Online Bible

- Reklamy -

Genesi 48 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Kukomborerwa kwaEfuremu naManase

1 Kuzoti kwati perei chinguva Josefi akaudzwa kuti baba vake varwara, nokudaro akaendako navanakomana vake vaviri Manase naEfuremu.

2 Jakobho paakanzwa kuti mwana wake Josefi auya akazvisimbaradza akamuka akaita zvokugara pamubhedha.

3 Jakobho akataurira Josefi achiti, “Iye Aripagomo akazviratidza kwandiri paRuzi kuKanani akandikomborera.

4 Akanditiwo, ‘Ndichakupa vana vazhinji, ndigokuitai kuti muwande zvokuita madzinza namadzina avanhu. Ndichapa zvizvarwa zvako zvichauya nyika ino kuti ive yavo nokusingaperi.’

5 “Zvino vanakomana vako vaviri vakaberekerwa muno muIjipiti ndisati ndauya kuno vava vana vangu. Vana vako ava Efuremu naManase, vava vana vangu chaivo zvakangoita Rubheni naSimeoni.

6 Asi vawakazoberekerwa mushure mavo, ndivo vachava vana vako. Nhaka yavo vanotozoiwana muzita ravakoma vavo ivavo.

7 Ndinodaro nokuti pandaibva kuMesopotamia, amai vako Rakeri vakandifira panzira munyika yeKanani tava kuda kundosvika kuEfurati, ndiyowo Bheterehemu, ndikavaviga ipapo.”

8 Isiraeri paakaona vana vaJosefi vakomana akati, “Ko ava ndivananaaniko ava?”

9 Josefi akati kuna baba vake, “Ava ndivo vana vangu vandakapiwawo naMwari muno umu.” Iye akati, “Chiuya navo kuno ndivakomborere.”

10 Meso aIsiraeri akange oonera madzerere asisaone zvakanaka nokuti akanga akwegura. Josefi akaswededza vana vake pana baba vake. Jakobho akavatsvoda achivafungatira.

11 Jakobho akataurira Josefi achiti, “Handina kufunga kuti ndichazokuonazwe. Asi Mwari akandibatsira ndikatoonawo navana vako.”

12 Josefi akazovabvisa pamakumbo ababa vake akabva apfugama akakotamisa musoro.

13 Josefi akauya navana vake vari vaviri akati Efuremu kurudyi, Manase kuruboshwe. Akavaisa pana baba vake Isiraeri akati Efuremu kuruboshwe rwavo Manase kurudyi rwavo.

14 Isiraeri akapesanisa maoko ake achiisa ruoko rwake rworudyi pamusoro waEfuremu aiva muduku, akaisa ruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase aiva dangwe.

15 Jakobho akakomborera Josefi achiti, “Mwari aiteverwa namadzibaba angu Abhurahamu naIsaki, Mwari akava mufudzi wangu muupenyu hwangu hwose kusvikira zuva ranhasi,

16 iye mutumwa waMwari aindinunura pose pandainge ndawirwa nenjodzi, ngaakomborerewo vakomana ava. Zita rangu namazita amadzibaba angu Abhurahamu naIsaki ngaarege kurova pavana ivava. Mwari ngaavape vana vazhinji.”

17 Josefi paakaona baba vake vaisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu, hazvina kumufadza. Akabata ruoko rwababa vake achida kurubvisa pamusoro waEfuremu kuti aruise pamusoro waManase

18 Josefi akati, “Handizvo baba, uyu ndiye dangwe. Dai maisa ruoko rwenyu rworudyi pamusoro wake.”

19 Asi baba vake vakaramba vakati, “Ndinoziva zvandiri kuita mwanangu. Iye achazovawo dzinza guru ravanhu. Asi munun'una wake ndiye achava mukuru kupinda iye. Vana vaEfuremu vachava ndudzi zhinji dzavanhu.”

20 Jakobho akavakomborera pamusi iwoyo achiti, “VaIsiraeri vachakomborerana vachiti, ‘Mwari ngaakuitei saEfuremu naManase.’ ” Naizvozvo Jakobho akapa Efuremu ukuru hunopfuura hwaManase.

21 Jakobho akarayira Josefi achiti, “Ini ndava kufa, asi Mwari achava nemi, achakudzoserai kunyika yemadzibaba enyu.

22 Iwe ndinokupa mumwe mugove wandisingape vakoma nevanun'una vako. Ndinokupawo dunhu reShikemu randakatora pandakarwisa vaAmori nebakatwa rangu nouta hwangu.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy