Mabasa 14 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaBhanabhasi naPauro vanoparidza kuIkoniumu 1 KuIkoniumu vakapinda vose pamwechete musinagogu yavaJudha vakataura zvokuti boka guru ravaJudha navaGiriki rakatenda. 2 Asi vaJudha vakanga vasingatendi vakaisa mweya wokupanduka mukati mevechirudzi vakavapengesa kuti varwise vehama. 3 Nokudaro vakagara kwenguva ndefu vachitaura nechivindi nezvaTenzi. Iyewo Tenzi, akapupurira Shoko rake renyasha nokupa kwaakaita zviratidzo nezvishamiso kuti zviitwe namaoko avo. 4 Asi vanhu veguta iroro vakanga vakakamukana. Vamwe vaiva kurutivi rwavaJudha vamwe vari divi ravapositori. 5 Vechirudzi navaJudha navatongi vavo pavakanga vachironga kuvatambudza uye kuvataka namabwe, 6 vakazviziva vakatizira kuRisitira nokuDhebhe maguta enyika yeIkoniumu uye kunyika yakatenderedza. 7 Ikoko vakaparidza Shoko Rakanaka. KuRisitira nokuDhebhe 8 KuRisitira kwaiva nomumwe murume aingogara asingakwanisi kufamba namakumbo ake. Akanga ari mhetamakumbo chizvarirwo chake, asina kana kutombofamba. 9 Akateerera Pauro achitaura. Pauro akanyatsomutarisisa. Paakaona kuti ane chitendero chokuti angaponeswe 10 akataura nezwi riri pamusoro akati, “Simuka umire namakumbo ako.” Iye akakwakuka akafamba. 11 Mhomho yavanhu payakaona zvakanga zvaitwa naPauro yakadaidzira nechiRikaonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri vakaita savanhu.” 12 Bhanabhasi vakamuti ndiZeusi, Pauro, nokuti ndiye aiva mutauri mukuru, vakamuti ndiHeremesi. 13 Mupristi waZeusi aiva neTemberi pamberi peguta, akauya namadhonza uye anamaruva kumisuo mikuru achida kupira chibayiro pamwechete navanhu. 14 Vapositori, vanaBhanabhasi naPauro, pavakazvinzwa vakabvarura nguwo dzavo neshungu. Vakamhanya mumhomho yavanhu vachidaidzira vachiti, 15 “Varume, ko mavakuitireiko izvi? Tiri vanhuwo vakangofanana nemi uye tiri kukuunzirai Shoko Rakanaka tichikutaurirai kuti mutendeuke kune zvinhu izvi zvisina maturo muchienda kuna Mwari mupenyu akasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo. 16 Muzvizvarwa zvakapfuura Mwari akabvumira marudzi ose kutevera maitiro avo. 17 Zvakadaro zvazvo haana kukusiyai musina zvinoratidza zvokuvapo kwake munezvinhu zvakanaka zvaanokuitirai. Anokutumirai mvura inobva kudenga, nemwaka yamaguta achikugutsai mwoyo nezvokudya nokufara.” 18 Kunyange namazwi aya vakange votoda kukundika kurambidza vanhu ava kupira chibayiro kwavari. 19 Asi kwakava navaJudha vakabva kuAndiyoku nokuIkoniumu vakafurira vanhu vakataka Pauro namabwe vakamuzvuvira kunze kweguta vachifunga kuti afa. 20 Vadzidzi pavakaungana paari, akasimuka akapinda muguta. Mangwana acho akaenda naBhanabhasi kuDhebhe. Bhanabhasi naPauro vanodzokera kuAndiyoku yokuSiria 21 Pavakanga vaparidza Dama Rakanaka muguta iroro vakava navadzidzi vazhinji vakadzokera kuRisitira nokuIkoniumu nokuAndiyoku 22 vachisimbisa vadzidzi vachivakurudzira kuenderera mberi nechitendero. Vaiti, kuti tipinde muumambo hwaMwari tinofanira kutopindamo nomumatambudziko akawanda. 23 Pavakavasarudzira vakuru vakuru musangano rimwe nerimwe vachinamata nokutsanya, vakavakumikidza kuna Tenzi wavakanga vakatenda maari. 24 Vakazopfuura nokuPisidhia vakasvika kuPamufuria. 25 Vakati vaparidza shoko muPeriga vakazodzika kuAtaria. 26 Kubva ipapo vakaenda nechikepe kuAndiyoku kuya kwavakaturirwa kunyasha dzaMwari zvichiitira basa irori ravakanga vachangopedza kuita. 27 Pavakasvika vakaunganidza sangano vakataura zvose zvakaitwa naMwari achivashandisa uye kuti Mwari akanga azarura sei musuo wechitendero kune vechirudzi. 28 Vakagara ikoko navadzidzi kwenguva ndefu. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe