Isaya 14 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaKudzoka kwenhapwa 1 Tenzi achanzwira Jakobho ngoni achisarudzazve Isiraeri uye achavaita kuti vagare munyika mavo, vatorwa vachazobatana navo kugaramo vagoti kwati kwati kune vemba yaJakobho. 2 Vechirudzi ava vachavatora vachivaendesa kwavo uye veimba yaIsiraeri vachavaita vavo munyika yaTenzi sevaranda vavo vechirume nevechikadzi. Vachatapa zvavo vacho vakambovatapa ivavo votonga zvino vaye vokumbovabata zvakaipa. Mambo wenyika yeBhabhironi munzvimbo yevachakabvu 3 Tenzi paachakuzorodzai kumarwadzo enyu nomupfumvu yenyu nepabasa rakaomarara ramaishandiswa, 4 muchatotsvinyirawo mambo weBhabhironi muchiti, “Hezvoka, nyakuitira vamwe zvakaipa, zvakuperera kuzvitutumadza nehasha kwapera. 5 Tenzi atyoranisa shamhu yomuipi, iyo tsvimbo yamadzishe 6 akarova ndudzi dzavanhu akashatirwa achadakarira kurova chete, achitonga dzindudzi dzavanhu akatsamwa achivaonesa ndondo pasina zvokumbomira. 7 Nyika yose yave norugare norunyararo vanhu vachitomboimba zvavo. 8 Miti yemisaipurasi yototi toko waro nokufara! Miti yemusidhari yokuRebhanoni yotiwo, ‘Kubvira musi wawakanzi pasi mbombombo nevokutema miti havachambotivinga.’ 9 “Nzvimbo yavakafa, yavachakabvu yatozhandanuka kuzochingurana newe, paunosvikako inomutsa vachakabvu kuti vakukwazise vaiva vatungamiriri panyika. Inovasimudza pazvigaro zvavo zvoumambo vose vaimbova madzimambo endudzi dzavanhu. 10 Vose vachataurawo kwauri vachiti, ‘Newe wachitiwo rukutu sesu! Tafanana! 11 Kuenda mbiri kwako nomutinhimira wemadimbwa ako zvachinzi pasi mbombombo, munzvimbo yevachakabvu, zvidukutse ndizvo zvava bonde rako, poworara honye ndodzava gumbeze rako.’ 12 “Zvakuvingaka! Kutotozomoka mudenga kudai, iwe Nyamatsatsi, hweva yamangwanani zvauya sei kuti unzi pasi rikiti, iyewe waimbombomesa ndudzi dzavanhu, 13 waizviti nechomumwoyo, ‘Ndichaita chitundumusere-musere chaicho kukwira kudenga kupfuura nyenyedzi dzaMwari, ndiise chigaro changu choumambo pamusoro, nditi zvangu tendhe kugara pagomo padare ravo riri kuchamhembe uko. 14 Ndichakwira kumusoro kwamakute, ndizviite soWokumusorosoro.’ 15 Asi waunzwa pasi kunzvimbo yevachakabvu pasi pasi chaipo peGomba. 16 Vachakuona vacharamba vakakuti kanha kutarisa vachifunga nezvako vachiti; ‘Ndiye here chokwadi munhu aiita kuti pasi padedere uyu? Aingwendesa dzinyika, 17 nyakuita kuti nyika ive segwenga achikurira maguta ayo, vasungwa vake, asingavabvumire kudzokera kumusha?’ 18 Madzimambo ose arere zvawo nomukurumbira wawo mumwe nomumwe muguva rake, 19 asi iwe warasirwa kunze, kure neguva rako sokusemwa kunoitwa kusvodza, wakomberedzwa navakaurayiwa, vaya vakabayiwa namapakatwa vanoenda mumatombo eGomba sechitunha chiri kutsikirirwa zvacho netsoka. 20 Hauzi kuzovigwa sezvavakaitwa pamusana pokuti wakaparadza nyika yako ukauraya vanhu vako. Zvizvarwa zvevaiti vezvakaipa ngazvirege kana kuzombodomwa zita. 21 Gadzirirai kuuraya vanakomana vake pamusana pemhosva dzamadzibaba avo, vangadaro vakamukira nyika vakaiita yavo vakazadza pasi pano pose namaguta.” Mwari achaparadza Bhabhironi 22 Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Ndichavamukira ndigotsakatisa muBhabhironi zita nechitsama chacho chakasara, mwana wose zvake nechizukuru chose, ndizvo zviri kurehwa naTenzi. 23 Ndichaiita kuti ive musha wenguruve dzomusango namadziva emvura ndichaitsvaira nomutsvairo wokuparadza ndizvo zviri kurehwa naTenzi wehondo nehondo.” Mwari uchaparadza nyika yeAsiria 24 Tenzi wehondo nehondo apika achiti, “Zvandakaronga ndizvo zvichaitika izvozvo uye zvandakati zvinoitwa ndizvo zvinoitika. 25 Ndichaparadza vaAsiria munyika mangu ndigoitsokodzera netsoka dzangu joki ravo richibva rabva pavari nomutoro wavo uchibva waturwa pamapfudzi avo.” 26 Ichi ndicho chinangwa chakatemwa chakanangana napasi pose uye urwu ndirwo ruoko rwacho ruchine shamhu ichiri mudenga yokuranga marudzi ose avanhu. 27 Nokuti Tenzi wehondo nehondo atema izvozvo ndiani achazvidzivisa, ruoko rune shamhu ruchiri mudenga ndiani acharudzora. Mwari achaparadza nyika yeFirisitia 28 Mugore rakafa mambo Ahazi kwakauya mutoro weshoko iri raiti, 29 “Musafare zvenyu vaFirisitia, mose zvenyu muchiti shamhu yaitirova yakatyoka nokuti panzvimbo penyokawo zvayo pava kubuda chiva, vana vacho vachava nyoka dzinobhururuka. 30 Asi varombo vokupedzesera vachafura zvavo mumafuro angu vapemhi vachinyatsogarikana, asi ndichauraya dzinde rako nenzara uye chitsama chevako chinenge chasara ndichachiuraya. 31 Iwe suo guru hwihwidza kuchema, iwe guta chema. Gwambai nokutya imi vaFirisitia, gwambai imi mose zvenyu. Nokuti kuri kuuya utsi huchibva kuchamhembe muhondo yake imomo hamuna mbwende.” 32 Chii chatichapindura nhume dzavaFirisitia? Tichati Tenzi akavaka guta reZioni, mariri vanhu varo vachawana pokuhwanda. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe