Online Bible

- Reklamy -

Ruka 22 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


VI: DAMBUDZIKO NORUFU RWAJESU Bangano rokuda kuuraya Jesu
( Mat 26:1–5 ; Mak 14:1–2 ; Joh 11:45–53 )

1 Zvino zuva guru rechingwa chisina mbiriso rinonzi Pasika rakanga ravakuda kusvika.

2 Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo vakanga vachitsvaka kuti vangamuuraye sei nokuti vaitya vanhu.


Judhasi anobvuma kutengesa Jesu
( Mat 26:14–16 ; Mak 14:10–11 )

3 Zvino Satani akapinda muna Judhasi ainzi Isikarioti, aiva mumwe wavane gumi navaviri.

4 Akaenda akandorangana navavakuru namapurisa kuti angamuturire sei kwavari.

5 Vakafara vakatsidza kumupa mari.

6 Iye akabvuma, akatsvaka nguva yakanaka yokumuturira kwavari nayo pasina vanhu vakawanda.


Kugadzirira chirariro
( Mat 26:17–25 ; Mak 14:12–21 ; Joh 13:21–30 )

7 Zuva guru reChingwa Chisina mbiriso rakazosvika rayiitwa hwayana yePasika chibayiro.

8 Ipapo Jesu akatuma Pita naJohani achivati, “Endai mundotigadzirira Pasika kuti tigoidya.”

9 Vakati kwaari, “Munoda kuti tindoigadzirira kupi.”

10 Iye akati kwavari, “Pamunongoti pindei muguta muchasanganidzana nomurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei muimba yaanondopinda

11 mugotaurira muridzi wemba iyoyo kuti, ‘Mudzidzisi ari kuti kwamuri, ko imba yavayeni mandichadyira Pasika navadzidzi vangu iripi?’

12 Iye achakuratidzai imba huru yapamusoro makanyatsorongedzwa. Imomo ndomomotigadzirira.”

13 Vakaenda vakasvikowana sezvaakanga avataurira, ndokugadzirira Pasika.


Chirariro chaJesu navadzidzi vake
( Mat 26:26–30 ; Mak 14:22–26 ; 1 Vak 11:23–25 )

14 Nguva yacho payakasvika, akagara pakudya pamwechete navapositori.

15 Akati kwavari, “Ndaidisisa kwazvo kudya chirariro ichi nemi ndisati ndatambudzika

16 nokuti, ndinokuudzai kuti handichazochidya kusvikira chazadziswa muumambo hwaMwari.”

17 Akatora mukombe akatenda ndokuti, “Torai mukombe uyu mugoverane pakati penyu

18 nokuti ndinokuudzai kuti kubvira zvino handizonwazve muchero womugirepisi kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.”

19 Akatorawo chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Uyu muviri wangu unopirirwemi. Itai izvi mugochindiyeuka nazvo.”

20 Akaita zvimwechetezvo nomukombe mushure mechirariro achiti, “Mukombe uyu unoteurirwemi, chitenderano chitsva muropa rangu.

21 “Asi chinzwai, achandipandukira ari kuseva neni mundiro.

22 Mwanakomana womunhu anoenda zvake nenzira yaakatemerwa. Asi zvichamuwana munhu uyo anomutengesa.”

23 Vakatanga kubvunzana kuti, “Ndiani wavo akanga achazoita izvozvo.”


Ndiani mukuru pakati pavadzidzi vaJesu?

24 Pakamuka nharo pakati pavadzidzi dzokuti ndiani anofanira kutorwa somukuru wavo vose.

25 Iye akati kwavari, “Madzimambo evechirudzi vanoita zvechisimba kuvanhu vavo. Uye vakuru vakuru vavo vanozviti vanasamwoyochena.

26 Asi kwamuri hazvifaniri kudaro, mukuru pakati penyu ngaave iye somudiki. Uye mutungamiri aite somushandiri.

27 Nokuti ndiani mukuru, agere pakudya here kana kuti muperekeri? Handiti ndouyo agere pakudya? Asika ndiri pakati penyu somuperekeri.

28 “Imi ndimi makaramba muineni mumatambudziko angu,

29 sokundipa kwakaita Baba umambo ini ndinohupawo kwomuri

30 kuti muzodya nokumwa patafura neni muumambo hwangu makagara pazvigaro zvokutonga muchitonga madzinza gumi namaviri eIsiraeri.


Pita akaramba Jesu
( Mat 26:31–35 ; Mak 14:27–31 ; Joh 13:36–38 )

31 “Simoni, Simoni, tarisa uone Satani akumbira kuti akuzungurei sekoroni.

32 Asi ndakunamatira kuti chitendero chako chirege kukundika. Kana uchinge wazotendeukazve simbisa hama dzako.”

33 Pita akati, “Tenzi ndakagadzirira kuenda nemi kuJeri kana kurufu chaiko.”

34 Iye akati kwaari, “Ndinokuudza Pita kuti, iye nhasi uno uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.”


Nguva yakaomarara

35 Jesu akati kwavari, “Pandakakutumai musina chikwama kana tsapo kana shangu, pane chamakashaiwa here?” Vakati, “Hapana.”

36 Iye akati kwavari, “Asi parizvino, uyo ane chikwama ngaachitore; ndizvo zvimwechetezvo neane tsapo. Uyowo asina bakatwa ngaatengese bhachi rake atenge bakatwa.

37 Nokuti ndinokutaurirai kuti Magwaro Matsvene aya anofanira kuzadziswa mandiri anoti, ‘Akaverengerwa mukati mavatadzi nokuti zvakanyorwa nezvangu zvinofanira kuzadziswa.’ ”

38 Ivo vakati, “Tarisai Tenzi, haano mapakatwa maviri.” Iye akavati, “Zvakwana.”


Jesu anonamata pagomo remiorivhi
( Mat 26:36–46 ; Mak 14:32–42 )

39 Akabuda akaenda, samaitiro ake kugomo reMiorivhi. Vadzidzi vake vakamutevera.

40 Paakasvika panzvimbo iyoyo akati kwavari, “Namatai kuti murege kupinda mukuedzwa.”

41 Iye akasudurukana navo chinhambwe chingasvike dombo kana rapotserwa. Akapfugama akanamata achiti,

42 “Baba kana muchida henyu bvisai mukombe wenhamo uyu kwandiri asi kusave kuda kwangu asi kuda kwenyu ngakuitwe.” [

43 Mutumwa akabva kudenga akazviratidza kwaari achimusimbaradza.

44 Jesu achirwadziwa zvakanyanya kudaro, akatonyanya kunamata. Dikita rake rakaita samadonhwe makuru eropa achidonhera pasi.]

45 Paakasimuka paainamata, akauya kuvadzidzi akavawana vakakotsira nemhaka yokusuwa.

46 Akati kwavari, “Sei muchikotsira, mukai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa.”


Kusungwa kwaJesu
( Mat 26:47–56 ; Mak 14:43–50 ; Joh 18:3–11 )

47 Paakanga achiri kutaura kudaro, kwakauya chikwata chavanhu nomumwe murume ainzi Judhasi mumwe wavane gumi navaviri achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu akamutsvoda.

48 Asi Jesu akati kwaari, “Judhasi unotengesa Mwanakomana womunhu nokumutsvoda here?”

49 Vakanga vakamupoteredza pavakaona zvakanga zvavakuda kuitika vakati, “Tenzi totema namapakatwa here?”

50 Mumwe wavo akabva atema muranda womupristi mukuru achimudimbura nzeve yake yokurudyi.

51 Jesu akati, “Imi siyanayi nazvo izvi” akabata nzeve yake ndokumurapa.

52 Jesu akataura kuvapristi vakuru namapurisa apaTemberi navakuru vakuru vakanga vauya kuzomusunga achiti, “Mauya namapakatwa netsvimbo sokunge muri kuvinga gororo.

53 Asi pandaiva nemi zuva nezuva muTemberi imi hamuna kundisunga. Ino inguva yenyu nenguva yamasimba erima.”


Pita anoramba Jesu
( Mat 26:57–58 , 69–75 ; Mak 14:53–54 , 66–72 ; Joh 18:12–18 , 25–27 )

54 Vakabata Jesu vakaenda naye. Vakaenda naye kuimba yomupristi mukuru.

55 Pita akatevera ari chinhambwe. Pavakakuhwidza moto pakati penhandare vakagara pasi pamwechete, Pita akagarawo pakati pavo.

56 Mumwe musikana webasa paakamuona akagara pane chiedza akamunan'anidza akati, “Murume uyu anga ainayewo uyu.”

57 Asi Pita akaramba achiti, “Mukadzi iwe, ini handimuzivi.”

58 Mushure mechinguvana mumwewo munhu akamuona akati kwaari, “Newewo uri mumwe wavo iwe.” Asi Pita akati, “Murume iwe handisini.”

59 Mumashure mechinhambo chinoita awa imwechete, mumwezve akasimbisisa achiti, “Chokwadi chokwadi munhu uyu anga ainaye nokuti muGarirea.”

60 Pita akati, “Murume iwe, handizivi zvauri kutaura.” Pakare pakarepo achiri kutaura kudaro jongwe ndokubva rakukuridza.

61 Tenzi akacheuka akatarisa Pita. Pita akayeuka shoko raTenzi zvaakanga ati kwaari, “Jongwe risati rakukuridza nhasi uno uchandiramba rutatu.”

62 Akabuda akahwihwidza kuchema zvinosiririsa.


Jesu anonyombwa nokurohwa
( Mat 26:67–68 ; Mak 14:65 )

63 Zvino varume vakanga vakachengetedza Jesu vakamunyomba vachimurova.

64 Vakamusunga kumeso vachimubvunza vachiti, “Porofitaka. Ndiani akurova.”

65 Vakataura mamwe mazwi mazhinji vachimushonha.


Jesu pamberi pedare ravaJudha
( Mat 26:59–66 ; Mak 14:55–64 ; Joh 18:19–24 )

66 Kwaedza, gungano ravakuru–vakuru vavanhu rakaungana, vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo vakaenda naye kudare ravo vakati,

67 “Kana uriwe Kristu tiudze.” Asi iye akati kwavari, “Kana ndikakuudzai zvangu hamutendi.

68 Uye kana ndikakubvunzai hamundipinduri

69 asi kubvira zvino Mwanakomana womunhu achagara ari kurudyi rwaMwari Samasimbaose.”

70 Vose vakati, “Saka uri Mwana waMwari nhai?” Iye akati kwavari, “Inga imi matozvireva wani. Kuti ndini iye”

71 Ivo vakati, “Tichadirei humwe humbowo. Tazvinzwira iyesu achitaura nomuromo wake.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy