Ezekieri 35 - Shona Bible 1949 revised 2002Edhomu richaparadzwa 1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kugomo reSeiri, uporofite pamusoro paro, 3 uti kwariri, zanzi naIshe Jehovha, ‘Tarira, ndine mhaka newe, iwe gomo reSeiri, ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri, ndichakuita dongo nechishamiso. 4 Ndichaparadza maguta ako, iwe uchava dongo; zvino uchaziva kuti ndini Jehovha.’ 5 “Nokuti wakavenga vana vaIsiraeri nokuvenga kusingaperi, ukavaisa pasimba romunondo nenguva yenjodzi yavo, nenguva yezvakaipa zvokupedzisira; 6 naizvozvo noupenyu hwangu; ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakugadzirira ropa, ropa richakuteverera; zvausina kuvenga ropa, ropa richakuteverera. 7 Saizvozvo ndichaita gomo reSeiri chishamiso nedongo; ndichaparadza mariri vanofamba napo navanodzoka napo. 8 Ndichazadza makomo aro navanhu varo vakaurayiwa; muzvikomo zvako nomumipata yako napahova dzako dzose ndipo pachawa vakauyirawa nomunondo. 9 Ndichakuita dongo nokusingaperi, maguta ako haangagarwi; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha. 10 “Zvawakati, ‘Marudzi awa maviri nenyika idzi mbiri zvichava zvangu, zvichava nhaka yedu, kunyange Jehovha akanga aripo;’ 11 naizvozvo noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndichaita zvakafanira kutsamwa kwako, uye zvakafanira godo rako rawakavaitira nokuvenga kwako; zvino ini ndichazvizivisa pakati pavo, kana ndichikutonga iwe. 12 Iwe uchaziva kuti ini Jehovha ndakanzwa kumhura kwako kwose kwawakataura pamusoro pamakomo aIsiraeri, uchiti, ‘Akaparadzwa, takaapiwa isu zvive zvokudya zvedu.’ 13 “Makazvikudza kwandiri nemiromo yenyu, makawanza mashoko enyu kwandiri; ndazvinzwa. 14 “Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Kana nyika yose ichifara, ndichakuita iwe dongo.’ 15 Sezvawakafara pamusoro penhaka yeimba yaIsiraeri, nemhaka yokuti yakaitwa dongo, saizvozvo ndichakuitirawo; uchava dongo, iwe gomo reSeiri, neEdhomu rose, izvo zvose zvaro; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.” |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe