Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 38 - Shona Bible 1949 revised 2002


Kuparadzwa kwaGogi

1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Gogi, wenyika yaMagogi, uporofite pamusoro pake,

3 uti, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarira ndine mhaka newe, iwe Gogi, muchinda waRoshi naMesheki naTubhari;

4 ndichakutsausa, nokukuisa zvikokoono mushaya dzako; ndichakubudisa, iwe nehondo yako yose, mabhiza navatasvi vamabhiza, vose vakafuka nguo dzose dzokurwa, boka guru vane nhoo huru nenhoo duku, vose vakabata minondo;

5 vaPerisia navaKushi navaPuti pamwechete navo, vose vane nhoo nengowani dzokurwa;

6 naGomeri namapoka ake ose, neimba yaTogarima kumativi okumusorosoro, namapoka ake ose, marudzi mazhinji avanhu anewe.

7 Gara wakazvigadzira, zvirokwazvo uzvigadzire, iwe namapoka ako ose akaungana kwauri, iwe uve mutungamiriri wavo.

8 Kana mazuva mazhinji apfuura, uchashanyirwa; pamakore okupedzisira uchapinda munyika yakarwirwa nomundo, yakaunganidzwa ichibva kumarudzi mazhinji, pamakomo aIsiraeri, aigara akaparadzwa; asi yadzoswa ichibva kumarudzi avanhu, vose vachagara zvakanaka.

9 Ipapo iwe uchakwira, uchauya sedutu remhepo, uchava segore rinofukidza nyika iwe, namapoka ako ose, navanhu vazhinji vanewe.’ ”

10 Zvanzi naIshe Jehovha, “Nezuva iro mwoyo wako uchapindwa nemirangariro, uchafunga zano rakaipa;

11 uchiti, ‘Ndichaenda kunyika ine misha isina kuvakirwa; ndichaenda kuna vane rugare, vagere zvakanaka, vose vagere vasina masvingo, vasina zvipfigiso kana masuo;

12 nditoreko zvandingapamba nezvandingatapa; kuti utambanudzire ruoko rwako kuzorwa nenzvimbo dzakanga dzaparadzwa dzinogarwa zvino, nokurudzi rwakaunganidzwa kumarudzi avanhu, vakawana zvipfuwo nepfuma, vagere pakati penyika.’

13 Shebha neDhedhani navashambadziri veTarishishi, pamwechete neshumba duku dzose dzapo, vachati kwauri, ‘Wauya kuzotora zvakapambwa here? Waunganidza boka rako kuzotora zvakatapwa kuti utore zvipfuwo nepfuma, kuti utore zvakapambwa zvizhinji here?’ ”

14 Naizvozvo, Mwanakomana womunhu, porofita uti kuna Gogi, zvanzi naIshe Jehovha, “Zuva iro kana vanhu vangu vaIsiraeri vachigara zvakanaka, ko iwe haungazvizivi here?

15 Zvino iwe uchauya, uchibva kuugaro hwako kumativi okumusoro-soro, iwe navanhu vazhinji vanewe, vose vakatasva mabhiza, riri boka guru nehondo ine simba;

16 uchauya kuzorwa navanhu vangu vaIsiraeri, wakaita segore rinofukidza nyika; zvino namazuva okupedzisira ndichakuuyisa kuti urwe nenyika yangu kuti marudzi andizive, kana ndaitwa mutsvene pakati pako, iwe Gogi, ivo vachizviona.

17 Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Ko ndiwe wandakareva nenguva yakare navaranda vangu vaporofita vaIsiraeri, vaiporofita namazuva iwayo vachiita makore mazhinji, kuti ndichakuuyisa kuzorwa navo here?’ ”

18 “Zvino nezuva iro kana Gogi achiuya kuzorwa nenyika yaIsiraeri, hasha dzangu dzichakwira mumhino dzangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

19 Nokuti ndakataura negodo rangu uye nomoto wehasha dzangu, ndichiti, ‘Zvirokwazvo, nezuva iro kuzununguka kukuru kuchavapo panyika yaIsiraeri;

20 nokudaro kuti hove negungwa, neshiri dzokudenga, nemhuka dzesango, nezvinokambayira zvose zvinokambayira panyika, navanhu vose vari pasi pose, zvichazununguka pamberi pangu, namakomo achawiswa pasi, namawere achawira pasi, norusvingo rumwe norumwe ruchawira pasi.

21 Ndichadana munondo uuye kuzorwa naye kumakomo angu ose,’ ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; munondo womunhu mumwe nomumwe ucharwa nehama yake.

22 Ndichamutonga nehosha yakaipa neropa; ndichanisa pamusoro pake, napamusoro pamapoka ake, napamusoro pamarudzi mazhinji avanhu vanaye, mvura inoturuka, nechimvuramabwe chikuru, nomoto nesurufa.

23 Ini ndichazvikurisa, nokuzviita mutsvene, nokuzvizivisa pamberi pamarudzi mazhinji; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.”

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy