Online Bible

- Reklamy -

Mabasa 21 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Pauro anoenda kuJerusaremu

1 Patakanga taparadzana navo tava kuenda nechikepe takangoti tasa kuenda kuKosi. Zuva rakatevera takaenda kuRodzi. Patakabvako takaenda kuPatara.

2 Patakawana chikepe chaiyambukira kuFonisia takachikwira tikaenda.

3 Patakasvika pokunge tava kuona Saipurasi takaisiya kuruboshwe toenda kuSiria tikamira paTire nokuti ipapo chikepe chaifanira kututunura zvachainge chakatakura.

4 Patakatsvaka tikawana vadzidzi, takagarapo mazuva manomwe. Vaina Mweya Mutsvene, vakataurira Pauro kuti arege kunge achaenda kuJerusaremu.

5 Pakapera mazuva edu ikoko, takasimuka tikaenda murwendo rwedu. Vakatiperekedza vose namadzimai avo navana kusvikira kunze kweguta. Takapfugama pamahombekombe egungwa tikanamata ndokuonekana.

6 Takazokwira muchikepe, ivo ndokubva vadzokera kumba.

7 Rwendo rwedu rwokubva kuTire rwakapera nokusvika kwatakaita kuToremaisi. Takakwazisa vehama tikagara navo zuva rimwechete.

8 Ramangwana takasimuka tikasvika kuSezaria tikanopinda mumba maFiripi, muparidzi aiva mumwe wavanomwe vaya, tikagara naye.

9 Akanga ane vanasikana vana vasina kuroorwa vaiporofita.

10 Patakamboti garei kwamazuva akati kuti, mumwe muporofita anonzi Agabhusi akadzika achibva kuJudhea.

11 Paakauya kwatiri akatora bhande raPauro akazvisunga makumbo namaoko akati zvanzi naMweya Mutsvene, “Ndiko kusungwa kuchaitwa, navaJudha vokuJerusaremu, muridzi webhande iri vachizomuturira mumaoko evechirudzi.”

12 Patakanzwa izvi, isu pamwechete navanhu vaivapo takamukumbira kuti arege kukwira kuJerusaremu

13 Pauro akapindura achiti, “Ko muri kuiteiko, kuchema muchindibaya mwoyo kudai. Inga wani ndakatogadzirira, kwete chete kusungwa, asi kana kutofira zita raTenzi Jesu kuJerusaremu.”

14 Paakaramba kudzoreka, takarega kutaura tikati, “Kuda kwaTenzi ngakuitwe.”

15 Mushure memazuva iwaya takagadzirira tikakwira kuJerusaremu.

16 Vamwe vadzidzi vokuSezaria vakaenda nesu. Vakatisvitsa kumba kwaMunasoni wekuSaipurasi mudzidzi wapakutanga chaipo ane kumba kwataifanira kundogara.


Kusvika kwaPauro muJerusaremu

17 Patakasvika kuJerusaremu vehama vakatigamuchira nomufaro.

18 Pazuva rakatevera Pauro akaenda nesu kuna Jemusi uye vakuru vakuru vose vakanga varipo.

19 Pashure pokuvakwazisa akavarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu zvakaitwa naMwari pakati pevechirudzi nomubasa rake iye Pauro.

20 Pavakazvinzwa vakarumbidza Mwari. Vakamuti, “Unoona here nhai hama, kuti zviuru zvingani pakati pavaJudha vakatenda, vane shungu noMutemo.

21 Vakataurirwa nezvako zvokuti uri kudzidzisa vaJudha vose vari pakati pevechirudzi kuti vafuratire Mosesi, uchivaudza kuti vasadzingise vana vavo kana kuchengeta tsika dzedu.

22 Zvino zvoitwa sei? Vachazvinzwa kuti wakauya.

23 Iwe chiita zvatinokuudza. Tine varume vana vakaita mhiko!

24 Tora varume ivavo uzvichenure pamwechete navo uvabhadharire kuti vaveure musoro vose. Vanobva vaziva kuti zvavanga vachitaurirwa nezvako hapana zviripo asi kuti iwe pachako muupenyu hwako unochengeta mutemo.

25 Asi kune vechirudzi, vakadavira, takavatumira tsamba ine zvatakatema zvokuti vasiyane nezvinhu zvakabairwa zvifananidzo zvokunamata, varege musiya nenyama isina kusinzwa noupombwe.”

26 Pauro akatora varume vaya. Zuva rakatevera akazvichenura pamwechete navarume vaya akapinda muTemberi kundotaura kuti mazuva okuzvichenura kwavo anopera rini nechibayiro chinopirirwa mumwe nomumwe wavo.


Nyonganyonga muJerusaremu

27 Mazuva manomwe paakanga ava kuda kundopera, vaJudha vanobva kuAsia vakanga vamuona muTemberi vakanyandutsa mhomho yavanhu vakamubata vachidaidzira vachiti,

28 “Varume, vaIsiraeri, uyai tibatsirane uyu ndiye murume ari kudzidzisa vanhu kose kose zvinorwisana navanhu vedu uye zvinorwisana nomutemo wedu nezvinorwisana nenzvimbo ino. Chimwezve ndechokuti akaunza vaGiriki muTemberi uye akan'oresa nzvimbo ino tsvene.”

29 Vakanga vamboona Tirofimusi muEfeso ainaye muguta, nezvo vakangofunga kuti Pauro akanga amuunza muTemberi.

30 Guta rose rakanyanduka vanhu ndokubva vati unga unga kuungana. Vakabata Pauro vakamukwekwereretsera kunze kweTemberi. Pakarepo misuo mikuru yakabva yazarirwa.

31 Pavakanga vachiedza kumuuraya shoko rakasvika kumukuru mukuru webato ramasoja rokuti Jerusaremu yose yangova nyonganyonga.

32 Pakarepo akabva atora masoja navatungamiri vezana akamhanya kwavari. Pavakaona mukuru mukuru namasoja vakaregedza kurova Pauro.

33 Mukuru mukuru wamasoja uya paakasvika pedyo akamusunga akati anofanira kusungwa necheni mbiri. Akabvunza kuti ndiani uye kuti aiitei. Vamwe mumhomho iyoyo, vaidaidzira vachiti, ava vanotaura izvi avawo vachitaurawo zvimwe.

34 Zvaasina kukwanisa kuziva mamiriro ezvinhu pamusana pemhirizhonga iyi akati ngaaendeswe munzvimbo inogara masoja.

35 Paakasvika pamadanho okupinda mumba akatoita zvokutotakurwa kwazvo namasoja nokuda kwechisimba chakanga choitwa nebvakapfaka riya

36 nokuti mhomho yakanga yotevera ichiti, “Pasi naye.”


Pauro anotaura kumhomho yamaJudha muJerusaremu

37 Pauro paakanga ava kuda kupinzwa munogara masoja akati kuna mukuru wamasoja, “Ndingataurewo here zvangu nemi.” Mukuru wamasoja akati, “Unoziva chiGiriki here?

38 Hausiwe here muIjipiti uya akamutsa chimurenga mazuva ano achangopfuura aya akatungamirira varume zviuru zvina zvemhondi kurenje?”

39 Pauro akapindura achiti, “Ini ndiri muJudha anobva kuTasusi kuSirisia, mugari weguta rinozivikanwa. Ndinokutetererai kuti mundibvumirewo kuti nditaure kuvanhu.”

40 Paakamubvumira, Pauro akaninira ruoko kuvanhu amire pamasitepisi enzvimbo iyoyo. Pakwakanyararwa kuti mwi–i akataura nomutauro wechiHebheru achiti:

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy