Online Bible

- Reklamy -

Estere 10 - Shona Bible 1949 revised 2002


Ukuru hwaModhekai

1 Zvino mambo Ahashivheroshi akateresa nyika, nezviwi zvegungwa.

2 Zvino mabasa ake ose echikuriri, nesimba rake, uye zvose zvoukuru hwaModhekai, hwaakakudzwa nahwo namambo, hazvina kunyorwa here pabhuku yamakoronike amadzimambo eMedhia nePerisa?

3 Nokuti Modhekai muJudha wakanga ari wechipiri paushe achitevera mambo Ahashivheroshi; aiva mukuru pakati pavaJudha, akadikanwa navazhinji vehama dzake; waitsvakira vanhu vake zvakanaka, achitaurira rudzi rwake rwose zvorugare.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy