Online Bible

- Reklamy -

Mariko 13 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Jesu anotaura nezvokuparadzwa kweTemberi
( Mat 24:1–2 ; Ruka 21:5–6 )

1 Paaibuda muTemberi, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Mudzidzisi tarisai muone kunaka kwamatombo aya nedzimba dzacho.”

2 Jesu akamupindura achiti, “Uri kuona here mazimba mahombe aya? Hapachazosara dombo riri pamusoro perimwe, risingazokoromotserwa pasi.”


Nhamo namatambudziko
( Mat 24:3–14 ; Ruka 21:7–19 )

3 Paakanga akagara pasi pagomo reMiorivhi rakatarisana neTemberi, Pita naJemusi naJohani naAndrea vakamubvunza vari pachavo vachiti,

4 “Tiudzeiwo kuti izvi zvichaitika rini uye kuti chiratidzo chokuti zvose izvi zvava kuda kuitika chichava chei?”

5 Ipapo Jesu akatanga kuvaudza achiti, “Chenjerai kuti murege kurasiswa naani zvake.

6 Kuna vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ini ndini iye,’ vachirasisa vazhinji.

7 Kana monzwa zvehondo namarehwarehwa ehondo musanyanye kutya. Izvi zvinofanira kuti zviitike, asi magumo anenge asati asvika.

8 Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe umambo; kuchava nokudengendeka kwapasi, munzvimbo dzakasiyana–siyana; kuchava nedzinzara. Iri rinenge riri romoromo chete ramatambudziko okusununguka.

9 Asi imi zvingwarirei nokuti vachakukwidzai pamatare, uye mucharohwa mumasinagogu; muchamira pamberi pavatongi namadzimambo pamusana pangu kuti chive chapupu kwavari.

10 Shoko Rakanaka rinofanira kuti ritange raparidzwa kumarudzi ose.

11 Kana voenda nemi, vava kundokukwidzai pamatare, musazvinetse nezvokuti muchazondotaurei; asi zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, taurai izvozvo, nokuti hamusirimi munenge motaura asi Mweya Mutsvene.

12 Mukoma kana munun'una vachacherana kuti mumwe auraiwe, baba vachadarowo kumwana wavo, vana vachamukira vabereki vavo vachivauraisa

13 Uye muchazovengwa navanhu vose pamusana pangu. Uyo anotsungarara kusvikira kumagumo ndiye achaponeswa.


Nhamo huru
( Mat 24:15–28 ; Ruka 21:20–24 )

14 “Asi kana moona chiya choumharadzi chinon'oresa chomira pachisingafaniri kumira, anoverenga ngaanzwisisewo, saka vari Judhea ngavatizire kumakomo.

15 Anenge ari pamusoro pemba, ngaarege kuburukira pasi kuti apinde mumba make kundotora chinhu.

16 Anenge ari kumunda ngaarege kudzokera kundotora jazi rake.

17 Hameno zvavo vanenge vane pamuviri navavo vanenge vachiri kuyamwisa pamazuva iwayo.

18 Namatai kuti zvisaitike panguva yechando.

19 Nokuti pamazuva iwayo pachava nenhamo isati yamboitika kubvira pakutanga kwokusikwa kwezvinhu zvakasikwa naMwari kusvika pari nhasi, uye hazvichazomboitikazve.

20 Dai kuri kuti Tenzi haana kutapudza zvake mazuva iwayo, hapana munhu airarama, asi pamusana pavasarudzwi vaakasarudza akatapudza mazuva acho.

21 “Panguva iyoyo kana ani zvake akati kwamuri, ‘Tarisai houno Kristu! Kana kuti ari koko!’ Musazvitende.

22 Kuchamuka vana kristu venhema navaporofita venhema vachionesa zviratidzo namashura kuti vatsautse vasarudzwi, kana zvichigoneka.

23 Asi, imimi chichenjerai, ndafanokuudzai zvinhu zvose.


Kuuya kwoMwanakomana womunhu
( Mat 24:29–31 ; Ruka 21:25–28 )

24 “Asi mumazuva iwayo, mushure menhamo iyoyo zuva richaora, mwedzi ucharega kuvhenekera,

25 uye nyenyedzi dzichadonha kubva mudenga, uye masimba omudenga achazungunutswa.

26 Ndipo pavachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore aine simba guru nembiri.

27 Zvino iye achazotuma vatumwa vake kundokokorodza vasarudzwi vake kubva kumativi mana enyika, kubvira kwakaperera nyika yose kusvika kwakaperera denga.


Chidzidzo chomuonde
( Mat 24:32–35 ; Ruka 21:29–33 )

28 “Dzidzai chidzidzo chinobva kumuonde. Kana bazi rawo rotunga, pfumvudza yobuda, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo.

29 Naizvozvo imiwo kana moona izvi zvoitika, zivai kuti iye ava pedyo, atova pamusuo chaipo.

30 Zviro kwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuuri zvinhu izvi zvose zvisati zvaitika.

31 Denga napasi zvichapera zvazvo asi mazwi angu haachapfuuri.


Hapana munhu anoziva musi nenguva
( Mat 24:36–44 )

32 “Asi zvezuva iroro nenguva yacho hapana anozviziva kunyange vatumwa vari kudenga, kanawo Mwanakomana, asi Baba voga.

33 Chenjerai mugaririre, nokuti hamuzivi kuti nguva yacho ichasvika rini.

34 Izvi zvakafanana nomunhu ari parwendo, anoti kana obva pamba, anosiya aturira imba yake mumaoko avaranda vake mumwe nomumwe aine basa rake. Anoudza mutariri wapasuo guru kugaririra.

35 Naizvozvo rindirai nokuti hamuzivi kuti saimba anouya rini, kumanheru here, pakati pousiku kana kuti nguva yomurirakamwe kana kuti mangwanani.

36 Angadaro akayerekana asvika okuwanai makakotsira.

37 Zvandiri kukutaurirai ndiri kutaurira vose, rindirai.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy