Online Bible

- Reklamy -

Mupiro 7 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Mipiro yokuripa mhosva

1 “Mutemo womupiro wokuripa mhosva ndouyu: mupiro iwoyu unoera kwazvo,

2 Panourayirwa chibayiro chomupiro wokupisa ndipo panourairwa chibayiro chomupiro wokuripa mhosva. Ropa racho ngarisaswe pamativi ose eatari.

3 Mafuta acho ose ngaapirwe pamwechete namafuta omuswe wayo, namafuta akaputira zvomukati

4 netsvo mbiri namafuta ari pakatinginika petsvo nedivi rechiropa rakareba, nechinyama chapachiropa chaachabvisa pamwechete netsvo.

5 Mupristi ngaazvipise paatari kuna Tenzi somupiro unoita zvokupiswa, iwoyu mupiro wokuripa mhosva.

6 Vanhurume vose, vapristi ndovanobvumirwa kuudya. Ngaudyirwe panzvimbo inoera unoera kwazvo.

7 “Mupiro wokuripa mhosva, sezvakangoitawo mupiro wokupfupira zvitadzo, mutemo wayo mumwechete wokuti: mupristi anenge apira mupiro wokupfupira zvitadzo ndiye muridzi wenyama.

8 Mupristi anenge apira munhu mupiro wokupisa, ndiye muridzi wedehwe rechipfuwo chaapira.

9 Chingwa chinenge chakabikirwa muovhoni kana chakabikirwa mupani kana kuti chinenge chakaitwa zvokusasika pamoto, chemupiro wembesanwa wose wose zvawo, ndechemupristi anenge apira mupiro iwoyo.

10 Mupiro wose wose zvawo wembesanwa, ungave zvawo weupfu hwakakanyiwa namafuta kana hwakaoma, ndewevanakomana vose vekwaAroni pasina zvokusarudza.


Mipiro yokuwadzana

11 “Mutemo wezvibayiro zvemipiro yokuwadzana ingaunzwe nomunhu kuna Tenzi ndouyu:

12 Kana mupiro iwoyo uri wokutenda, ngaapire pamwechete nechibayiro chokutenda chingwa chisina mbiriso choupfu hwakakanyiwa namafuta, nechimwe chingwa chakati fatata chisina mbiriso, chakazorwa mafuta, nechimwewo chingwa cheupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa chakanyatsokanyiwa namafuta.

13 Paanounza chibayiro chake chomupiro wokuwadzana, wokutenda, ngaauyewo nechingwa chine mbiriso.

14 Pane chingwa ichocho ngaapire kuna Tenzi chingwa chimwechete pamhando, ichocho chichava chomupristi anenge asasa paatari ropa rechibayiro chomupiro wokuwadzana.

15 Nyama yechibayiro chomupiro wake wokuwadzana, wokutenda ngaidyiwe zuva rakarero rainenge yapirwa. Ngaarege kusiya nyama yayo kusvikira mangwana.

16 “Asi kana chibayiro chake chiri chezvaakambotsidza kupa, kana kuti uri mupiro waakasarudza kupira nomwoyo wake, ngachidyiwe musi wakarewo wachaurayiwa. Nyama inenge yasara inogona zvayo kudyiwa ramangwana acho.

17 Asi nyama yechibayiro ichocho inosara kusvikira zuva retatu ngaipiswe nomoto.

18 Kana nyama yechibayiro ichocho chomupiro wake wokuwadzana, ikangodyiwa zvayo pazuva retatu, munhu anenge aupira haazogamuchirwa, uyewo haazoonekwa sepane chaaita chakanaka, asi anenge atoita chinhu chakaipa kwazvo. Ani naani anoudya imhosva yake.

19 Nyama inenge yagunzvana nechinhu chipi nechipi zvacho chakan'ora haifanire kudyiwa, ngaipiswe nomoto. “Ani naani asina kun'ora anobvumirwa zvake kudya nyama,

20 asi munhu anodya nyama iyoyo yechibayiro chaTenzi chomupiro wokuwadzana iye aine chinhu chinon'oresa munhu, anofanira kuchekaniswa ukama novokwake.

21 Munhu anobata chinhu chakan'ora chingave chinhu chinon'oresa chiri pamunhu, kana chiri pamhuka yakan'ora kana chii zvacho chinon'oresa, chakaipa kwazvo, ozodya nyama yechibayiro chaTenzi chemipiro yokuwadzana, munhu iyeyo atozvichekanisa ukama novokwake.”

22 Mwari akataurira Mosesi kuti,

23 “Iti kuvaIsiraeri musadye mafuta api neapi zvawo, kana emombe, kana ehwai, kana embudzi.

24 Mafuta emhuka yakafa yoga neemhuka inenge yakabvamburwa nechikara munogona zvenyu kuaitisa mamwe mabasa, asi musambofa zvenyu makaadya.

25 Ani naani anodya mafuta echibayiro chomupiro waTenzi unoita zvokupiswa atozvichekanisa ukama nevokwake.

26 Kwose kwose zvako kwamuchandogara musadye ropa, ringave reshiri kana remhuka.

27 Munhu wose zvake anodya ropa ripi neripi zvaro anofanira kuchekaniswa ukama novokwake.”

28 Tenzi akati kuna Mosesi,

29 “Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Munhu anopira kuna Tenzi zvibayiro zvemipiro yake yokuwadzana, ngaauye nomupiro wake kuna Tenzi.’ Pachibayiro chake chokuwadzana,

30 ngaatore zvemupiro waTenzi unoita zvokupiswa, auye akazvibata mumaoko iye pachake. Ngaauye nemafuta pamwechete nechityu, avheyese chityu, achisimudzire kuna Tenzi, somupiro unosimudzirwa uchipirwa kuna Tenzi.

31 Mupristi ngaapise mafuta iwayo paatari, asi chityu ndechaAroni navanakomana vemhuri yekwake.

32 Pamipiro yenyu yokuwadzana, torai chidya chorudyi mupe sechipo mupristi.

33 Chidya chorudyi ichocho ndechemwanakomana waAroni anenge apira ropa rechibayiro chomupiro wokuwadzana, nemafuta.

34 Ndinodaro nokuti pamipiro yavaIsiraeri yokuwadzana ndatora chityu kwaari chinenge chasimudzirwa mudenga kupa kuna Mwari, nechidya chomupiro unovheyeswa uchipirwa kwaari ndikapa mupristi Aroni navanakomana vemhuri yekwake, semugove wavo wavanofanira kugara vachipiwa navaIsiraeri.”

35 Pakugadzwa kunoitwa Aroni navanakomana vemhuri yekwake, iwoyu ndiwo mugove wavo pamipiro yaTenzi inoita zvokupiswa musi wavanopirwa kuna Tenzi kuita basa roupristi,

36 ndizvo zvakarehwa naTenzi kuti avape zvichibva kuvaIsiraeri musi wavanogadzwa, somugove wavo wavanofanira kugara vachipiwa pazvizvarwa zvavo zvose.

37 Iwoyu ndiwo mutemo wemupiro wokupisa, nowemupiro wembesanwa, newemupiro wokupfupira zvitadzo, nemupiro wokuripa mhosva, nowokugadza, nemipiro yokuwadzana,

38 wakaudzwa Mosesi naTenzi pagomo reSinai, pazuva raakati vaIsiraeri vaunze mipiro yavo kuna Tenzi, zvavainge vari murenje reSinai.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy