Isaya 27 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Pazuva iroro Tenzi acharanga zigaranyanya nebakatwa rake rakaoma guru rakasimba, iro zinyoka rokutiza, zigaranyanya, zinyoka rinozvongonyoka, achaurayawo zigaranyanya romugungwa. 2 Pazuva iroro Tenzi achataura nezvemunda wake wamagirepisi achiti uimbirei muchiti, 3 “Ini Tenzi ndini muchengeti wawo ndinoudiridzira nguva dzose. Kuitira kuti pasave naanouparadza ndinouchengetedza siku nesikati. 4 Hasha aiwa handichisina. Dai kuri kuti pane minzwa norukato zvandinofanira kuita hondo nazvo, ndaitosimuka ndikarwisana nazvo, ndaizviti unga unga ndizvipise. 5 Kana vachida kudzivirirwa neni ngavayanane neni.” Kuregerwa nokurangwa 6 Mune ramangwana Jakobho achadzika midzi, Isiraeri ichatumbuka igoita nhungirwa igozadza pasi pose namapudzi. 7 Ko akamboirova here sokurova kwaakaita, vakamboirova? VaIsiraeri vakambourayiwa here sokuurayiwa kwakaitwa vakambovauraya? 8 Makavaitira zvine mwero nokumbovaita kuti vatapwe maitira kuti vafunge akavabvisa aviruka kwazvo nehasha pazuva remhepo yokumabvazuva. 9 Saka naizvozvo chitadzo chevokwaJakobho chichazoregererwa, izvozvi ndouchava mubayiro wokuregererwa kwechitadzo chavo. Paachaita kuti mabwe ose eatari abhwadutsirwe pasi somunyakwe somunyakwe kuti mwarara, hapana chifananidzo chokunamata chinomiririra Ashera kana atari dzorusenzi dzichasara dzimire; 10 nokuti guta retsvingo rangosara rava roga roga somusha wakasiyiwa wakaramwiwa, serenje chairo mava kutofura zvamo mhuru ichitorara zvayo pasi ichitokwazwura zvayo mapazi aro. 11 Kana mapazi aro anooma otyoka vakadzi vanouya vozoakuhwidzisa moto. Pamusana pokuti vanhu ivava vanhu vasina pfungwa, naizvozvo iye akavasika haazovanzwira tsitsi iye wacho akavaumba haambovaitira mwoyochena. 12 Pamusi iwoyo kubvira kuRwizi rweYufuratesi kusvikira kuKakova keIjipiti, Tenzi achapfuura achikunongererai mumwe nomumwe imi vanhu veIsiraeri. 13 Zvino nezuva iroro kucharidzwa zibhosvo guruguru. Vanhu vakanga vateterekera munyika yeAsiria navakanga vambodzingwa munyika yeIjipiti, vachauya kuzopfugamira Tenzi pagomo rinoera muJerusaremu. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe