Online Bible

- Reklamy -

Zekaria 5 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Chiratidzo chaakaona chebhuku rokumononora

1 Ndakasimudza musoro ndikatarisa wonei bhuku rokumononora richibhururuka.

2 Akabva anditi, “Ko chii chauri kuona?” Ndakadavira ndichiti, “Ndiri kuona bhuku rekumononora riri kubhururuka. Urefu hwaro hunoita mamita mapfumbamwe uye upamhi hwaro huchiita mamita mana ane hafu.”

3 Akazoti kwandiri, “Irworwu urwu ndirwo rushambwa rwawira pamusoro penyika yose nokuti kubvira iye zvino anenge angoba chete anosungirwa kuparadzwa zvichienderanawo norushambwa irworwo uye anopika nhema achaparadzwa zvechienderana narwo.

4 Ndini charwutumidzira, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo rugopinda mumba membavha nomumba memunhu anopika zvenhema nezita rangu rwuchagara mumba make rwuiroromese mapango zvose namatombo.”


Kuonesa chiratidzo chomukadzi aiva mubhaghidhi

5 Mutumwa aitaura neni uya akauyapo akati kwandiri, “Simudza musoro uone kuti zvii zvavakuuya.”

6 Ini ndakati, “Chiiko?” Akati, “Ibhaghidhi riri kuuya.” Akatiwo, “Irori ndiho uipi hwavo munyika iyoyi yose zvayo.”

7 Ndiye onei chivharo chomutobvu chakuduburwa. Izvozvo makanga muina mukadzi agere mubhaghidhi imomo.

8 Mutumwa uya ndokuti, “Uhu huipi uhu.” Akabva amukanda pasi imomo mubhaghidhi makare akaroverera pasi chivharo chacho chomutobvu chairema pamuromo waro.

9 Ndakasimudza musoro ndikaona havo vakadzi vaviri vachiuya mberi. Mhepo yakanga iri mumapapiro mavo. Vaiva vane mapapiro akaita semapapiro eshuramurove. Vakasumudzira bhaghidhi iroro pakati penyika nedenga.

10 Ndakabvunza mutumwa aitaura neni uya kuti, “Ko ivava vava kuendesa bhaghidhi iroro kupi?”

11 Akanditi, “Kunyika yeShinari kundorivakira imba yokunamatira. Rikange ravakirwa saizvozvo richagadzikirwa pachigadzikiro paro.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy