Online Bible

- Reklamy -

Joshua 16 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Nyika yevedzinza rokwaEfuraimu neyechimwe chikamu chevokwaManase vokumadokero

1 Nyika yakagoverwa vokwaJosefi, yaibvira muna Jorodhani pedyo neJeriko kumabvazuva kwematsime emvura yeJeriko zvichienda kugwenga rinobvira kuJeriko richienda kunyika yamakomo kusvikira kuBhetieri.

2 Yaizobvira kuBhetieri yonanga nokuguta reRuzi yoenda kuAtaroti, nyika yevokwaAki.

3 Yozodzika yakananga kumadokero kumuganhu nevaJafureti kusvikira kumuganhu weBhetihoroni yezasi, yoenda kuGezeru yondosvika kugungwa reMedhiterenieni.

4 Saka vedzinza rokwaManase nerokwaEfuraimu, vokwaJosefi vakagoverwa nhaka yavo.


Nyika yokwaEfuraimu

5 Nyika yevedzinza rokwaEfuraimu nemhuri dzavo yakanga yakamira yakadai: Muganhu wenhaka yavo iyi kumabvazuva waiva Atarotiadha kusvikira kuBhetihoroni yokumusoro,

6 wobva wananga kugungwa reMedhiterenieni wakaisa Mikimetati kuchamhembe, wopota nokuTaanatishiro wakananga kumabvazuva wopfuurapo uchingoenda kumabvazuva wosvika kuJanoa.

7 Waizobva kuJanoa wodzika kuAtaroti nokuNaara wobva wasvika kuJeriko uchindosvika muna Jorodhani.

8 Kubvirawo kuTapua, muganhu uyu waienda kumadokero kundosvika kukakova keKana uchindosvika kugungwa reMedhiterenieni. Iyoyi ndiyo nhaka yevedzinza rokwaEfuraimu nemhuri dzavo.

9 Zvaisanganisirawo maguta akanga apiwa vedzinza rokwaEfuraimu mukati menhaka yakagoverwa vedzinza raManase, maguta iwayo ose nemisha yawo.

10 VokwaEfuraimu ava havana zvavo kudzinga vaKanani vaigara muGezeru. Saka vaKanani vagere pakati pevokwaEfuraimu kusvikira pari nhasi, asi vava kungogara vachivaitira basa zvechibharo.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy