Genesi 45 - Shona Bible 1949 revised 2002Josefa anozvizivisa kuvakoma vake, uye anovatuma kundotora baba vake 1 Zvino Josefa haana kugona kuzvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, “Budisai vanhu vose vari pano neni.” Zvino kwakanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake. 2 Akachema kwazvo, vaIjipiti naveimba yaFarao vakazvinzwawo. 3 Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, “Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here?” Vana vababa vake vakasagona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake. 4 Josefa akati kuvana vababa vake, “Doswederai henyu kwandiri.” Zvino vakaswedera. Iye akati, “Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Ijipiti. 5 Zvino musazvidya mwoyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu. 6 Nokuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo. 7 Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vachasara panyika, ndikuraramisei kuti musunungurwe nokusunungurwa kukuru. 8 Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari; iye akandiita baba kuna Farao nashe weimba yake yose, nomubati wenyika yose yeIjipiti. 9 Kurumidzai, mukwire kuna baba vangu, mundoti kwavari, ‘Zvanzi naJosefa, mwanakomana wenyu, Mwari akandiita ishe weIjipiti rose; burukirai kwandiri musanonoka; 10 mugare panyika yeGosheni, mugova pedyo neni, imi, navanakomana venyu, navana vavana venyu, namakwai enyu, nemombe dzenyu, nezvose zvamunazvo; 11 ndichakuchengetaipo, nokuti mamwe makore mashanu enzara achiripo, kuti murege kuzova varombo, imi, naveimba yenyu, nezvose zvamunazvo.’ 12 Tarirai meso enyu anoona, nameso omun'una wangu Bhenjamini kuti muromo wangu unotaura kwamuri. 13 Mundoudza baba vangu kukudzwa kwangu kwose paIjipiti, nezvose zvamaona; mukurumidze kuburutsira baba vangu kuno.” 14 Akawira pamutsipa waBhenjamini, mun'una wake, akachema, naiye Bhenjamini akachema pamutsipa wake. 15 Akatsvoda vakoma vake vose, akachema pamusoro pavo; shure kwaizvozvo vakoma vake vakataura naye. 16 Zvino mukurumbira wazvo wakanzwika mumba maFarao, zvichinzi, “Vana vababa vaJosefa vasvika!” Farao navaranda vake vakafara naizvozvo. 17 Farao akati kuna Josefa, “Iti kuvana vababa vako, ‘Itai chinhu ichi: Takudzai zvipfuwo zvenyu, mufambe, muende kunyika yeKenani; 18 mundotora baba venyu navedzimba dzenyu muuye kwandiri; ndichakupai zvinhu zvakaisvonaka zvenyika yeIjipiti, mudye zvakakora zvenyika.’ 19 Zvino varairwa, chiita izvozvo; torerai vana venyu vaduku navakadzi venyu ngoro panyika yeIjipiti, mundotora baba venyu, muuye. 20 Musafunga nhumbi dzenyu, nokuti zvakaisvonaka zvenyika yose yeIjipiti ndezvenyu.” 21 Vanakomana vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvaakarairwa naFarao, akavapa mbuva yokufamba nayo. 22 Akapa vose, mumwe nomumwe nguo dzakanaka; asi Bhenjamini akamupa mashekeri ana mazana matatu esirivha nenguo dzakanaka shanu. 23 Nababa vake akavatumira mbongoro dzine gumi, dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, namakadzi embongoro ane gumi akanga akatakura zviyo, nechingwa, nezvokudya zvababa vake zvorwendo. 24 Zvino akatendera vana vababa vake kuenda, vakabva; akati kwavari, “Chenjerai, musatukana munzira.” 25 Ipapo vakabva Ijipiti, vakakwira, vakandosvika kunyika yeKenani kuna Jakobho, baba vavo. 26 Vakavaudza, vakati, “Josefa achiri mupenyu; ndiye mubati wenyika yose yeIjipiti.” Ipapo mwoyo wavo wakati rukutu, nokuti havana kutenda. 27 Vakavaudza mashoko ose aJosefa; zvino vakati vaona ngoro dzakanga dzatumwa naJosefa kuzovatakura, mweya waJakobho, baba vavo, ukaponazve; 28 Isiraeri akati, “Zvaringana! Josefa, mwanakomana wangu achiri mupenyu; ndichaenda ndimuone ndisati ndafa.” |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe