Online Bible

- Reklamy -

Genesi 43 - Shona Bible 1949 revised 2002

1 Zvino nzara yakanga iri huru munyika iyoyo.

2 Zvino vakati vapedza zviyo, zvavakanga vabva nazvo Ijipiti, baba vavo vakati kwavari, “Dzokai, endaizve mutitengere zvokudya zvishoma.”

3 Judha akataura navo, akati, “Murume uya akatinyevera kwazvo, akati, ‘Hamungatongooni chiso changu, kana mun'una wenyu asati anemi.’

4 Kana mukatuma mun'una wedu nesu, tichaburuka, kundotenga zvokudya;

5 asi kana musingamutumi, hatingaburuki; nokuti murume uya akati kwatiri, ‘Hamungaoni chiso changu, kana mun'una wenyu asati anemi.’ ”

6 Isiraeri akati, “Makandiitireiko zvakaipa zvakadai, zvamakaudza murume uya kuti munomun'una?”

7 Ivo vakati, “Murume uya akatibvunzisisa pamusoro pedu, napamusoro pehama dzedu, akati, ‘Baba venyu vapenyu here? Mune mun'una here?’ ” Tikamupindura namashoko aya; taigoziva here kuti achati, “Burukai nomun'una wenyu?”

8 Zvino Judha akati kuna Isiraeri, baba vake, “Tumai henyu mukomana neni, tisimuke, tiende, tirarame, tirege kufa, isu nemi, navana vedu.

9 Ini ndichava rubatso rwake; mungamureva paruoko rwangu; kana ndikasauya naye, ndikamuisa pamberi penyu, ini ndichava nemhosva kwamuri nokusingaperi.

10 Nokuti dai tisina kunonoka, zvirokwazvo, tingadai tadzoka zvino rwechipiri.”

11 Ipapo Isiraeri, baba vavo, akati kwavari, “Kana zvakadaro, itai chinhu ichi; torai michero yakanaka yenyika mumidziyo yenyu, muburuke nechipo kumunhu uyo, chebhasami shomanana, nouchi ushomanana, nezvinonhuwira, nemura, nemichero yomuti wepisitakio, namaamanda;

12 mutore mari yakapamhidzwa kaviri mumaoko enyu, neiya mari yakanga yadzoserwa mumiromo yehomwe dzenyu, muende makaibata mumaoko enyu; zvimwe vakakanganisa.

13 Nomun'una wenyu mumutorei, musimuke, mudzokere kumurume uyo;

14 Mwari waMasimbaose ngaakupei nyasha pamberi pomurume uyo, akusunungurirei mumwe mun'una wenyu naBhenjaminiwo. Kana ndatorerwa vana vangu, ndatorerwa hangu.”

15 Zvino varume vakatora chipo ichocho, vakabata mumaoko avo mari yakapamhidzwa kaviri, naBhenjamini, vakasimuka, vakaburukira Ijipiti, vakandomira pamberi paJosefa.

16 Zvino Josefa akati achiona Bhenjamini anavo, akati kumutariri weimba yake, “Uya navarume mumba, ubaye, ugadzire; nokuti varume ava vachadya neni masikati.”

17 Murume uyo akaita sezvaakaudzwa naJosefa; murume uyo akaisa varume avo mumba maJosefa.

18 Varume vakatya, zvavakaiswa mumba maJosefa, vakati, “Tinoiswamo nokuda kwemari yakadzoserwa muhomwe dzedu panguva yokutanga, kuti atsvake mhosva kwatiri, ativambe, nokutiita varanda vake, achitorawo mbongoro dzedu.”

19 Ipapo vakaswedera kumutariri weimba yaJosefa, vakataura naye pamusuo weimba;

20 vakati, “Haiwa, ishe wedu, zvirokwazvo panguva yokutanga takaburuka kuzotenga zvokudya;

21 tikati tichisvika patakavata usiku, tikasunungura homwe dzedu, onei mari yomumwe nomumwe iri mumuromo wehomwe yake, mari yedu yose sezvayakayerwa; zvino tadzoka nayo pamaoko edu.

22 Zvino taburuka tiine imwe marizve mumaoko edu kuti titenge zvokudya nayo; hatizivi kuti mari yedu yakaiswa muhomwe dzedu nani?”

23 Iye akati, “Farai henyu, musatya; Mwari wenyu, Mwari wababa venyu, akakupai pfuma muhomwe dzenyu; mari yenyu yakasvika kwandiri.” Akavabudisira Simeoni.

24 Murume uyo akaisa varume avo muimba yaJosefa, akavapa mvura, vakashambidza tsoka dzavo, akapawo mbongoro dzavo zvokudya.

25 Vakagadzira chipo kusvikira kuuya kwaJosefa masikati, nokuti vakanga vanzwa kuti vachadya zvokudya ipapo.

26 Josefa akati asvika kumba, vakapinda mumba nechipo chakanga chiri mumaoko avo, vakakotamira pasi pamberi pake.

27 Iye akavabvunza mufaro wavo, akati, “Baba venyu vakafara here, uya mutana wamaireva? Vachiri vapenyu here?”

28 Ivo vakati, “Muranda wenyu, baba vedu, vakafara havo, vachiri vapenyu.” Vakakotama, vakanamata.

29 Iye akasimudza meso ake, akaona Bhenjamini, mun'una wake, mwanakomana wamai vake, akati, “Ndiye here mun'una wenyu muduku worugotwe, wamakandiudza?” Akati, “Mwari ngaave nenyasha newe, mwana wangu.”

30 Zvino Josefa akakurumidza, nokuti mwoyo wake wakachema mun'una wake, akatsvaka paangachema; akapinda muimba yake yomukati, akachemapo.

31 Akazoshambidza chiso chake, akabudazve, akazvidzora akati, “Pakurai zvokudya.”

32 Vakamupakurira iye oga, naivo voga, navaIjipiti havana kutenderwa kudya navaHebheru, nokuti zvinonyangadza kuna vaIjipiti.

33 Vakagara pamberi pake, wedangwe paudangwe hwake, nomuduku kuna vose pauduku hwake; varume vakatarirana, vakashamiswa.

34 Akavagovera zvokudya zvakanga zviri pamberi pake, asi mugove waBhenjamini wakaenzana nowavashanu vavo. Vakanwa, vakafara naye.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy