Isaya 64 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Dai mabvurura matenga mukaburuka pasi pano, makomo angandengendeke nokuvapo kwenyu imi, 2 sokubvira kunoita tsotso, sokufashaidza mvura kunoita moto kuti zita renyu rizivikanwe nevavengi venyu, marudzi adedere pamusana pokuvapo kwenyu. 3 Inga wani makaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisingatarisiri. Makaburuka pasi makomo akandengendeka pamusana pokuvapo kwenyu. 4 Kubvira pasichigare hazvina kumbonzwika kana kupinda munhu munzeve kunyange ziso zvaro rati ramboona mumwe Mwari kunze kwenyu imimi, anoitira zvakadai vanotarisira kwaari. 5 Munosanganawo naanofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu imi. Handiti makashatirwa, isu tichikutadzirai tagarisa muzvitadzo zvedu zvino tichaponeswawo here iyesu? 6 Tose zvedu isu, tangova somunhu akan'ora. Zvose zvazvo zvoururami zvatakaita zvava kunge hanzu dzakatindivara. Tose tabhuruvara seshizha. Zvino uipi hwedu uhu hunotipupurutsa semhepo. 7 Hakuna kana nomumwe achiri kunamata zita renyu kana anombonzwawo shungu yokuti abatirire pamuri, nokuti makazvihwandisa kwatiri ndokubva matiti kuche kuzvitadzo zvedu. 8 Asi imi Tenzi, ndimi Baba wedu. Isu tiri ivhu rokuumbisa imi ndimi muumbi wedu tose zvedu tiri basa ramakaita imi namaoko enyu. 9 Tenzi regai zvenyu kubva matoshatirwa mukadaro. Regai zvenyu kuramba mongorangarira zvakaipa nokusingaperi. Tonderai inga wani tose tiri vanhu venyu. 10 Maguta enyu anoera angova renje zvaro, guta reZioni rava renje chairo, Jerusaremu rave dongo. 11 Imba yedu iyi inoera yakanakisisa kwazvo mamairemekedzerwa nemadzibaba edu yakaroromeswa nomoto. Nzvimbo dzedu dzose dzakanaka dzangova matongo zvawo. 12 Zvino moramba makangotarisa zvenyu here zvinhu zvakadai nhai Tenzi? Moramba makangonyarara zvenyu here muchitionesa nhamo inorwadza kudai? |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe