Joshua 2 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaVasori vanotumwa kuJeriko 1 Joshuwa, mwanakomana waNuni, akatuma varume vaviri vachibva kuShitimu kundosora muchiverevere achiti, “Endai mundoongorora nyika iyo, zvikurukuru muongorore Jeriko.” Vakaenda, vakasvikira mumba mepfambi yainzi Rahabhu, vakararamo. 2 Mambo weJeriko akataurirwa kuti, “Kune vamwe varume vechiIsiraeri vauya muno kuzosora nyika ino.” 3 Ipapo mambo weJeriko akatuma shoko kuna Rahabhu rokuti, “Buritsa varume vauya kwauri vapinda mumba mako nokuti vauya kuzosora nyika yose.” 4 Asi mukadzi uyu akatora varume ava akavahwandisa akati, “Ichokwadi, varume ivavo vauya kwandiri, asi handina kuziva kwavanobva nako. 5 Kuzoti kwasviba, tave kupfiga suo guru reguta, varume ivavo vabva vaenda. Zvino handisi kuziva kwavaenda nako. Vateverei nokukurumidza, munotovabata.” 6 Asi iye akanga avakwidza padenga remba akavahwandisa mumashanga efurakisi aakanga arongerera pamusoro pemba. 7 Saka varume vaya vakabvapo vachironda vasori vaya, vakaenda nenzira yokunaJorodhani vakasvika kumazambuko. Pavakangoti budeimo, suo guru reguta rakabva rapfigwa. 8 Vasati vavata, mukadzi uyu akakwira padenga pavaiva vari, 9 akati kuvarume ivavo, “Chandinoziva ndechokuti, Tenzi akakupai nyika ino uye tiri kukutyai chaizvo, vanhu vose vomunyika ino vari kukutyai. 10 Chandinodariro ndechichi chokuti, takanzwa zvokuomesa kwakaitwa mvura yeGungwa Dzvuku naTenzi mberi kwenyu pamaibva kuIjipiti, tikanzwawo zvokuparadza kwamakaita Sihoni naOgu, madzimambo maviri avaAmori, kumhiri kwaJorodhani. 11 Patakazvinzwa takadedera, tikarasa mwoyo pamusana penyu nokuti Tenzi, Mwari wenyu ndiye Mwari kudenga kumusoro, napanyika pasi pano. 12 Saka chinditsidziraiwo mupike naTenzi kuti zvandakuitirai mwoyochena, imi muchaitirawo vemba yababa wangu mwoyochena, mundipe chiratidzo chinovimbika chemhiko iyoyo. 13 Tsidzai kuti muchararamisa baba naamai vangu, nehanzvadzi, uye vakoma navanun'una vangu, navose vemhuri dzavo, mutinunure kurufu.” 14 Varume ava vakapika vachimutsindidzawo kuti, “Tinosarudza zvedu kufa pane kuti imi mufe! Kana mukarega kuudza vanhu nezvenyaya yedu, tichakuitirawo mwoyochena tichichengeta shoko redu kwamuri patichapiwa nyika ino naTenzi.” 15 Mukadzi uyu akavaburitsa napawindo, akavadzikisa pasi netambo nokuti imba yake yakanga yakavakirwa murusvingo rweguta iri, saka aitogara murusvingo chaimo. 16 Mukadzi uyu akavati, “Endai kumakomo kuti murege kuwanikwa novokuronda. Vandai ikoko kwamazuva matatu kusvikira vokuronda vacho vadzoka mozoenda zvenyu.” 17 Varume ava vakamuti, “Hatimbokunyengedza pamhiko yawatipikisa. 18 Chinzwa kana tava kuzopinda munyika ino sungirira kamucheka katsvuku aka pawindo paunotiburitsa napo uchitidzikisa pasi. Unganidza vana baba naamai vako, nehanzvadzi dzako nemhuri yose yababa wako, mumba mako. 19 Kuwana anobuda mumba mako imomo achitoenda zvake panze munzira, rufu rwake ndorwokuzviparira, haizovi mhosva yedu. Asi kana kukangourayiwa ani zvake anenge anewe mumba mako, mhosva ndeyedu. 20 Asi ukangoudza munhu nezvenyaya yedu iyoyi, zvemhiko yako iyi zvatibva, haichatisunga.” 21 Mukadzi akapindura achiti, “Ndizvozvo, ngazviitwe saizvozvo.” Ndokubva avarega voenda zvavo, iye ndokusungirira kamucheka katsvuku kaya pawindo. 22 Varume ava vakabvapo, vakananga kumakomo vakagarako mazuva matatu kudzamara vaivaronda vadzoka, vakanga vavatsvaka munzira yose vakavashaya. 23 Varume vaviri vaya vakaburuka mumakomo, vakayambuka, vakasvika kuna Joshuwa mwanakomana waNuni, vakamuudza zvose zvavakasangana nazvo. 24 Vakataurira Joshuwa vachiti, “Chokwadi chaicho ndechokuti, Tenzi atoisa nyika iyoyo mumaoko edu, vose vageremo vapera nokutitya.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe