Online Bible

- Reklamy -

Nehemia 11 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


IV: ZVIMWE ZVAKAGADZIRIDZWA NANEHEMIYA A: NZIRA DZOKUWANZIRIDZA VANHU MUJERUSAREMU Vanhu vaigara muJerusaremu

1 Vatungamiriri vavanhu vaigara muJerusaremu. Vamwe vanhu vose vaitoita zvokusarudza nechin'ange munhu mumwechete pagumi ravanhu wokundogara muJerusaremu raiva riri iro guta rinoera, vamwe vapfumbamwe ava vachigara muna mamwe maguta.

2 Vanhu vakarumbidza varume vakazvipira zvavo kundogara muJerusaremu.

3 Ava ndivo madzishe enyika iyi aigara muJerusaremu asi mumaguta okwaJudha munhu wose aigara pamusha pake mumaguta avo imomo. Paiva navaIsiraeri navapristi nevaRevhi navashandi vapaTemberi navana vavaranda vaSoromoni.

4 MuJerusaremu maigarawo vamwe vanakomana vokwaJudha navamwe vanakomana vokwaBhenjamini. Kuvanakomana vokwaJudha paiva: naAtaya mwanakomana waUziya, Uziya mwana waZekariya, Zekariya mwanawo waAmariya, Amariya akaberekwa naShefatiya Shefatiya mwanakomana waMaharareri Mahararerei mwana waFeresi

5 naMaaseya mwanakomana waBharuku Bharuki akaberekwa naKoruhozeni, Koruhozeni mwana waHazaya, Hazaya mwanawo waAdhaya Adhaya mwanakomana waJoyaribhu, Joyaribhu akaberekwa naZekariya ari mwanakomana womunhu wokuShiro.

6 Vanakomana vose vokwaPeresi, vaigara muJerusaremu vaiva varume mazana mana ana makumi matanhatu navasere dziri mvumba chaidzo dzokurwa hondo.

7 Ava ndivo vanakomana vedzinza rokwaBhenjamini: kwaiti, Saru mwanakomana waMeshuramu Meshuramu ari mwanakomana waPedhaya, Pedhaya ari mwanakomana waKoraya Koraya mwanakomana waMaaseya Maaseya wakaberekwa naItieri, Itieri mwanakomana waJeshaya.

8 Saru uyu aitevedzerwa naGabhai naSarai vari mazana mapfumbamwe avanhu ana vanhu makumi maviri navasere.

9 Joeri mwanakomana waZikiri ndiye aiva mutariri mukuru wokuona nezvavo. Judha mwanakomana waHasenua aiva mutevedzeri womutongi weguta iri.

10 Kuvapristi kwaiva naava vanoti: Jedhaya mwanakomana waJoyaribhu uye Jakini

11 naSeraya mwanakomana waHirikiya; Hirikiya uyu mwanakomana waMeshuramu, Meshuramu akaberekwa naZadhoki, Zadhoki ari mwana waMerayoti, Merayoti mwanakomana waAhitubhu mutongi wapamba paMwari.

12 Nehama dzavo vaiva vari vokuita basa rapamba ipapo vakanga vari mazana masere namakumi maviri ana vaviri kwouya Adhaya mwanakomana waJehoramu Jehoramu mwana waPerariya Perariya ari mwanawo waAmuzi Amuzi ari waZekariya Zekariya ariwo waPashihuru Pashihuru mwanakomana waMarikiya

13 nehamawo dzake, vatungamiriri vedzimba dzemadzibaba acho vari mazana maviri ane makumi mana navaviri kwozouya Amashisai mwanakomana waAzareri. Azareri mwana waAhizai Ahizai ari mwana waMeshiremoti Meshiremoti akaberekwawo naImero

14 nehama dzavowo mvumba chaidzo dzevarume magamba chaiwo okurwa hondo vari zana namakumi maviri ana vasere, mutariri wavo ari Zabhudhieri mwanakomana waHagedhorimu.

15 KuvaRevhi kwaivawo naava vanoti: Shemaya mwanakomana waHashubhu Hashubhu mwana waAzirikamu Azirikamu ari mwana waHashabhiya, Hashabhiya ari waBhuni

16 Bhuni naShabhetai naJozabhadhi vamwe vevakuru vakuru vevaRevhi vaiona nezvebasa rokunze repamba yaMwari kwouyawo Mataniya mwanakomana waMika, Mika mwana waZabhudhi

17 Zabhudhi mwanakomana waAsafu aiva mutungamiriri wokuvamba munamato wokutenda uyewo Bhakibhukiya mwana wechipiri pakati pehama dzake kwozouya Abhudha mwanakomana waShamua mwanakomana waGarari, Garari mwanakomana waJedhutuni.

18 VaRevhi vomuGuta Rinoera iri vose vaiva mazana maviri namakumi masere ana vana.

19 Vachengetedzi vepamisuo mikuru, vana Akubhu naTarimoni nehama dzavo, vakanga vari vokuchengetedza pamisuo mikuru, vaiva zana revanhu rine vanhu makumi manomwe navaviri.

20 Vamwe vose veIsiraeri navamwe vose vevapristi navavaRevhi vaiva mune mamwe maguta ose amaJudha munhu wose agere pake penhaka.

21 Asi vashandi vepaTemberi vaigara paOferu, Ziha naGishipa ndovaiva vakuru vakuru vevashandi vepaTemberi.

22 Mutariri wevaRevhi muJerusaremu akanga ari Uzi mwanakomana waBhani Bhani mwana waHashabhiya, Hashabhiya ari mwana waMataniya, Mataniya akaberekwa naMika Mika wokuvanakomana vokwaAsafu vaimbi, aiona nezvebasa repamba yaMwari,

23 nokuti kwakanga kwabva chirevo kuna mambo chakanangana nezvavo nomugove wakatemwa wevaimbi sezvainge zvichidiwa zuva nezuva

24 kwoti Petahiya mwanakomana waMeshezabheri, Meshezabheri mumwe wevana vokwaZera, Zera mwanakomana waJudha aiva nhume yamambo panyaya dzose dzainangana nezvevanhu.


Vanhu vokune mamwe maguta nemisha yekwaJudha

25 Panyaya yemisha namafuro ayo, vamwe vanhu vamaJudha umu vaigara mumaguta aya anoti: muKiriatiaribha nemisha yaro nomuDhibhoni nemisha yaro nomuJekabhuzieri nemisha yaro

26 nomuJeshua nomuMoradha nomuBhetipereti

27 nomuHazarishuaru nomuBheerishebha nemisha yaro

28 nomuZikiragi nomuMekona nemisha yaro

29 nomuEnirimoni nomuZora nomuJarimuti

30 nomuZanowa neAdhuramu nemisha yawo neRakishi nemisha yaro neAzeka nemisha yaro. Saizvozvo vakadzika matendhe kubvira kuBheerishebha kusvikira kuBani rokwaHinomu.

31 Vanhu vokwaBhenjamini vaigarawo kubvira Gebha zvichienda mberi kuMikimashi nokuAiya nokuBhetieri nemisha yaro

32 nokuAnatoti neNobhu neAnaniya

33 neHazori neRama neGitaimu

34 neHadhidhi neZebhoimu neNebharirati

35 neRodhi neOno bani remhizha dzezvoutare.

36 Zvimwe zvikwata zvevaRevhi maJudha umu zvakanga zvakabatanidzwa kune vokwaBhenjamini.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy