Mariko 16 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaKumuka kwaJesu ( Mat 28:1–8 ; Ruka 24:1–12 ; Joh 20:1–10 ) 1 Kuzoti Sabata rapfuura, vanaMaria Magadharena naMaria amai vaJemusi naSarome vakatenga mafuta anonhuwira kuti vandomuzora nawo. 2 Mangwanani–ngwanani omusi weSvondo vakafumoenda kuguva zuva rabuda. 3 Vaibvunzana vachiti, “Ko ndiani achandotikungurutsira dombo riya pamusuo weguva?” 4 Zvino vakatarira vakaona kuti dombo riya rakanga ratokungurutswa; rakanga riri guru kwazvo. 5 Pavakapinda muguva vakaona Jaya rigere nechokurudyi, rakapfeka gemenzi jena, vakabva vavhunduka kwazvo. 6 Jaya ndokuvati, “Regai kuvhunduka, muri kutsvaka Jesu weNazareti akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka, haasisimo muno. Tarisai muone nzvimbo yavakamuradzika. 7 Chiendai mundoudza vadzidzi vake naPita kuti Jesu anofanokutungamirirai kuGarirea; ikoko ndiko kwamuchandomuona sezvaakambokutaurirai.” 8 Vakabuda ndokutiza paguva paya nokuti vakanga vava kudedera uye vakashamiswa kwazvo. Hapana wavakaudza chinhu, nokuti vakanga vava kutya. Jesu anozviratidza kuna Maria Magadharena ( Mat 28:9–10 ; Joh 20:11–18 ) 9 Kuzoti amuka muvafi mangwanani nomusi weSvondo akazviratidza pokutanga kuna Maria Magadharena, uya waakabvisa mweya yakaipa minomwe. 10 Maria akaenda kundoudza vaya vaiva naye, vakanga vari mukuchema nokuungudza 11 Asi pavakanzwa kuti Jesu mupenyu uye kuti aonekwa naye havana kutenda. Jesu anozviratidza kuna vadzidzi vaviri ( Ruka 24:13–35 ) 12 Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidza neimwe nzira kuna vaviri vachifamba kuenda kumaruwa. 13 Naivavawo vakadzokera vakandoudza vamwe vose asi kunyange ivava havana kuvatenda. Jesu anotuma vadzidzi vake ( Mat 28:16–20 ; Ruka 24:36–49 ; Joh 20:19–23 ; Mab 1:6–8 ) 14 Pashure Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwechete vari pakudya. Akavashora pamusana pokusatenda kwavo napamusana poukukutu hwomoyo yavo nokuti havana kutenda vakanga vamuona mushure mokumuka kwake. 15 Akati kwavari, “Endai kunyika dzapasi pose mundoparidza Shoko Rakanaka kuzvisikwa zvose. 16 Anenge atenda akaombekwa achaponeswa, asi uyo asingatendi achapiwa mhosva. 17 Hezvino zviratidzo zvichava navanotenda: 18 Vachadzinga mweya yakaipa nezita rangu. Vachataura nendimi itsva, vachabata nyoka namaoko. Kunyange vakanwa chinouraya hachizovakuvadzi kwete. Vachaisa maoko pavarwere, vachibva vapora.” Jesu anokwidzwa kudenga ( Ruka 24:50–53 ; Mab 1:9–11 ) 19 Kuzoti Jesu apedza kutaura kwavari akakwidzwa kudenga kwaakandogara kurudyi rwaMwari. 20 Ivo vakaenda vakandoparidza kwose kwose, Tenzi achivabatsira achitsinhira shoko ravo nezviratidzo zvairisimbisa. Ameni. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe