Isaya 62 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaNhetembo yechipiri yomukurumbira weguta reJerusaremu ramangwana 1 Pamusana peZioni, handimbonyarara kutaura. Pamusana peguta reJerusaremu handimbozorora kusvikira kupembedzwa kwaro kwajeka sechiedza, ruponeso rwaro rwanyatsovhenekera semwenje. 2 Marudzi avanhu achaona kupembedzwa kwako, madzimambo ose achaonawo mbiri yako. Iwe uchadaidzwa nezita idzva rauchatumidzwa naTenzi nomuromo wake. 3 Uchave ndaza yakanakisisa muruoko rwaTenzi, nenyembe youmambo chaiyo muruoko rwaMwari wako. 4 Iwe hauchazonzi, “Murambwi,” nyika yako haichazonzi, “Dongo.” Asi uchatonzi, “Wangu wapamwoyo,” nyika yako ichinzi, “Muroora,” nokuti Tenzi anofadzwa newe, nyika yenyu icharoorwa 5 sezvinongoita mukomana anoroora mhandara, iye akakuvaka wacho achakuroora uye sokufarira kunoita mukomana mukadzi waaroora ndokukufarirai kuchaita Mwari wenyu. 6 Pasvingo ako iwe Jerusaremu ndaisa vatariri, havambonyarara siku nesikati. Imi munoyeuka Tenzi kudai musazorore, 7 musambomupa zvenyu zororo, kudzamara aita kuti guta reJerusaremu rimire ariita kuti rive nomukurumbira pasi pano. 8 Tenzi apika norudyi rwake apika nesimba roruoko rwake kuti, “Handichambofa ndakapazve mbesanwa dzenyu kuti dzive chokudya chavavengi venyu uye vatorwa havasi kuzombonwazve waini yenyu yamakadikitira kushanda. 9 Asi kutoti vanenge vaisa mbesanwa mumatura ndivo vachadzidya vachirumbidza Tenzi, vanenge vatanha magirepisi ndivo vachanwa waini yacho vari munhandare dzeNzvimbo yangu Inoera.” 10 Pindai pindai nomumisuo mikuru gadzirirai vanhu mugwagwa, gadzirai gadzirai mugwagwa mukuru mubvisei mabwe musimudze mureza pamusoro pendudzi dzavanhu. 11 Teererai munzwe, Tenzi ari kuzivisa vanhu kusvikira kwakaperera nyika. Itii kuguta reZioni, “Tarisai muone, ruponeso rwenyu rwava kusvika. Tarisai muone, mubayiro wake anawo, muripo wake ndiwo waanotungamidza.” 12 Vachanzi vanhu, “Vanoera vaNyakununurwa vaTenzi” iwe uchinzi, “Wapamwoyo pavanhu guta risina kutizwa.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe