Online Bible

- Reklamy -

Genesi 5 - Shona Bible 1949 revised 2002


Vana vaAdhamu kusvika kuna Noa

1 Ndirori bhuku ramarudzi aAdhamu. Musi waakasika munhu, Mwari wakamuita nomufananidzo waMwari;

2 wakavasika murume nomukadzi; akavaropafadza, akavatumidza zita rinonzi Munhu, musi wavakasikwa.

3 Adhamu wakagara makore ane zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana wakafanana naye, wakamutodza; akamutumidza zita rinonzi Seti.

4 Mazuva aAdhamu shure kwokuberekwa kwaSeti akanga ari makore ana mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana.

5 Mazuva ose oupenyu hwaAdhamu akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matatu, akafa.

6 Seti wakagara makore ane zana namashanu, akabereka Enoshi;

7 Seti akagara makore ana mazana masere namanomwe shure kwokuberekwa kwaEnoshi, akabereka vanakomana navanasikana;

8 mazuva ose aSeti akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe negumi namaviri, akafa.

9 Enoshi wakagara makore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani;

10 shure kwokuberekwa kwaKenani Enoshi akagara makore ana mazana masere negumi namashanu; akabereka vanakomana navanasikana;

11 mazuva ose aEnoshi akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namashanu, akafa.

12 Kenani wakagara makore makumi manomwe, akabereka Maharareri;

13 shure kwokuberekwa kwaMaharareri Kenani wakagara makore ana mazana masere namakumi mana; akabereka vanakomana navanasikana.

14 Mazuva ose aKenani akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe negumi, akafa.

15 Maharareri wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi;

16 shure kwokuberekwa kwaJaredhi, Maharareri akagara makore ana mazana masere namakumi matatu, akabereka vanakomana navanasikana;

17 mazuva ose aMaharareri akanga ari makore ana mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, akafa.

18 Jaredhi wakagara makore ane zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Enoki;

19 shure kwokuberekwa kwaEnoki Jaredhi akagara makore ana mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana;

20 mazuva ose aJaredhi akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namaviri, akafa.

21 Enoki wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera;

22 shure kwokuberekwa kwaMetusera, Enoki wakafamba naMwari makore ana mazana matatu; akabereka vanakomana navanasikana.

23 Mazuva ose aEnoki akanga ari makore ana mazana matatu namakumi matanhatu namashanu.

24 Enoki akafamba naMwari, akasazovapo, nokuti Mwari wakamutora.

25 Metusera wakagara makore ane zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki;

26 shure kwokuberekwa kwaRameki, Metusera akagara makore ana mazana manomwe namakumi masere namaviri; akabereka vanakomana navanasikana.

27 Mazuva ose aMetusera akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, akafa.

28 Rameki wakagara makore ane zana namakumi masere namaviri; akabereka mwanakomana;

29 akamutumidza zita rinonzi Noa, achiti, “Uyu achativaraidza pabasa redu napakutambudzika kwamaoko edu, zvinobva panyika yakatukwa naJehovha.”

30 Shure kwokuberekwa kwaNoa, Rameki akagara makore ana mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu; akabereka vanakomana navanasikana.

31 Mazuva ose aRameki akanga ari makore ana mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, akafa.

32 Noa wakanga ana makore ana mazana mashanu; Noa akabereka Shemu, naHamu, naJafeti.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy