Online Bible

- Reklamy -

Genesi 14 - Shona Bible 1949 revised 2002


Abhuramu anorwira Roti, uye anosangana naMerikizedheki

1 Zvino nenguva yaAmuraferi, mambo weShinari, naArioki mambo weErasari, naKedhoriraomeri, mambo weEramu, naTidhari, mambo weGoyimi,

2 vakarwa naBhera, mambo weSodhomu, naBherisha, mambo weGomora, naShinabhi, mambo weAdhamu, naShemebheri, mambo weZebhoimi, namambo weBhera (rinonziwo Zoari).

3 Ava vose vakasangana mumupata weSidhimu (ndiro Gungwa roMunyu).

4 Vakanga vava varanda veKedhoriameri makore ane gumi namaviri, vakamumukira negore regumi namatatu.

5 Ipapo Kedhoriameri wakauya negore regumi namana, namadzimambo aakanga anawo, akakunda vaRefaimi paAshiteroti-karinaimi, navaZuzimi paHamu, navaEmimi paShave-kiriataimi,

6 navaHori pagomo ravo reSeiri, kusvikira paEriparani, pedyo nesango.

7 Vakadzoka, vakasvika Enimishipati (rinonziwo Kadheshi), vakakunda nyika yose yavaAmareki, navaAmori, vakanga vagere paHazazoni-tamari.

8 Zvino mambo weSodhomu, namambo weGomora, namambo weAdhamu, namambo weZebhoimi, namambo weBhera (rinonziwo Zoari), vakabuda vakagadzira hondo kuzorwa navo pamupata weSidhimu;

9 kuti varwe naKedhoriraomeri, mambo weEramu, naTidhari, mambo weGoyimi, naAmuraferi, mambo weShinari, naArioki, mambo weErasari; madzimambo mana kuti arwe namadzimambo mashanu.

10 Zvino mupata weSidhimu wakanga uzere namakomba ane tara, madzimambo eSodhomu neGomora vakatiza vakawiramo; vakasara vakatizira kugomo.

11 Vakatora pfuma yose yeSodhomu neGomora, nezvokudya zvavo zvose, vakaenda.

12 Vakatorawo Roti, mwanakomana womun'una waAbhuramu wakanga agere paSodhomu, nepfuma yake, vakaenda.

13 Zvino mumwe wakanga apukunyuka wakasvika, akaudza Abhuramu, muHebheru; iye wakanga agere pamiti yemiouki yaMamure, muAmori, mun'una waEshikori, mun'una waAneri; ava vakanga vaita sungano naAbhuramu.

14 Zvino Abhuramu wakati achinzwa kuti hama yake yatapwa, akaraira varume vake vakanga vadzidziswa kurwa, vakazvarwa paimba yake, vana mazana matatu negumi navasere, akavateverera kusvikira paDhani;

15 akakamura varwi vake usiku, iye navaranda vake, akavakunda, akavateverera kusvikira paHobha, riri kurudyi rweDhamasiko.

16 Akadzosa pfuma yose, akadzosawo Roti, hama yake, nepfuma yake, navakadziwo navanhu.

17 Ipapo mambo weSodhomu wakabuda kundosangana naye pakudzoka kwake pakuuraya Kedhoriameri namadzimambo akanga anavo pamupata weShave (ndiwo mupata wamambo).

18 Merikizedheki, mambo weSaremi, akauya nechingwa newaini; iye wakanga ari mupristi waMwari woKudenga-denga.

19 Akamuropafadza, akati, “Abhuramu ngaaropafadzwe naMwari woKudenga-denga, muridzi wokudenga napasi.

20 Mwari woKudenga-denga ngaakudzwe, wakapa vavengi venyu mumaoko enyu.” Akamupa chegumi chezvose.

21 Zvino mambo weSodhomu akati kuna Abhuramu, “Ndipe vanhu, iwe utore hako pfuma.”

22 Abhuramu akati kuna mambo weSodhomu, “Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha, Mwari woKudenga-denga, muridzi wokudenga napasi,

23 kuti handingatori rushinda kana rukanda rweshangu, kana chinhu chimwe chezvinhu zvenyu, kuti murege kuzoti, ‘Ndini ndakapfumisa Abhuramu’,

24 ini handidi hangu, asi zvakadyiwa namajaya chete, nomugove wavanhu vakaenda neni, vanaAneri, naEshikori, naMamure, ngavatore migove yavo.”

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy