake, navose vakanga vakwira naye kundoviga baba vake.

15 Zvino vakoma vaJosefa vakati vachiona kuti baba vavo vafa, vakati, “Zvimwe Josefa achativenga, nokutitsiva kwazvo zvakaipa zvose zvatakamuitira.”

16 Naizvozvo vakatuma shoko kuna Josefa, vachiti, “Baba venyu vakaraira, vasati vafa, vachiti,

17 ‘Taurai naJosefa,’ muti, ‘Zvino dokanganwirai henyu kutadza kwavakoma venyu; nezvivi zvavo, nokuti vakakuitirai zvakaipa; zvino dokanganwirai kutadza kwavaranda vaMwari wababa venyu.’ ” Josefa akachema pakutaura kwavo naye.

18 Vakuru vake vakaendawo, vakawira pasi pamberi pake, vakati, “Tarirai, tiri varanda venyu.”

19 Josefa akati kwavari, “Musatya, nokuti ini ndiri pachigaro chaMwari here?

20 Kana murimi, makandifungira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuti zvive zvakanaka, kuti zviitwe sezvinoitwa nhasi, kuti vanhu vazhinji vararamiswe.

21 Naizvozvo zvino musatya, ndichakuchengetai, nepwere dzenyu.” Akavanyaradza, akataura navo nomwoyo wakanaka.

22 Josefa akagara Ijipiti, iye naveimba yababa vake; Josefa akagara makore ane zana negumi.

23 Josefa akaona vana vaEfuremu vorudzi rwechitatu, navana vaMakiri, mwanakomana waManase, vakaberekerwa pamabvi aJosefa.

24 Josefa akati kuhama dzake, “Ndofa, asi Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nokukubudisai panyika ino, muende kunyika yaakapikira Abhurahamu naIsaka, naJakobho.”

25 Josefa akapikisa vana vaIsiraeri, akati, “Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nemi mutakure mapfupa angu abve pano.”

26 Ipapo Josefa akafa, ava namakore ane zana negumi; vakamusasika, akaiswa mubhokisi paIjipiti.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy