Online Bible

- Reklamy -

Genesi 13 - Shona Bible 1949 revised 2002


Abhuramu naRoti vanoparadzana

1 Zvino Abhuramu wakakwira, akabva Ijipiti, iye nomukadzi wake, nezvose zvaakanga anazvo, naRotiwo anaye; vakaenda kurutivi rwenyasi.

2 Abhuramu wakanga akapfuma kwazvo mombe, nesirivha, nendarama.

3 Akafamba nzendo dzake achibva nyasi kusvikira paBheteri, kunzvimbo iya kwaiva netende rake pakutanga, pakati peBheteri neAi;

4 kunzvimbo yeatari, yaakanga aitapo pakutanga; Abhuramu akanamata zita raJehovha ipapo.

5 NaRoti, iye wakaenda naAbhuramu, wakanga aine makwai, nemombe, namatende.

6 Nyika ikasavaringana, kuti vagare panzvimbo imwe; nokuti pfuma yavo yakanga iri zhinji; vakasagona kugara panzvimbo imwe.

7 Vafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu navafudzi vezvipfuwo zvaRoti vakaita nharo; vaKenani navaPerezi vakanga vagere panyika iyo.

8 Ipapo Abhuramu akati kuna Roti, “Nharo ngadzirege kuvapo pakati pangu newe, napakati pavafudzi vangu navafudzi vako, nokuti tiri hama.

9 Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi ini ndichaenda kuruboshwe.”

10 Roti akasimudzira meso ake, akaona bani rose reJorodhani, kuti rakanga riine mvura pose, Jehovha achigere kuparadza Sodhomu neGomora; rakanga rakaita somunda waJehovha, senyika yeIjipiti, kana munhu achienda Zoari.

11 Roti akazvitsaurira bani rose reJorodhani; Roti akaenda kurutivi rwamabvazuva; vakaparadzana havo.

12 Abhuramu akagara panyika yeKenani, Roti akagara pamaguta aiva kubani, akaswededzera tende rake kusvikira paSodhomu.

13 Zvino varume veSodhomu vakanga vakaipa, vaitadzira Jehovha kwazvo-kwazvo.

14 Zvino Roti wakati aparadzana naye, Jehovha akati kuna Abhuramu, “Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kurutivi rwokumusoro, norwenyasi, norwokumabvazuva, norwokumavirira;

15 nokuti nyika yose yaunoona, ndichaipa iwe navana vako nokusingaperi.

16 Ndichaita vana vako seguruva renyika; kuti kana kuine munhu anogona kuverenga guruva renyika, navana vako vangaverengwawo.

17 Simuka, ufambe nenyika pakureba kwayo, napaupamhi hwayo, nokuti ndichakupa iyo.”

18 Ipapo Abhuramu wakabvisa tende rake, akandogara pamiti yemiouki yeMamure, iri paHebhuroni, akavakirapo Jehovha atari.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy