Genesi 40 - Shona Bible 1949 revised 2002Josefa mutorongo 1 Shure kwaizvozvo mudiri wamambo weIjipiti nomubiki wake vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti. 2 Farao akatsamwira kwazvo varanda vake vaviri, ivo mukuru wavadiri nomukuru wavabiki. 3 Akavasunga kuti vachengetwe mumba momukuru wavarindi, mutorongo, pakanga pakasungwa Josefa. 4 Mukuru wavarindi akaraira Josefa kuvachengeta; iye akavabatira, vakaita nguva vachichengetwa. 5 Zvino vose vaviri vakarota hope usiku humwe, mumwe nomumwe kurota kwake, kurota kumwe nokumwe kune dudziro yako, ivo mudiri nomubiki vamambo weIjipiti, vakanga vakasungwa mutorongo. 6 Zvino fume mangwana Josefa akapinda kwavari, akavatarira, akaona kuti havafari. 7 Akabvunza varanda vaFarao vakanga vachengetwa pamwechete naye mumba matenzi wake, akati, “Nhasi makasuwa neiko?” 8 Vakati kwaari, “Tarota hope, asi hakuna munhu anogona kudzidudzira.” Josefa akati kwavari, “Kududzira hakuzi kwaMwari here? Dondirondedzerai henyu.” 9 Zvino mukuru wavadiri akarondedzera kurota kwake kuna Josefa, akati, kwaari, “Pakurota kwangu ndakaona muzambiringa pamberi pangu; pamuzambiringa pakanga pana matavi matatu; 10 ukaita sokutumbuka, ukabudisa maruva; masumbu awo akabereka mazambiringa akaibva; 11 mukombe waFarao wakanga uri muruoko rwangu; zvino ndikatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFarao, ndikaisa mukombe muruoko rwaFarao.” 12 Josefa akati kwaari, “Kududzirwa kwadzo ndiko: Matavi matatu mazuva matatu; 13 mazuva matatu agere kupera Farao achasimudza musoro wako, nokukudzosera kubasa rako; ipapo uchaisa mukombe waFarao muruoko rwakezve, sezvawaiita kare uchiri mudiri wake. 14 Asi undirangarire hako kana woitirwa zvakanaka; undiitire ngoni, undireverere kuna Farao, kuti ndibudiswe paimba ino; 15 nokuti zvirokwazvo, ndakabiwa kunyika yavaHebheru; napano handina kuita chinhu chakafanira kuti vandiise mugomba iri.” 16 Zvino mukuru wavabiki akati aona kuti dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, “Neniwo ndakanga ndiri pakurota kwangu, ndikaona tswanda nhatu dzechingwa chichena dzakanga dziri pamusoro wangu; 17 mutswanda yapamusoro makanga mune zvokudya zvamarudzi ose zvakabikwa zvaFarao; shiri dzikazvidya mutswanda yaiva pamusoro wangu.” 18 Ipapo Josefa akapindura, akati, “Kududzirwa kwadzo ndiko: Tswanda nhatu mazuva matatu; 19 mazuva matatu agere kupera, Farao achasimudza musoro wako akaubvisa pamusoro pako, akusungirire pamuti; shiri dzichadya nyama yako dzichiibvisa kwauri.” 20 Zvino nomusi wetatu, musi wokuzvarwa kwaFarao, iye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza musoro womukuru wavadiri, nomusoro womukuru wavabiki pakati pavaranda vake, 21 akadzosera mukuru wavadiri kubasa rake rokudira kwake, akapa mukombe waFarao muruoko rwaFarao; 22 asi akasungirira mukuru wavabiki sezvavakanga vadudzirwa naJosefa. 23 Asi mukuru wavadiri haana kurangarira Josefa, asi akamukanganwa. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe