Mariko 3 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaJesu anoporesa munhu aiva noruoko rwakakokonyara ( Mat 12:9–14 ; Ruka 6:6–11 ) 1 Zvino Jesu akapindazve musinagogu; imomo maiva nomunhu aiva noruoko rwakakokonyara. 2 Vaivamo vakamutarisisa vachida kuona kuti achamuporesa here nomusi weSabata kuti vamupe mhosva. 3 Ipapo Jesu akati kumunhu woruoko rwakakokonyara, “Simuka, umire apa,” 4 ndokuvati, “Ko, zvinobvumirwa here nomusi weSabata kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa; kuponesa munhu kana kuuraya?” Ivo vakati zi–i kunyarara. 5 Zvino iye akaringa–ringa achivatarisa nehasha, achisiririswa nokuomarara mwoyo kwavo, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye ndokutambanudza, ruoko rwake rukabva rwatwasanuka. 6 VaFarisei vakabudamo kundomurangana pakarepo neveboka rokwaHerodhi kuti vangamuuraye sei. Mhomho yavanhu pamucheto wegungwa 7 Jesu akabvapo navadzidzi vake oenda kugungwa; chitawo chikuru chavanhu vaibva kuGarirea chakatevera uyewo vanhu vakauya kwaari vachibva kuJudhea 8 neJerusaremu, neIdhumia; nokumhiri kwaJorodhani nokunharaunda yeTire neyeSidhoni, chita chikuru chavanhu vakanga vanzwa zvose zvaaiita. 9 Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vafanomugadzirira igwa duku kuti arege kuzomanikwa nouzhinji hwavanhu. 10 Sezvo akanga aporesa vazhinji, vose vakanga vaine zvirwere vaitsikinyidzana vachida kumubata. 11 Uye mweya yakaipa payaingomuona yaizviwisira pasi pamberi pake ichidaidzira ichiti, “Iwe, uri Mwanakomana waMwari.” 12 Asi Jesu aiikohomedza kuti irege kuzivisa vanhu kuti iye ndiani. Jesu anosarudza vapositori gumi navaviri ( Mat 10:1–4 ; Ruka 6:12–16 ) 13 Zvino Jesu akakwira mugomo ndokudaidza vaaida, ivo ndokuenda kwaari. 14 Akasarudza gumi navaviri kuti vagochigara naye achivatuma kundoparidza, 15 uyezve kuti vave nesimba rokudzinga mweya yakaipa. 16 Vaiti, Simoni, waakapa rimwe zita rokuti Pita, 17 kwouya Jemusi mwana waZebhedhi naJohani munun'una waJemusi vaakapa zita rokuti Bhoanerigesi, zvinoreva kuti vanaKutinhirasemheni 18 kwozoti Andireya, naFiripi, kwouyawo Bhatoromeo, naMateu, kwozoti Tomasi, naJemusi, mwana waArifeo, uyewo Tadheusi naSimoni muKananai Nyashungu, 19 uyewo ndokuzoti Judhasi Isikarioti uya akazomupandukira. Jesu naBheerizebhuri ( Mat 12:22–32 ; Ruka 11:14–23 ; 12:10 ) 20 Jesu akaenda kumba; gurumwandira ravanhu ndokubva ramuunganirazve, zvokuti vakatadza kana kudya chaiko. 21 Zvino hama dzake padzakazvinzwa, dzakauya kuzomutora nokuti zvainzi, “Wava kupenga.” 22 Uyezve nyanzvi dzoMutemo dzakabva Jerusaremu dzaiti, “Akagarwa naBheerizebhuri, uye kuti anodzinga mweya yakaipa nesimba rejinda remweya yakaipa.” 23 Ipapo Jesu akadaidza vanhu ndokutaura kwavari nemienzaniso, achiti, “Nhaimi, Satani angadzinge Satani seiko? 24 Kana umambo hwavakuzvirwisa, umambo ihwohwo haungagoni kumira. 25 Kana vemba imwechete vorwisana pachavo, imba iyoyo haigoni kumira. 26 Zvino kana iye Satani ava kuzvirwisa, haangagoni kumira, asi kuti avakutoenda kumagumo ake. 27 Hakuna munhu angapinde mumba merume rine simba kuti aripambe zvinhu zvaro kusatoti atanga arisunga ndokuzopamba zvemba yaro. 28 “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvitadzo zvose nokushonha Mwari kwose kunoregererwa vanhu. 29 Asi ani naani anoshonha Mweya Mutsvene haachazomboregererwa chitadzo chake; achava nemhosva yechitadzo chinoramba chiripo narini wose.” 30 Akadaro nokuti vakati, “Ane mweya wakaipa.” Amai navakoma navanun'una vaJesu ( Mat 12:46–50 ; Ruka 8:19–21 ) 31 Zvino amai vake uye vakoma navanun'una vake vakauya vakamira panze ndokutumira munhu kundomudaidza. 32 Vanhu vazhinji vakanga vagere pasi vakamukomberedza, vakati kwaari, “Amai venyu uye vakoma navanun'una venyu vari panze vari kukudai.” 33 Iye akavapindura achiti, “Ko, amai vangu navakoma navanun'una vangu ndavanaani?” 34 Ndokuringa–ringa vaya vakanga vagere vakamukomberedza, ndokuti, “Ava ndivo amai vangu navakoma navanun'una vangu. 35 Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye mukoma nomunun'una neni, ndiye hanzvadzi naamai vangu.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe