Online Bible

- Reklamy -

Isaya 22 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Zvaizowira Jerusaremu mumafaro aro

1 Herino shoko rakanangana neBani Rechiratidzo. Ndochii chamaita ichochi chokukwira mudenga, mose zvenyu pamatenga pedzimba kudaro

2 iyewe uzere mheremhere guta rebongozozo guta ramafaro? Vako vakaurayiwa, havana kuita zvokuurayiwa nebakatwa kana kufira muhondo.

3 Vatongi vako vose zvavo vati ware kutiza pamwechete, asi vabatwa pasina kana kumboshandiswa uta. Vako vose vangowanikwa, vabatwa, kunyange vanga vatizira kure kure.

4 Naizvozvo ini ndati, “Ndifuratirei zvenyu ndicheme zvangu misodzi yeropa. Regai kuzvinetsa nokundinyaradza pamusana pokuparara kwomukunda wevanhu vokwangu, Jerusaremu.”

5 Chiripo ndechokuti, Tenzi Mwari wehondo nehondo ane zuva rebongozozo nokutsokodzera nemanyongori mubani rechiratidzo, rokuwondomorera pasi rusvingo nokudaidzira kumakomo.

6 Eramu ndoyakapakata mukutu iine ngoro dzehondo nevarwi vemabhiza, uye vaKiri voisa nhoo pachena.

7 Mapani enyu akanakisisa achiti shutu nengoro dzehondo, varwi vemabhiza vamira panzvimbo dzavo pamusuo mukuru.

8 Abvisa changa chichidzivirira vokwaJudha. Nomusi iwoyo makandotarisa zvombo zvokurwisa nazvo zvokuImba yezvokuimbayesango

9 mukaona kuti zvikanganiso zveGuta raDhavhidhi zvakanga zvakawanda mukandoteka mvura yokudziva rezasi.

10 Mukaverenga dzimba dzomuJerusaremu mukapaza dzimba movakiridza rusvingo kurusimbisa.

11 Makagadzira zigaringiro rokuchengetera mvura pakati petsvingo mbiri rokubata yomudziva rekare riya. Asi hamuna kutarisa kwaari iye nyakuriita kana kumbokendenga zvenyu nezvaiye akaronga kareko kuti rizoitwa.

12 Pazuva iroro Tenzi Mwari wehondo nehondo akati vanhu vaungudze kuchema vaine miparavara vakapfeka hanzu dzamasaga.

13 Hoko kupembera nokusasana pachibayiwa mombe nehwai nokudyira-dyira nyama nokunwira-nwira waini vachiti, “Ngatidyei tinwe nokuti mangwana tinofa.”

14 Tenzi wehondo nehondo pachake akandizivisa ndikazvinzwa nenzeve dzangu idzi kuti, “Havambofa vakaregererwa uipi ihwohwu vanofa vakadaro,” ndizvo zviri kutaurwa naTenzi Mwari wehondo nehondo.


Kuyambirwa kwaShebhuna naMwari

15 Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Chiuya uende kuna Shebhuna mutariri wokumuzinda umubvunze kuti,

16 ‘Chii chauri kuita pano? Waunovimba naye ndiani chaizvo kutozvicherera zvako guva mudombo kudai, iwe unotozvicherera zvako guva mudombo pamusorosoro kudaro uchitozvivezera imba mudombo nhai?’

17 Chinzwa, Tenzi achanyatsokuti hupukupu kukukanda kure, iyewe mukweshwa werume. Achanyatsokuti dzvi kukubata agokuvheyesa chamudzungururu

18 agokupotsera sebhora munyika yakapamhama. Ikoko ndokwauchafira, ikoko ndokuchava nengoro dzako dzehondo dzamandiriri, iyewe nyakufumura imba yatenzi wako.

19 Ndichakudzinga pabasa, ndigokubvisa pachigaro chako chaunacho.

20 Pazuva iroro ndichadaidza muranda wangu Eriyakimu mwanakomana waHirikiya

21 ndigomupfekedza gemenzi rako bhanhire rako ndirisunge paari ndigoisa ukuru hwako mumaoko ake, iye achizova baba wavagari vomuJerusaremu nevemba yokwaJudha.

22 Iye ndiye wandichatakudza pamafudzi basa rokuva nekiyi dzemba yaDhavhidhi. “Kana azarura, hapana anokwanisa kuzarira, Kana azarira hapana anogona kuzurura.

23 Ndichamuroverera sehoko panzvimbo yakanyatsosimba, achave noumambo hunopa mukurumbira kuimba yababa vake.

24 Vemba yababa vake vachamuti memete vakarembera vose paari vana navazukuru semidziyo midiki yose yomumba kubvira kumakapu kusvikira kuzvirongo zvose zvikuru.

25 Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, nomusi iwoyo hoko yakanga yarovererwa panzvimbo pakasimba ichazunguzika, ichatemwa igowa. Ipapo mutoro wakanga wakaiswa pairi uchaparadzwa, nokuti ndozvataurwa naTenzi.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy