Genesi 48 - Shona Bible 1949 revised 2002Jakobho anoropafadza vanakomana vaJosefa 1 Shure kwaizvozvo Josefa akaudzwa, zvichinzi, “Tarira, baba vako vanorwara;” iye akatora vanakomana vake vaviri, Manase naEfuremu. 2 Jakobho akaudzwa, zvichinzi, “Tarirai, mwanakomana wenyu, Josefa, wauya kwamuri.” Isiraeri akazvisimbaradza, akagara pauvato. 3 Zvino Jakobho akati kuna Josefa, “Mwari waMasimbaose akazviratidza paRuzi, panyika yeKenani, akandiropafadza, 4 akati kwandiri, ‘Tarira, ndichakuberekesa, ndichakuwanza, ndichakuita ndudzi zhinji; ndichapa vana vako vanokutevera nyika ino, ive yavo nokusingaperi.’ 5 “Zvino vanakomana vako vaviri, vawakaberekerwa panyika yeIjipiti, ndisati ndasvika kwauri paIjipiti, ndavangu; Efuremu naManase vachava vangu savana Rubheni naSimeoni. 6 Asi vana vako, vawakabereka shure kwavo, vachava vana vako, vachatumidzwa nezita ravakuru vavo panhaka yavo. 7 Kana ndirini, pakubva kwangu paPadhani, ndakafirwa naRakeri panyika yeKenani munzira ndasvika pedyo neEfurata, ndikamuvigapo panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBheterehemu).” 8 Isiraeri akaona vanakomana vaJosefa, akati, “Ndivananiko?” 9 Josefa akati kuna baba vake, “Ndivo vanakomana vangu vandakapiwa pano naMwari.” Vakati, “Douya navo kwandiri ndivaropafadze.” 10 Zvino meso aIsiraeri akanga oona madzerere nokukwegura, akanga asisagoni kuona. Akavaswededza kwavari, Isiraeri akatsvoda, akavambundikira. 11 Isiraeri akati kuna Josefa, “Handina kufunga kuti ndichaona chiso chakozve, zvino tarira, Mwari akandionesa navana vakowo.” 12 Josefa akavabvisa pakati pamabvi avo akakotamira pasi nechiso chake. 13 Josefa akavabata vari vaviri, Efuremu norudyi rwake kuruboshwe rwaIsiraeri, naManase noruboshwe rwake kurudyi rwaIsiraeri, akavaswededza pedyo naye. 14 Isiraeri akatambanudza ruoko rwake rworudyi, akaruisa pamusoro paEfuremu, aiva muduku, noruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase, akapesanisa maoko ake achizviziva, nokuti Manase akanga ari wedangwe. 15 Akaropafadza Josefa, akati, “Mwari uya, akafamba madzibaba angu pamberi pake, vana Abhurahamu naIsaka, Mwari akandifudza paupenyu hwangu hwose kusvikira zuva ranhasi; 16 mutumwa wakandidzikinura pane zvakaipa zvose, ngaaropafadze vanakomana ava; zita rangu ngaritumidzwe kwavari, namazita amadzibaba angu, Abhurahamu naIsaka, vawande kwazvo panyika.” 17 Zvino Josefa akati achiona kuti baba vake vaisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu, hazvina kumufadza, akabata ruoko rwababa vake, kuti arubvise pamusoro waEfuremu, aruise pamusoro waManase. 18 Josefa akati kuna baba vake, “Regai kudaro, baba vangu, nokuti ndiye wedangwe, isai ruoko rwenyu pamusoro wake.” 19 Baba vake vakaramba, vakati, “Ndinoziva, mwana wangu, ndinoziva; naiyewo achava rudzi, naiye achava mukuruwo, asi mun'una wake achava mukuru kwaari, vana vake vachava ndudzi zhinji.” 20 Akavaropafadza nomusi iwoyo, akati, “Newe vaIsiraeri vacharopafadza, vachiti, ‘Mwari ngaakuite saEfuremu naManase.’ ” Akaisa Efuremu pamberi paManase. 21 Zvino Isiraeri akati kuna Josefa, “Tarira, ndofa, asi Mwari achava nemi, achakudzoserai kunyika yamadzibaba enyu. 22 Newe ndinokupa mugove mumwe kupfuura vamwe vana vababa vako, uya wandakatorera vaAmori nomunondo wangu nouta hwangu.” |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe