Genesi 4 - Shona Bible 1949 revised 2002Kaini naAbhero 1 Zvino Adhamu wakaziva mukadzi wake Evha; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati, “Ndawana munhu, ndichibatsirwa naJehovha.” 2 Akazoponazve mun'una wake Abhero. Abhero wakanga ari mufudzi wamakwai, Kaini wakanga ari murimi wevhu. 3 Zvino nguva yakati yapfuura, Kaini akauya nezvibereko zvevhu, chive chipo kuna Jehovha. 4 NaAbherowo akauya namakwayana ake ematangwe akakorawo. Jehovha ndokugamuchira Abhero nechipiriso chake; 5 asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Ipapo Kaini akatsamwa kwazvo, chiso chake chikaunyana. 6 Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Watsamwireiko? Chiso chako chakaunyana nei? 7 Kana ukaita zvakanaka, haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuhwandira pamusuo; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda.” 8 Zvino Kaini wakataurirana nomun'una wake Abhero; vakati vari kusango, Kaini ndokumukira Abhero mun'una wake, akamuuraya. 9 Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Arikupiko Abhero, mun'una wako?” Iye akati, “Handizivi, ndini mufudzi womun'una wangu here?” 10 Akati, “Waiteiko? Izwi reropa romun'una wako rinodaidzira kwandiri panyika. 11 Zvino watukwa, wadzingwa panyika, iyo yakashamisa muromo wayo kugamuchira ropa romun'una wako paruoko rwako; 12 kana uchirima ivhu, haringakupi simba raro; uchava mutizi nomudzungairi panyika.” 13 Ipapo Kaini akati kuna Jehovha, “Kurohwa kwangu kukuru, handingakutakuri. 14 Tarirai, mandidzinga nhasi panyika ino, ndichavanda pamberi penyu; ndichava mutizi nomudzungairi panyika; ani naani anondiwana achandiuraya.” 15 Jehovha akati kwaari, “Naizvozvo ani naani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe.” Jehovha ndokuisira Kaini chiratidzo, kuti munhu anozomuwana arege kumuuraya. 16 Ipapo Kaini wakabva pamberi paJehovha, akandogara panyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni. Vana vaKaini 17 Kaini akaziva mukadzi wake, akatora mimba, akapona Enoki; akavaka guta, akatumidza guta zita romwanakomana wake Enoki. 18 Enoki akaberekerwa Iradhi; Iradhi akabereka Mehujaeri; Mehujaeri akabereka Metushaeri; Metushaeri akabereka Rameki; 19 Rameki akawana vakadzi vaviri, zita romumwe rainzi Adha, zita romumwe rainzi Zira. 20 Adha akapona Jabhari; iye waiva baba vavanhu vanogara mumatende vane zvipfuwo. 21 Zita romun'una wake raiva Jubhari; iye waiva baba vavose vanoridza mbira nenyere. 22 Zira wakapona Tubharikaini, mupfuri wenhumbi dzose dzendarira nedare; hanzvadzi yaTubharikaini waiva Naama. 23 Rameki akati kuvakadzi vake; “Adha naZira, inzwai izwi rangu, Imi vakadzi vaRameki, teererai zvandinotaura; Nokuti ndinouraya munhu unondikuvadza, Nejaya rinondipwanya; 24 Kana Kaini achitsiviwa kanomwe; Zvirokwazvo Rameki kana makumi manomwe nenomwe.” 25 Adhamu akazivazve mukadzi wake, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Seti; nokuti wakati, “Mwari wandipa mumwe mwana pachigaro chaAbhero, zvaakaurawa naKaini.” 26 NaSeti wakaberekerwa mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Enoshi. Nenguva iyo vanhu vakatanga kudana zita raJehovha. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe