Mupiro 9 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaAroni anopira zvibayiro kuna Mwari 1 Pazuva rorusere Mosesi akakokera Aroni navanakomana vake, navakuru vakuru vavaIsiraeri kuti vauye, 2 akati kuna Aroni, “Zvitorere chimhuru chomukono yomupiro wokupfupira zvitadzo, nehondohwe yomupiro wokupisa, dzose dziri mbiri ngadzive dzisina chinoshoreka padziri, udzipire kuna Tenzi, 3 utaurire vaIsiraeri kuti, ‘Torai gotora romupiro wokupfupira zvitadzo nemhuru, nehwayana dzose dziri mbiri dzive dzine gore rimwechete, dzisina chinoshoreka padziri dzomupiro wokupisa.’ 4 Mutorewo nzombe nehondohwe zvomupiro wokuwadzana, zvokubayira kuna Tenzi pamwechete nomupiro wembesanwa wakasanganiswa nemafuta, nokuti nhasi uno Mwari achazviratidza kwamuri.” 5 VaIsiraeri vakaunza zvose zvakarayirwa naMosesi kumusuo wetendhe rokusanganira, vose vakauya vakasvikomira pana Tenzi. 6 Mosesi akati, “Izvozvi ndizvo zvakanzi naTenzi muite. Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kuchazviratidza kwamuri.” 7 Mosesi akati kuna Aroni, “Chienda kuatari upire mupiro wako wokupfupira zvitadzo, nomupiro wako wokupisa upfupire zvitadzo zvako, nevemba yako, upirire vanhu mupiro, sokureva kwaTenzi.” 8 Aroni akaenda kuatari akandouraya chimhuru chomupiro wokupfupira zvitadzo zvake. 9 Vanakomana vaAroni vakamuigira ropa rayo. Akanyika munwe wake muropa iroro akarizora pane zvinenge nyanga zviri paatari, akateurira ropa iroro nechapasi peatari. 10 Mafuta ayo neitsvo nechinyama chapachiropa zvomupiro wokupfupira zvitadzo akazvipisa paatari sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. 11 Nyama nedehwe rayo akandozvipisa nomoto kunze kwematendhe. 12 Aroni akauraya chibayiro chomupiro wokupisa. Vanakomana vake vakamuigira ropa racho akarisasa pamativi ose eatari. 13 Vakamugamuchidza chibayiro chomupiro wokupisa, chidimbu nechidimbu chacho, nomusoro wacho akazvipisa paatari. 14 Akasuka zvomukati namazondo akazvipisa paatari pamwechete nomupiro wokupisa. 15 Akauya nomupiro wavanhu. Akatora mbudzi iyoyo yavanhu yezvitadzo, akaiuraya achiipira kupfupira zvitadzo, seyokutanga iya. 16 Akaunzazve chibayiro chomupiro wokupisa akachipira maererano nezviri pamurao. 17 Akauya noupfu hwomupiro wembesanwa, akanokora chanza chizere chahwo, akapisa paatari, kunyange zvazvo kwainge kwapirwa mupiro wokupisa wamangwanani. 18 Akauraya nzombe iya nehondohwe iya, zvibayiro zvemipiro yokuwadzana yavanhu, vanakomana vaAroni vakamuvigira ropa, akarisasa pamativi ose eatari. 19 Mafuta enzombe neehondohwe pamwechete nomuswe wayo wakakora namafuta akaputira zvomukati, netsvo, nechinyama chepachiropa 20 akaisawo mafuta pamusoro pezvityu, akapisa paatari. 21 Asi zvityu nechidya chokurudyi akazvisimudzira somupiro kuna Tenzi sezvakanga zvarehwa naMosesi. 22 Aroni akasimudzira maoko ake kuvanhu, akavapa chikomborero, akaburuka paaipira mupiro wokupfupira zvitadzo, nomupiro wokupisa nomupiro wokuwadzana. 23 Mosesi naAroni vakapinda mutendhe rokusanganira, pavakabudamo vakapa vanhu chikomborero, kupenya kwokuvapo kwaTenzi kukaonekwa navanhu vose. 24 Pakarepo moto wakabva kuna Tenzi ukaroromesa mupiro wokupisa pamwechete namafuta aiva paatari. Vanhu vose pavakazviona vakadaidzira vakati pasi zvambarara. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe