Mateo 13 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaB: CHIKAMU CHINOTSANANGURA ZVOUMAMBO HWEDENGA NEMIENZANISO Muenzaniso womukushi ( Mak 4:1–9 ; Ruka 8:4–8 ) 1 Nezuva iroro Jesu akabva mumba muya akandogara pamahombekombe egungwa. 2 Akaunganirwa nechita chikuru chavanhu zvokuti akatozokwira mugwa ogaramo. Gungano rose ndokuti chechetere kumira pamahombekombe. 3 Akavataurira zvinhu zvizhinji nemienzaniso achiti: “Mukushi akaenda kundokusha mbeu. 4 Paakanga achikusha kudaro, dzimwe mbeu dzakandowira munzira. Shiri dzakauya dzikadzidya. 5 Dzimwe dzakawira parukangarahwe padzisina kuwana ivhu rakadzika. Dzakabva dzakurumidza kumera nokuti dzakanga dzisina ivhu rakawanda. 6 Kuzoti zuva rakwira dzakatsva. Sezvo dzakanga dzisina midzi; dzakashwauruka. 7 Dzimwe dzakandowira muminzwa. Minzwa yakakura ikadzivhunga. 8 Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka dzikabereka mbesa. Dzimwe dzakaita zana, dzimwe makumi matanhatu. Dzimwe makumi matatu. 9 Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Jesu aitaurirei nemienzaniso ( Mak 4:10–12 ; Ruka 8:9–12 ) 10 Vadzidzi vakazouya kwaari vakati, “Munotaurirei kwavari nemienzaniso?” 11 Iye akavapindura achiti, “Imi makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwokudenga. Asi ivo havana kuzvipiwa 12 nokuti uyo anazvo achawedzerwa zvimwe achitova nezvakawandisa. Asi uyo asina, kunyange chaanacho achachitorerwa. 13 Ndokusaka ndichitaura kwavari nemienzaniso: “Nokutarisa vanotarisa zvavo asi vasingaoni uye kunzwa vanonzwa zvavo; asi havateereri kana kunzwisisa. 14 Kwavari zvinobva zvazadziswa zvakataurwa nomuporofita Isaya achiti, ‘Zvokuteereresa regaika zvenyu kuteerera handiti mungadaro mukazonzwisisa, kana zvokutarisa regai zvenyu kutarisisa mungadaroka mukazonyatsoona. 15 Nokuti mwoyo yavanhu ava yakasindimara, vakatyorera zvimiti munzeve, vakatsinzinya maziso nokuti vangadaro vakaona nameso avo; vakanzwa nenzeve dzavo uye vangadaro vakanzwisisa mumwoyo mavo vakazopindukira kwandiri ndikavaponesa.’ 16 “Akakomborerwa zvawo maziso enyu nokuti anoona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa. 17 Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri vaporofita vazhinji navanhu vakarurama vaisuwira kuona zvamuri kuona asi havana kuzviona uye kunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa. Tsananguro yomuenzaniso womukushi wembeu ( Mak 4:13–20 ; Ruka 8:11–15 ) 18 “Chinzwisisai muenzaniso uya womukushi. 19 Kana munhu akanzwa mashoko oumambo uhu asinganzwisisi, muipi anouya obvuta zvinenge zvadyarwa mumwoyo make. Ndivo vakadyarwa munzira. 20 Yakadyarwa parukangarahwe, ndiye uya anonzwa shoko obva arigamuchira norufaro 21 asi haana mudzi maari anotirira kwechinguva. Kana nhamo namatambudziko zvamuka pamusana peshoko, anobva atsauka. 22 Yakadyarwa muminzwa ndouyo anonzwa izwi asi kuzvidya mwoyo nezvapanyika nokutorwa mwoyo noupfumi, zvinovhunga izwi, rokundikana kubereka muchero. 23 Asi yakadyarwa muvhu rakanaka, ndouyo anonzwa shoko achirinzwisisa uye anobereka muchero achikohwa mumwe zana, mumwewo makumi matanhatu mumwe makumi matatu.” Muenzaniso wesawi 24 Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hungafananidzwe nomunhu akadyara mbeu yakanaka mumunda make. 25 Asi vanhu vakarara, muvengi wake akauya akadyara sawi mukati mekoroni akabva aenda. 26 Padzakabuda dzikatumbuka sawi rakaonekwawo.” 27 Vashandi vepamba ipapo vakauya vakati kwaari, “Changamire, hamuna kudyara mbeu yakanaka here mumunda menyu? Ko sawi rakazobva kupi?” 28 Iye akati kwavari, “Muvengi ndiye akaita izvi.” Vashandi vakati kwaari, “Mungade here kuti tindoridzura?” 29 Asi iye akati, “Kwete, mungadaro mukadzipurirana nekoroni pamunenge muchidzura sawi. 30 Regai zvikurirane pamwechete kusvikira panguva yokukohwa. Panguva yokukohwa ndichataurira vakohwi kuti, ‘Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisumbu kuti zvipiswe muunganidze koroni muitutire mudura rangu.’ ” Muenzaniso wetsanga yemasitadhi ( Mak 4:30–32 ; Ruka 13:18–19 ) 31 Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hwakaita setsanga yemasitadhi yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make. 32 Ndiyo tsanga dukuduku pane dzimwe tsanga dzose. Asi kana ichinge yakura inoita gwenzi guru kupinda mamwe ose, ichizova muti, zvokuti shiri dzedenga dzinouya dzichizoita matendere adzo mumapazi awo.” Muenzaniso wembiriso ( Ruka 13:20–21 ) 33 Jesu akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hwakaita sembiriso yakatorwa nomumwe mudzimai akaisanganisa nezviereso zvitatu zvoupfu hwekoroni kusvikira mukanyiwa wose wafuta.” Jesu anodzidzisa nemienzaniso ( Mak 4:33–34 ) 34 Jesu akataura zvose izvi kugungano ravanhu nemienzaniso. Hapana zvaaimbovataurira asingashandisi mienzaniso. 35 Izvi zvaizadzisa zvakambotaurwa nomuporofita zvokuti, “Ndichazarura muromo wangu ndichitaura nemienzaniso. Ndichadudzira zvakavandika zvapasichigare.” Jesu anotsanangura muenzaniso wesawi 36 Akabva pagungano ravanhu akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti, “Titsanangurirei muenzaniso wesawi romumunda.” 37 Jesu akapindura achiti, “Anodyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu. 38 Munda wacho ndiyo nyika. Mbeu yakanaka ndivo vana voumambo. Sawi ndivo vana vomuipi. 39 Muvengi akaridyara ndiDhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwapasi. Vakohwi ndivo vatumwa. 40 Sokuunganidzwa kunoitwa sawi richipiswa nomoto ndizvo zvichaitwawo pakuguma kwapasi. 41 Mwanakomana womunhu achatuma vatumwa vake. Vachaunganidza vagobvisa muumambo hwake vose vanokonzera vanhu kutadza navose vanoita zvakaipa 42 vachivakanda muvira romoto. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino. 43 Vakarurama vachapenya sezuva muumambo hwababa vavo. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. Muenzaniso woupfumi hwakavigwa 44 “Umambo hwodenga hwakaita soupfumi hwakavigwa mumunda hunoti kana munhu ahuwana anohuvigazve. Pamusana pokufara, anoenda ondotengesa zvose zvaanazvo otenga munda iwoyo. Muenzaniso wamatombo amapera anokosha 45 “Uyewo umambo hwedenga hwakaita somunhu anoshava matombo amapera anokosha 46 anoti kana awana pera rimwechete rinokosha kwazvo, anoenda ondotengesa zvose zvaanazvo oritenga. Muenzaniso wousvasvi kana kuti rutava 47 “Umambo hwedenga hwakafananazve nousvasvi hwakakandwa mugungwa hukakukudza hove dzorudzi norudzi. 48 Pahwakanga hwazara, vakahukwevera pamahombekombe. Vakagara pasi vachisarudza dzakanaka vachiisa mumidziyo vachirasa dzakaipa. 49 Ndizvozvo zvichaitwawo pakuguma kwapasi. Vatumwa vachabuda vachindokamura vakaipa kubva muna vakarurama 50 vachivakanda mubisiro romoto. Imomo vanhu vachachema vachirumanidza mazino. Mazwi okuzarira zvemienzaniso youmambo hwedenga 51 “Manyatsonzwisisa here zvose izvi?” Ivo vakati kwaari, “Hongu.” 52 Iye akati kwavari, “Sokudaro nyanzvi yose yomutemo yakanyatsodzidziswa zvomutemo woumambo hwedenga, yakafanana nasaimba anoburitsa mudura rake zvitsva nezvitsaru.” V: SANGANO, MICHERO YOKUTANGA YOUMAMBO HWEDENGA A: CHIKAMU CHOKUTSANANGURA Jesu anoshanyira Nazareti ( Mak 6:1–6 ; Ruka 4:16–30 ) 53 Jesu paakapedza mienzaniso iyi, akabvapo oenda. 54 Paakasvika kunyika yokwake, akavadzidzisa musinagogu mavo zvokuti vakashamiswa vachiti, “Munhu uyu akawanepi ungwaru uhu nezvishamiso izvi? 55 Haasiri iye here mwanakomana womuvezi? Amai vake handivo here vanonzi Maria? Ko vana Jemusi naJosefi naSimoni naJudhasi havasi mukoma nomunun'una naye here? 56 Inga hanzvadzi dzake dzose tinadzo wani. Ko munhu uyu, zvose izvi akazviwana kupi?” 57 Vakagumbuka naye. Jesu akati kwavari, “Muporofita anoremekedzwa kumwe kose kusiya munyika make nomumusha make.” 58 Haana kukwanisa kuita zvishamiso zvizhinji ikoko nokuda kokusatenda kwavo. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe