Genesi 12 - Shona Bible 1949 revised 2002Kudanwa kwaAbhuramu 1 Zvino Jehovha wakati kuna Abhuramu, “Ibva panyika yako, nokuhama dzako, nokuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza iyo; 2 ndichakuita rudzi rukuru, ndichakuropafadza, ndichakudza zita rako, iwe uropafadze vamwe. 3 Ndicharopafadza ivo vanokuropafadza; unokutuka, ndichamutukawo; marudzi ose enyika acharopafadzwa mauri.” 4 Naizvozvo Abhuramu wakaenda sezvaakaudzwa naJehovha; naRoti wakaenda naye. Abhuramu wakanga ana makore ana makumi manomwe namashanu pakubva kwake Harani. 5 Abhuramu akatora Sarai, mukadzi wake, naRoti, mwanakomana womun'una wake, nepfuma yavo yose yavakanga vaunganidza, navana vavakanga vabereka paHarani, vakabuda kuenda kunyika yeKenani; vakandosvika kunyika yeKenani. 6 Abhuramu akagura nenyika iyo akasvika panzvimbo inonzi Shekemu, pamuti womuouki weMore; nguva iyo vaKenani vakanga vari munyika iyo. 7 Zvino Jehovha wakazviratidza kuna Abhuramu, akati, “Ndichapa vana vako nyika iyi;” akavakira Jehovha atari ipapo, iye wakanga azviratidza kwaari. 8 Akabva ipapo, akaenda kugomo riri kumabvazuva aBheteri, akadzikapo tende rake; Bheteri rakanga riri kumavirazuva neAi kumabvazuva; akavakirapo Jehovha atari, akanamata Zita raJehovha ipapo. 9 Kubva ipapo Abhuramu wakaramba achitamira kumavirazuva. Abhuramu anotamira Ijipiti 10 Zvino nzara yakanga iripo panyika iyo; Abhuramu ndokuburukira Ijipiti kundogarako; nokuti nzara yakanga iri huru panyika iyo. 11 Zvino wakati oda kupinda Ijipiti, akati kuna Sarai, mukadzi wake, “Tarira, ndinoziva kuti uri mukadzi wakanaka pachiso chako; 12 kana vaIjipiti vachikuona, vachati, ‘Ndiye mukadzi wake’, vachandiuraya, asi iwe vachakurega uri mupenyu. 13 Uti hako uri hanzvadzi yangu, kuti ndiitirwe zvakanaka nokuda kwako, kuti mweya wangu urarame nokuda kwako.” 14 Zvino Abhuramu achisvika Ijipiti, vaIjipiti vakaona mukadzi kuti wakanaka kwazvo. 15 Namachinda aFarao akamuonawo, vakandomurumbidza kuna Farao; mukadzi akatorwa, akaiswa mumba maFarao. 16 Akaitira Abhuramu zvakanaka nokuda kwake; waiva namakwai, nemombe, namakono emadhongi, navaranda, navarandakadzi, namadhongi echikadzi, namakamera. 17 Asi Jehovha wakatambudza Farao neveimba yake namadambudziko makuru nokuda kwaSarai, mukadzi waAbhuramu. 18 Zvino Farao wakadana Abhuramu akati, “Chiiko ichi chawakandiitira? Wakaregereiko kundizivisa kuti mukadzi wako. 19 Wakarevereiko uchiti, ‘Ihanzvadzi yangu?’ Naizvozvo ndakamutora kuti ave mukadzi wangu; naizvozvo zvino hoyu mukadzi wako, mutore, uende hako.” 20 Zvino Farao akaraira vamwe varume pamusoro pake, vakamuperekedza iye nomukadzi wake nezvose zvaakanga anazvo. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe