Online Bible

- Reklamy -

Mateo 28 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Kumuka KwaJesu
( Mak 16:1–10 ; Ruka 24:1–12 ; Joh 20:1–10 )

1 Zvino kuzoti Sabata rapfuura, mambakwedza ezuva rokutanga revhiki, Maria Magadharena nomumwe Maria uya vakaenda kuguva.

2 Heko kundengendeka kukuru kwenyika kwakaitika nokuti mutumwa waMwari akaburuka kubva kudenga. Akauya akakungurutsa dombo riya ndokugara pamusoro paro.

3 Aitarisika semheni, hanzu dzake dzakachena kuti mbuu samazaya echando.

4 Mapurisa aya akadedera nokumutya vakati papata sokunge vafa.

5 Asi mutumwa akati kumadzimai, “Imi musatye henyu nokuti ndinoziva kuti murikutsvaka Jesu akaroverwa pamuchinjikwa.

6 Haapo pano nokuti amuka sezvaakareva. Uyai muone paanga arere.

7 Zvino chiendai nokukurumidza mundoudza vadzidzi vake kuti amuka muvafi. Arikufanokutungamirirai kuGarirea. Muchamuona ikoko. Hezvoka ndakutaurirai.”

8 Nokudaro vakabva paguva nokukurumidza zvabatana nokutya nokufara kukuru. Vakamhanya kundoudza vadzidzi vake.

9 Jesu akabva asangana navo akati, “Kwaziwai” ivo vakauya kwaari vakabata tsoka dzake vachimugwadamira.

10 Jesu akati kwavari, “Musatye. Chiendai mundotaurira hama dzangu kuti dziende kuGarirea. Ndiko kwavachandiona ikoko.”


Masoja anopa rondedzero yezvokumuka kwaJesu

11 Madzimai aya pavakanga vachienda, mamwe mapurisa aya akaenda muguta akataurira vapristi vakuru zvose zvakanga zvaitika.

12 Vakaita dare navakuru vakuru ndokuita zano rokupa masoja chitsama chakati kuti chemari

13 vachiti, “Taurirai vanhu kuti vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu takakotsira.”

14 Izvi zvikanzwika munzeve dzagavhuna, isu ndisu tichapedzerana naye kuti murege kuva nechinokutambudzai.

15 Saizvozvowo vakatora mari iya vakaita sezvavakanga vataurirwa. Rungano urwu rwakaparidzirwa muvaJudha kusvika pari nhasi.


Jesu anozviratidza kuvadzidzi vake
( Mak 16:14–18 ; Ruka 24:36–49 ; Joh 20:19–23 ; Mab 1:6–8 )

16 Vane gumi nomumwechete vakaenda kuGarirea, kugomo ravakanga vataurirwa naJesu.

17 Pavakamuona vakamugwadamira asi vamwe vakanga vasina chokwadi nazvo.

18 Jesu akauya akati kwavari, “Simba rose pasi nokudenga rakapiwa kwandiri.

19 Naizvozvo endai mundodzidzisa marudzi ose avanhu muvaombeke muzita raBaba neroMwanakomana neraMweya Mutsvene

20 muchivadzidzisa kuchengeta zvose zvandakuudzai. Uye tarisai muone, ndinemi nguva dzose kusvikira kuguma kwapasi.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy