Online Bible

- Reklamy -

Nehemia 12 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Vapristi navaRevhi vakadzokera naZerubhabhero naJeshua

1 Vapristi navaRevhi vaya vakasimuka vakauya pamwechete naZerubhabhero mwanakomana waShearitieri naJeshua ndavava ava vanoti: Seraya naJeremiya naEzira

2 naAmariya naMaruki naHatushi

3 naShekaniya naRehumu naMeremoti

4 naIdho naGinetoi naAbhiya

5 naMijamini naMaadhiya naBhiriga

6 naShemaya naJoyaribhu naJedhaya

7 naSaru naAmoki naHirikiya naJedhaya. Ivava ndivo vaiva vakuru vakuru vavapristi nevehama dzavo mumazuva aJeshua.

8 KuvaRevhi uku paiva navava vanoti: Jeshua naBhinui naKadhimieri naSherebhiya naJudha naMataniya iyeyu nehama dzake vaiva varivo vokuona nezvenziyo dzokutenda

9 uku Bhakibhukiya naUno hama dzavo vainge vachimira pakadaro apo vakatarisana navo pavainge vari pabasa irori.


Madzitateguru omupristi mukuru Jeshua

10 Jeshua aiva baba vaJohakimu Johakimu ari baba vaEriyashibhu Eriyashibhu ariwo baba vaJoyadha

11 Joyadha ariwo baba vaJonatani. Jonatani ndibaba vaJadhua.


Vatungamiriri vedzimba dzomudzinza ravapristi

12 Mumazuva aJoyakimu, vapristi vakanga vari vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo vakamira vakadai: Seraya aiva wokwaMeraya Jeremiya ari wokwaHananiya

13 Ezira ari wokwaMeshuramu Amariya ari wokwaJehohanani

14 Maruki ndewokwaJonatani Shekaniya aiva wokwaJosefi

15 Harimu ari wokwaAdhina Meremoti ari wokwaHerikai

16 Idho ari wokwaZekariya Ginetoni ndewokwaMeshuramu

17 Abhiya ari wokwaZikiri Miniyamini naMoadhiya vaiva vokwaPiritai

18 Bhiriga ari wokwaShamua Shamaya ari wokwaJehonatani

19 Joyaribhu ndewokwaMatenai Jedhaya aiva wokwaUzi

20 Sarai ari wokwaKarai Amoki ari wokwaEbheru

21 Hirikiya ndewokwaHashabhiya, Jedhaya aiva wokwaNetaneri.


Mazita emhuri dzechipristi nedzechiRevhi dzakanga dzakanyorwa

22 KuvaRevhi uku, mumazuva aEriyashibhu naJohanani naJadhua, kwakanga kuna mazita akanyorwa avatungamiriri vedzimba dzamadzibaba acho pamwechetewo navapristi kusvikira mugore rokutonga kwaDhariusi muPezhiya.

23 Vanakomana vokwaRevhi, kusvikira mumazuva aJohanani mwanakomana waEriyashibhu, vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba acho, vakanga vakanyorwa mazita muBhuku reNhoroondo.


B: KUGOVERANISWA KWAVAKAITWA MABASA OKUITA EPATEMBERI

24 Vakuru vakuru vevaRevhi ava vanoti: Hashabhiya naSherebhiya naJeshua mwanakomana waKadhimieri nehama dzavo vaiva vokumira pakatarisana navo vachitenda Mwari nokurumbidza maererano nezvakanga zvanzi zviitwe naDhavhidhi munhu waMwari, chikwata chichidairana nechimwe.

25 Mataniya naBhakibhukiya naObhadhiya naMeshuramu naTarimoni naAkubhu vaiva vachengetedzi vepamisuo mikuru vaimira vachigaririra padzimba dzokuchengetera zvinhu dzokumisuo mikuru yacho.

26 Ivava ava vaivepo mumazuva aJoyakimu mwanakomana waJeshua, Jeshua mwanakomana waJozadhaki nomumazuva aNehemiya gavhuna neemupristi Ezira nyanzvi yomutemo iya.


C: KUTEKETERERA KUNA MWARI KWAKAITA NEHEMIYA RUSVINGO

27 Pakuteketererwa kuna Mwari kwakaitwa rusvingo rweJerusaremu, vakakokorodza vaRevhi kunzvimbo dzavo dzose vachiunza muJerusaremu kuzopembera nokufarira kuteketerera kuna Mwari ikoku vachimutenda vachiimba vaine makwakwakwa outare namadimbwa nezvipendhani.

28 Vanakomana vevaimbi vakaungana pamwechete vachibva munharaunda yeJerusaremu nokumisha yevanhu vokuNetofa

29 nevaibvawo kuBhetigirigari nokuruwa rweGebha nokuAzimavheti. Chakanga chavepo ndechokuti, vaimbi vakanga vazvivakira misha munharaunda yeJerusaremu.

30 Vapristi nevaRevhi vakazvichenura vakabva vachenurawo vanhu nemisuo mikuru norusvingo.

31 Ndakazokwidza machinda emaJudha umu parusvingo ndikasarudza mapoka maviri evanhu vakuru vaiva vari vokuzotenda Mwari vakaita dungwerungwe kuenda. Rimwe boka rakaenda kurudyi kwacho riri pamusoro porusvingo ipapo rakananga kusuo guru rokuMarara

32 richiteverwa mushure naHoshaya pamwechete nechimwe chikamu chamachinda emaJudha umu ava vanoti:

33 Azariya naEzira naMeshuramu

34 naJudha naBhenjamini naShemaya naJeremiya

35 nevamwe vanakomana vevapristi vaine mabhosvo ava vanoti: Zekariya mwanakomana waJonatani Jonatani mwana waShemaya Shemaya ari mwana waMataniya Mataniya ariwo mwana waMikaya Mikaya akaberekwa naZakuri Zakuri aberekwa naAsafu

36 nehama dzake dzomumba dzinoti: Shemaya naAzareri naMirarai naGirarai naMaai naNetaneri naJudha naHanani. Vaine zvokuimbisa zvinoridzwa zviya zvaDhavhidhi munhu waMwari, Ezira nyanzvi yomutemo iya, ndiye aivatungamirira.

37 Kusuo guru reChisipiti, vakati tande kuenda vakananga kumberi kwavo vachikwidza napamadanho rapaGuta raDhavhidhi pamukwidza worusvingo nechepamusoro pemba yaDhavhidhi vachienda kusuo guru rokuMvura kumabvazuva.

38 Rimwewo boka ravaya vokutenda Mwari rakaenda kurubhoshwe. Ndakavatevera nechimwe chikamu chavanhu pamusoro porusvingo ipapo nochokumusoro kweNharire yeZvoto takananga kurusvingo Rwakapamhama

39 napamusoro pesuo guru rokwaEfuremu nepasuo guru reChinyakare nepasuo guru reHove nokuNharire yokwaHananeri nokunharire yeZana nokusuo guru reHwai. Vakazosvikomirira pasuo guru revaGaririri.

40 Nokudaro mapoka maviri aye okutenda Mwari, akamira mumba maMwari, izvozvo ndakanga ndine chimwe chikamu chavakuru vakuru

41 chevapristi vaiva namabhosvo ava vaiti: Eriyakimu naMaaseya naMiniamini naMikaya naErieonai naZekariya naHananiya

42 kwozouyawo Maaseya naShemaya naEreazaru naUzi naJehoHanani naMarikiya naEramu naEzero. Vaimbi vakaimba zvokunzwika zviye vachitungamirirwa naJezirahiya.

43 Vakapira zvibayiro zvikuru musi iwoyo vakafara zvikuru kwazvo nokuti Mwari akanga aita kuti vafare chaizvo zvokufara zviya. Vakadzi navana vakazofarawo. Kufara kweJerusaremu kukanzwika kure kure.


D: VARUME VEBASA ROKUUNGANIDZA ZVEMIPIRO YOKUTEMBERI

44 Pazuva iroro vamwe varume vakaiswa pabasa rokuona nezvedzimba dzokuchengetera zvinhu izvi zvinoti: mipiro nemichero yokutanga nezvegumi. Ndivo vaiva nebasa rokuunganidzamo migove yainzi nomutemo ive yavapristi nevaRevhi zvichibva muminda yomumaguta pamusana pokuti Judha yaifarira vapristi nevaRevhi vaishandamo.

45 Vakaita basa raMwari wavo nebasawo rokuzvichenura sezvakangoitawo vaimbi navachengetedzi vepamisuo mikuru maererano nomurao waDhavhidhi nomwanakomana wake Soromoni.

46 Nokuti kare mumazuva aDhavhidhi neaAsafu kwaiva nomukuru mukuru wavaimbi, kwaivawo nedzimbo dzokurumbidza nokutenda Mwari.

47 Isiraeri yose mumazuva aZerubhabhero nomumazuva aNehemiya vanhu, vaibvisa mugove wokupa vaimbi navachengetedzi vepamisuo mikuru, vaibvisawo zvevaRevhi, vaRevhiwo vachibvisawo chikamu chaifanirwa kupiwawo kuvanakomana vokwaAroni.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy