Online Bible

- Reklamy -

Nehemia 7 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

1 Kuzoti zvino rusvingo rwavakwa kudaro, ndaisawo magonhi acho navachengetedzi vapamisuo mikuru, navaimbi navaRevhi vasarudzwa,

2 ndakapa munun'una wangu Hanani naHananiya mutongi wakamuzinda kavarwi vehondo basa rokuona nezveJerusaremu pamusana pokuti aiva munhu ari pachokwadi uye anotya Mwari kupinda vazhinji.

3 Ndakavati, “Misuo mikuru yeJerusaremu ngairege kuzarurwa kusvikira kwadziya. Pavanengewo vachiri kuchengetedza kudaro ngavapfige vaise mazariro kumagonhi acho. Sarudzai vokuchengetedza muvagari vomuJerusaremu mumwe nomumwe pake pokugaririra mumwe nomumwe ari pakatarisana nemba yake.”


Mazita nouwandu hwevanhu vakadzoka kuutapwa
( Ezira 2:1–70 )

4 Guta rakanga rakafara riri guru, asi vanhu vakanga varimo vaiva vashoma kusina dzimba dzakanga dzati dzavakwa.

5 Mwari wangu akaisa pfungwa mumwoyo mangu yokuti ndiunganidze vokumba huru namakurukota navanhu kuti vanyorwe mazita chizvarwa nezvizvarwa. Ndakawana bhuku rina mazita ezvizvarwa zvavanhu zvavakatanga kuuya vaye, ndikawana makanyorwa kunzi:

6 Havanoi vanhu venyika ino vakakwira kuuya vachibva kuutapwa panhapwa dziya dzakanga dzambotapwa dzikatamisirwa kusi kwadzo naNebhukadhinezari mambo weBahabhironi, vakadzokera muJerusaremu nokwaJudha, munhu wose kuguta rokwake.

7 Vakauya naZerubhabhero naJeshua naNehemiya naAzariya naRaamiya naNahamani naModhekai naBhirishani naMisipereti naBhigivhai naNehumu naBhaana. Uhu ndihwo huwandi hwavarume vokwaIsiraeri:

8 Vanakomana vokwaParoshi zviuru zviviri zvavanhu zvina makumi manomwe ana vaviri

9 vokwaShefatiya mazana matatu ane makumi manomwe ane vaviri

10 vokwaAra mazana matanhatu ane makumi mashanu ana vaviri

11 Vanakomana vokwaPahatimoabhu vari vokwaJeshua naMoabhu zviuru zviviri zvina mazana masere ane gumi navasere

12 vokwaEramu chiuru china mazana maviri ana makumi mashanu ana vana

13 vokwaZatu mazana masere ana makumi mana navashanu

14 vokwaZakai mazana manomwe ana makumi matanhatu

15 vanakomana vokwaBhinui mazana matanhatu ana makumi mana navasere

16 vokwaBhebhai mazana matanhatu ana makumi maviri navasere

17 vokwaAzigadhi zviuru zviviri zvina mazana matatu ane makumi maviri ana vaviri

18 vanakomana vokwaAdhomikamu mazana matanhatu ana makumi matanhatu navanomwe

19 vokwaBhigivhai zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe

20 vokwaAdhini mazana matanhatu ana makumi mashanu ane vashanu

21 vanakomana vokwaAteri vari vokwaHezekiya makumi mapfumbamwe navasere

22 vokwaHashumu mazana matatu ana makumi maviri ana vasere

23 vokwaBhezai mazana matatu ana makumi maviri ana vana

24 vokwaHarifi zana negumi navaviri

25 vanakomana vokwaGibheoni makumi mapfumbamwe ana vashanu

26 vokuBheterehemu nevokuNetofa zana namakumi masere ana vasere

27 vokuAnatoti zana namakumi maviri ana vasere

28 vokuBhetiazimavheti makumi mana ana vaviri

29 vokuKiraitijearimu nokuKepfira nokuBheeroti mazana manomwe ane makumi mana navatatu

30 vokuRama nokuGebha mazana matanhatu ana makumi maviri nomumwechete

31 vokuMikimashi zana namakumi maviri ana vaviri

32 vokuBhetieri neAi zana namakumi maviri ana vatatu

33 vokune imwe Nebho makumi mashanu navaviri

34 vokune imwe Eramu chiuru china mazana maviri ane makumi mashanu navana

35 vokuHarimu mazana matatu ana makumi maviri

36 vokuJeriko mazana matatu ane makumi mana navashanu

37 vokuRodhi nokuHadhidhi nokuOno mazana manomwe ana makumi maviri nomumwechete

38 vokuSenaa zviuru zvitatu namazana mapfumbamwe ana makumi matatu.

39 Vapristi: vana vokwaJedhaya vakomana vari vemba yokwaJeshua vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu

40 vokwaImero chiuru namakumi mashanu ana vaviri

41 vokwaPashihuru chiuru namazana maviri ana makumi mana navanomwe

42 vokwaHarimu chiuru negumi navanomwe.

43 VaRevhi: vana vokwaJeshua vakomana vemba yokwaKadhimieri vari vokwaHodhevha vaiva makumi manomwe ana vana.

44 Vaimbi: vana vokwaAsafu: zana namakumi mana ana vasere.

45 Vachengetedzi vapamisuo mikuru: vana vokwaSharumu vakomana naAteri naTarimoni naAkubhu naHatita naShobhai vaiva zana rimwechete rine makumi matatu nevasere.

46 Vashandi vapaTemberi vaiva vanakomana vaava vanoti: Ziha naHasufa naTabhaoti

47 naKerosi naSiya naPadhoni

48 naRebhana naHagabha naSharumai

49 naHanani naGidheri naGaheru

50 naReaya naResini naNekodha

51 naGazamu naUza naPesea

52 naBhesai naMeunimu naNefusimu

53 naBhakibhuku naHakufa naHarihuru

54 naBhaziruti naMehidha naHarisha

55 naBharikosi naSisera naTema

56 naNezi naHatifa.

57 Vanakomana vavaranda vokwaSoromoni paiva nevokwaSotai naSofereti naPeridha

58 novokwaJaara naDharikoni naGidheri

59 novokwaShefatiya naHatiri naPokeretihazibhaimu naAmoni.

60 Ivava vashandi vapaTemberi pamwechete navaranda vaSoromoni vose vaiva mazana matatu ane makumi mapfumbamwe navaviri.

61 Kune vamwe vaibva kuTerimera nokuTeriharisha nokuKerubhu nokuAdhoni nokuImero, asi havana kukwanisa kurondedzera dzimba dzemadzibaba avo uye kuti ivo pachavo ndevechiIsiraeri here kana kuti kwete.

62 Vakanga vari vanakomana vaava vanoti: Deraya naTobhiya naNekodha. Ivava ava vaiva vari mazana matanhatu ane makumi mana navaviri.

63 Pakati pavapristi paivawo navanakomana vaava vanoti: Hobaya naHakozi naBhazirai (Bhazirai uyu ndiye uya wokuroora mwana waBhazirai wokuGireadhi akazenge ava kudaidzwa nezita rake).

64 Ivava ava vakatsvaka mazita avo pamazita akanga akanyorwa chizvarwa nechizvarwa, asi haana kuwanikwapo. Ipapo paupristi apa, vakanzi vakan'ora.

65 Sadunhu akavati varege kudya zvokudya zvinoeresesa kusvikira patova nomupristi wokunzwa kuti Mwari anoti kudii achishandisa Urimu neTumimu.

66 Gungano racho rose pamwechete rakanga riina vanhu zviuru makumi mana ane zviviri zvine mazana matatu ana makumi matanhatu avanhu.

67 Tisingaverengere varanda vavo vechirume nevechikadzi vakangawo vari zviuru zvinomwe zvavanhu zvina vanhu mazana matatu ana makumi matatu navanomwe. Vakangawo vaina vaimbi varume navakadzi vaiita mazana maviri ana makumi mana navashanu.

68 Vaiva namabhiza avo mazana manomwe ana makumi matatu ana matanhatu, nemanyurusi avo mazana maviri ana makumi mana namashanu.

69 Kwozouya ngamera dzavo mazana mana ana makumi matatu ane shanu namadhongi zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri.

70 Zvino vamwe vatungamiriri vedzimba dzemadzibaba avo vakapa zvipo zvokubatsira pabasa iri. Gavhuna akabvisawo ndarama inorema makirogiramu angangoita masere nembenge makumi mashanu namagemenzi mazana mashanu ane makumi matatu avapristi zvikaendeswa maichengeterwa upfumi.

71 Izvozvo vamwe vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo vakabvisa ndarama yainge yoda kuita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu namasere, nesirivha yainge tani rimwechete rina makirogiramu mazana maviri namakumi mashanu, namagemenzi makumi matanhatu ana manomwe avapristi, vakaendesa maichengeterwa upfumi hwainge hwakanangana nebasa iroro.

72 Zvakabviswawo nevamwe vanhu vose ndezvizvi izvi zvinoti: ndarama ingangoita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu ana masere, nesirivha yainge makirogiramu zana nemakumi mana, namagemenzi makumi matanhatu namanomwe avapristi.

73 Naizvozvo vapristi navaRevhi navachengetedzi vapamisuo mikuru navaimbi navamwewo vanhu navashandi vapaTemberi neIsiraeri yose vakagara mumaguta okwavo. Pakazosvika mwedzi wechinomwe, vaIsiraeri vakanga vatova mumaguta avo.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy