Genesi 37 - Shona Bible 1949 revised 2002Josefa anotengeswa navakoma vake 1 Zvino Jakobho akagara munyika youtorwa hwababa vake, munyika yeKenani. 2 Marudzi aJakobho ndiwo: Josefa akanga ana makore ane gumi namanomwe, akafudza makwai pamwechete navakoma vake; akanga achiri mukomana pamwechete navanakomana vaBhiriha, navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake; Josefa akasivaudzira kuna baba vavo. 3 Zvino Isiraeri akanga achida Josefa kupfuura vana vake vose, nokuti akanga ari mwanakomana woutana hwake; akamuitira nguo yakanga yakareba ina maoko. 4 Vakoma vake vakaona kuti baba vavo vanomuda kupfuura vakoma vake vose; vakamuvenga, vakasagona kutaura naye nomufaro. 5 Zvino Josefa akarota hope, akaudza vakoma vake, ipapo vakanyanya kumuvenga. 6 Akati kwavari, “Inzwaiwo hope dzangu dzandarota. 7 Tarirai, takanga tichisunga zvisote mumunda, onei chisote changu chikasimuka, chikaramba chimire; ndikaona zvisote zvenyu zvichikomba changu, zvikakotama pamberi pechisote changu.” 8 Vakoma vake vakati kwaari, “Ko iwe uchabata ushe pamusoro pedu kani? Ko iwe uchava nesimba pamusoro pedu kani?” Vakanyanya kumuvenga nokuda kwokurota kwake nokwamashoko ake. 9 Akapamha kurotazve, akaudza vakoma vake, akati, “Tarirai, ndarotazve dzimwe hope; ndakaona zuva, nomwedzi, nenyeredzi dzine gumi neimwe, dzichikotamira pamberi pangu.” 10 Akaudza baba vake navakoma vake izvozvo; baba vake vakamutuka, vakati kwaari, “Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi? Ini namai vako navakoma vako tichauya tikakotama pasi pamberi pako kani?” 11 Vakoma vake vakamugodora; asi baba vake vakachengeta shoko iro. 12 Zvino vakoma vake vakandofudza makwai ababa vavo paShekemu. 13 Isiraeri akati kuna Josefa, “Vakoma vako havafudzi makwai paShekemu here? Uya ndikutumire kwavari.” Iye akati, “Ndiri pano hangu.” 14 Akati kwaari, “Zvino chienda undotarira kana vakoma vako vakafara, namakwai kana akafarawo; ugodzoka kuzondiudza.” Naizvozvo akamutuma, ari pamupata weHebhuroni, akandosvika Shekemu. 15 Zvino mumwe murume akamuwana achidzungaira musango; murume akamubvunza, akati, “Unotsvakeiko?” 16 Iye akati, “Ndinotsvaka vakoma vangu; dondiudza hako kwavanofudza makwai.” 17 Murume akati, “Vabva pano, nokuti ndakavanzwa vachiti, ‘Ngatiende Dhotani.’ ” Josefa akatevera vakoma vake, akandovawana paDhotani. 18 Ivo vakamuona achiri kure; zvino asati asvika kwavari, vakarangana kuti vamuuraye. 19 Vakataurirana, vachiti, “Hoyo muroti uya wauya. 20 Uyai zvino timuuraye, timukandire mune rimwe ramakomba aya, tigoti, ‘Wadyiwa nechikara;’ tigoona kuti kurota kwake kuchazoitwa seiko.” 21 Rubheni akazvinzwa, akamurwira mumaoko avo, akati, “Ngatirege kumuuraya.” 22 Rubheni akati kwavari, “Musadurura ropa; mukandirei mugomba iri riri musango, asi regai kutambanudza maoko enyu kwaari;” kuti amurwire pamaoko avo, agomudzosera kuna baba vake. 23 Zvino Josefa akati asvika kuvakoma vake, vakabvisira Josefa nguo yake, nguo iya yakanga yakareba ina maoko, yaakanga akafuka; 24 vakamutora, vakamukandira mugomba; gomba rakanga risina chinhu, makanga musina mvura. 25 Vakagara pasi, vakadya zvokudya; zvino vakasimudza meso avo, vakatarira, vakaona boka ravaIshimaeri vachifamba, vachibva Gireadhi, makamera avo akatakura zvinhu zvinonhuwira, nebarisami, nemura, vachindozviisa Ijipiti. 26 Zvino Judha akati kuvana vababa vake, “Tingawaneiko kana tikauraya mun'una wedu tichivanza ropa rake? 27 Uyai timutengese kuvaIshimaeri; maoko edu arege kuva kwaari; nokuti mun'una wedu, nyama imwe nesu.” Vana vababa vake vakamuteerera. 28 Zvino vatengesi vavaMidhiani vakapfuurapo, vakakwidza Josefa vachimubudisa mugomba, vakatengesa Josefa kuvaIshimaeri namashekeri ana makumi maviri; ivo vakaisa Josefa Ijipiti. 29 Zvino Rubheni akadzokera kugomba, akawana Josefa asisimo mugomba; akabvarura nguo dzake. 30 Akadzokera kuvanunguna vake, akati, “Mwana haachipo; ini zvino ndichaendepiko?” 31 Zvino vakatora nguo yaJosefa, vakauraya nhongo yembudzi, vakanyika nguo muropa; 32 vakatumira nguo iyo yakareba ina mavoko kuna baba vavo, vakati, “Tanonga chinhu ichi; fananidzai zvakanaka kana iri nguo yomwanakomana wenyu, kana isati iri iyo.” 33 Ivo vakafananidza vakati, “Inguo yomwanakomana wangu; wadyiwa nechikara; Josefa zvirokwazvo waparadzwa.” 34 Jakobho akabvarura nguo dzake, akasimira magumbu pachiuno chake, akachema mwanakomana wake mazuva mazhinji. 35 Vanakomana vake vose navakunda vake vose vakasimuka vakamunyaradza; asi akaramba kunyaradzwa, akati, “Ndichaburukira kuhwiro kumwanakomana wangu, ndichichema.” Baba vake vakamuwungudzira. 36 Zvino vaMidhiani vakandomutengesa Ijipiti kuna Potifari, muranda waFarao, mukuru wavarindi. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe