Online Bible

- Reklamy -

Mabasa 13 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


III: NZENDO DZABHANABHASI NAPAURO MUSANGANO MUKURU KUJERUSAREMU Kusarudzwa nokutumwa kwaBhanabhasi naSauro

1 Musangano rokuAndiyoku maiva navaporofita navadzidzisi vaiti Bhanabhasi naSimeoni ainzi Mutema kouya Rusiasi wokuSairini naManaeni (akarerwa naHerodhi mutetiraki) naSauro.

2 Pavainamata Tenzi uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vaite basa randavasarudzira.

3 Mushure mokutsanya nokunamata vakaisa maoko avo pavari vakavaendesa.


Bhanabhasi naPauro kuSaipurasi

4 Sokutumwa kwavakaitwa naMweya Mutsvene vakadzika kuSerusia. Vakazobva ikoko vakaenda kuSaipurasi nengarava.

5 Pavakasvika kuSaramisi vakaparidza Shoko raMwari mumasinagogu avaJudha uye vaiva naJohani wokuvabatsira.

6 Pavakafamba nechitsuwa ichocho chose kusvika kuPafosi, vakasvika panomumwe munhu wamashiripiti, muporofita wechiJudha wenhema ainzi Bha Jesu.

7 Aiva naSejiusi Pauro gavhuna, munhu aiva nouchenjeri akadaidza Bhanabhasi naSauro achida kunzwa Shoko raMwari.

8 Asi Erimasi munhu wamashiripiti uya, (izvozvi ndizvo zvinoreva zita rake) akavadzivisa achida kuti gavhuna asagamuchire chitendero.

9 Asi Sauro anonziwo Pauro, azere naMweya Mutsvene, akanyatsomutarisisa

10 akati, “Iwe uzere namanyepo nounyengedzi, mhandu yezvose zvakarurama, dhiabhori womunhu. Hauregi nei kuminamisa nzira dzakati twasa dzaTenzi?

11 Chinzwa, simba roruoko rwaMwari richakurova. Uchava bofu usingagoni kuona usingaoni zuva kwenguva yakati kuti.” Pakarepo mhute nerima zvakabva zvamukwidibira. Akatsvanzvadzira achitsvaka wokumutungamirira akamubata ruoko.

12 Gavhuna uya akatenda paakaona zvakanga zvaitika nokuti akashamiswa nechidzidziso chaTenzi.


Pauro naBhanabhasi kuPisidhiya

13 Zvino Pauro navamwe vake vakabva nechikepe kuPafosi vakasvika kuPeriga muPamufiria. Johani akavasiya akadzokera kuJerusaremu.

14 Ivo vakapfuurira kubva kuPeriga vakasvika kuAndiyoku yokuPisidhia. Pamusi weSabata vakaenda kusinagogu vakagara pasi.

15 Mushure mokunge bhuku romutemo navaporofita zvaverengwa vakuru vakuru veSinagogu vakatuma shoko vachiti, “Hama kana muna mazwi anokurudzira vanhu ataurei.”

16 Naizvozvo Pauro akasimuka akaninira namaoko ake akati: “Vanhu veIsiraeri nemi munotya Mwari teererai

17 Mwari wavanhu ava vechiIsiraeri akasarudza madzibaba edu akaita kuti vanhu ivava vave rudzi rukuru panguva yavaigara munyika yeIjipiti akavaburitsa nesimba roruoko rwake.

18 Kwenguva inenge makore makumi mana akavaitira mwoyo murefu murenje.

19 Paakaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani akavapa nyika yavo kuti ive nhaka yavo

20 kwamakore mazana mana anamakumi mashanu. Mushure maizvozvo akavapa vatongi kusvika pana muporofita Samueri.

21 Vakazokumbira kuti vave namambo Mwari akavapa Sauro mwana waKishi murume wedzinza raBhenjamini kwamakore makumi mana.

22 Paakamubvisa akamutsa Dhavhidhi kuti ave mambo wavo waakataura pachena achiti, ‘Ndakawana muna Dhavhidhi mwana waJese munhu wapamwoyo pangu achaita zvose zvandinoda.’

23 Muzvizvarwa zvomunhu uyu, Mwari akaunza kuIsiraeri mununuri Jesu sokutsidza kwaakanga aita.

24 Jesu asati auya Johani akanga achiparidza kuvanhu vose veIsiraeri kuti vapinduke vaombekwe.

25 Johani paakanga ava kupedza basa rake akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handisini iye. Kwete, asi mushure mangu muri kuuya mumwe, wandisingakodzeri kubvisa shangu patsoka dzake.’

26 “Hama dzangu, vana vemhuri yaAbhurahamu navamwe vari mukati menyu vanotya Mwari, ndisu takatumirwa shoko roruponeso irworwu.

27 Kuna vavo vanogara muJerusaremu navatongi vavo, vakazadzisa izvozvi nokumupa mhosva pamusana pokuti havana kumuziva kana kunzwisisa zvaitaurwa navaporofita zvinoverengwa paSabata roga roga.

28 Kunyange pakanga pasina mhosva yokumupa yaikodzera rufu asi vakakumbira Pirato kuti auraiwe.

29 Pavakanga vapedza kuita zvose zvakanga zvakanyorwa nezvake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva.

30 Asi Mwari akamumutsa kuvafi.

31 Kwamazuva mazhinji akazviratidza kuna vakakwira naye kubva Garirea vachienda kuJerusaremu zvino vava zvapupu zvake kuvanhu.

32 “Zvino tinokuunzirai Shoko Rakanaka rokuti Mwari zvaakatsidzira kumadzibaba edu

33 izvi akazvizadzisa kwatiri isu vana vavo nokumutsa kwaakaita Jesu sokunyorwawo kwazvakaitwa murwiyo rwechipiri zvichinzi, “ ‘Iwe ndiwe mwanakomana wangu nhasi ndakubereka.’

34 Zvokuti Mwari akamumutsa uye kuti haachazombodzokerazve mukuora akataura achiti, ‘Ndichakupa zvikomborero zvitsvene zvechokwadi zvaDhavhidhi.’

35 Nezvo anotaura mune rumwe rwiyo achiti, ‘Hamuregi mutsvene wenyu achiora.’

36 Nokuti Dhavhidhi paakapedza kuita zvaakanga atarirwa naMwari kuti aite muchizvarwa chake akafa akandovigwa pamwechete namadzitateguru ake akaora.

37 Asi iye akamutswa naMwari, haana kuora.

38 Naizvozvo chizvizivai hama dzangu kuti nokumunhu uyu kuregererwa kwezvitadzo kunoparidzwa kwamuri.

39 Munhu wose anotenda anosunungurwa naye muna zvose zvamakanga musingakwanisi kusunungurwa nomutemo waMosesi.

40 Saka, chenjerai, kuti zvimwe, mungawirwe nezvakataurwa muvaporofita zvinoti:

41 ‘Chinzwai imi vanyombi dzungairai muparare nokuti ndichaita chimwe chinhu mumazuva enyu chinhu chamusingabvumi kudavira kana munhu akutaurirai.’ ”

42 Pavakanga vava kubuda vanhu vakakumbira kuti vazovataurirazve zvinhu izvi paSabata raitevera.

43 Pakapera musangano wapasinagogu, vaJudha vazhinji navanamati vaMwari vakanga vapindukira kuchiJudha, vakatevera Pauro naBhanabhasi vakataura kwavari vachivakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari.


Pauro naBhanabhasi vakasarudza kusva vandoparidza kune vechirudzi

44 Pasabata rakatevera chifo cheguta rose rakaungana kuti vazonzwa shoko raMwari.

45 VaJudha pavakaona manyore manyore avanhu vakazadzwa neshanje vakapikisana nezvaitaurwa naPauro vakamunyomba.

46 Pauro naBhanabhasi vakataura nokushinga vachiti, “Shoko raMwari raifanira kutanga rataurirwa kwamuri. Zvino zvamariramba mukaona kuti hamukodzeri upenyu usingaperi, chinzwai, isu tava kuenda kune vechirudzi.

47 Ndizvo zvatakaudzwa naTenzi kuti tinofanira kuita paakati, “ ‘Inga ndakaita kuti uve chiedza kune vechirudzi kuti ruponeso rwangu rusvike kwakaperera nyika chaiko.’ ”

48 Vechirudzi pavakazvinzwa, vakafara vakarumbidza Shoko raMwari, vose zvavo vakanga vakasarudzirwa upenyu usingaperi vakatenda.

49 Shoko raMwari rakapararira munyika iyoyo.

50 Asi vaJudha vakamutsa mweya usina kunaka pakati pamadzimai epamusoro, vanamati, navakuru vakuru vechirume vomuguta iroro vakatanga kutambudza Pauro naBhanabhasi vakavadzinga mudunhu ravo.

51 Asi ivo vakazunza guruva patsoka dzavo rokuti vazviparira rushambwa, vakaenda kuIkoniumu.

52 Vadzidzi vakazadzwa norufaro uye naMweya Mutsvene.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy