Online Bible

- Reklamy -

Genesi 39 - Shona Bible 1949 revised 2002


Josefa nomukadzi waPotifari

1 Josefa akanga aburutsirwa Ijipiti; Potifari, gota raFarao, mukuru wavarindi, muIjipiti, akamutenga pamaoko avaIshimaeri, vakanga vamuburutsira Ijipiti.

2 Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; akagara mumba matenzi wake muIjipiti.

3 Tenzi wake akaona kuti Jehovha anaye, uye kuti Jehovha akafambisa zvakanaka zvose zvaaiita namaoko ake.

4 Josefa akawana nyasha kwaari, akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake; zvose zvaakanga anazvo akazviisa pamaoko ake.

5 Zvino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowazvose zvaakanga anazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuIjipiti nokuda kwaJosefa; kuropafadza kwaJehovha kwakanga kuri pamusoro pezvose zvaakanga anazvo mumba nokumunda.

6 Waisiya zvose zvaakanga anazvo pamaoko aJosefa; iye anaye, haazairangarira chinhu, asi zvokudya zvake zvoga zvaaidya. Zvino Josefa akanga anomuviri wakanaka, akanakawo pachiso.

7 Zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake akatarira Josefa, akati, “Vata neni.”

8 Asi iye akaramba, akati kumukadzi watenzi wake, “Tarirai, nokuda kwangu tenzi wangu haarangariri zviri mumba, asi akaisa zvose zvaanazvo pamaoko angu;

9 hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imi moga; nokuti muri mukadzi wake; zvino ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?”

10 Zvino akati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye,

11 nenguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe varume veimba imomo.

12 Ipapo akamubata nguo yake, akati, “Vata neni;” iye akasiya nguo yake muruoko rwake, akabuda panze.

13 Zvino akati achiona kuti asiya nguo yake muruoko rwake, atiza, aenda,

14 akadana varume veimba yake, akataura navo akati, “Tarirai, iye akauyisa muHebheru pakati pedu kuti atidadire; akapinda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neizwi guru.

15 Zvino akati achinzwa kuti ndinodanidzirisa ndichiridza mhere, akasiya nguo yake neni, akatiza, akabuda panze.”

16 Akachengeta nguo yake kusvikira tenzi wake achipinda mumba.

17 Akataura kwaari mashoko iwayo akati, “Muranda muHebheru awakaisa pakati pedu, akauya kwandiri kuti andidadire.

18 Ndikadanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya nguo yake neni, akatizira panze.”

19 Tenzi wake akati achinzwa mashoko aakaudzwa nomukadzi wake, achiti, “Ndizvo zvandaitirwa nomuranda wako,” hasha dzake dzikamuka.

20 Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza mutorongo, paisungwa vasungwa vamambo; akava mutorongo.

21 Asi Jehovha akava naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe ngoni nomutariri wetorongo.

22 Mutariri wetorongo akapa mumaoko aJosefa vasungwa vose vakanga vari mutorongo; iye akanga ari muiti wezvose zvaiitwamo.

23 Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nokuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy